ShonaTeam Judges « 8 »

Gidheoni anokunda asi anoramba kuva mambo

8Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari: Chii chinhu ichi chawaita kwatiri, kuti hauna kutidana kana uchienda kunorwa naMidhiani? Vakapokana naye zvine simba.

2 Iye ndokuti kwavari: Ndaitei ikozvino chingaenzaniswa nezvenyu? Kufuhurura kwaEfuremu hakuna kunaka kupfuura goho remazambiringa raAbhiezeri here?

3 Mwari wakapa muruoko rwenyu machinda aMidhiani, Orebhi naZeebhi; ndaigona kuiteiwo semwi? Zvino kutsamwa kwavo kwakaserera kubva kwaari paaitaura shoko iri.

4 Zvino Gidheoni wakasvika paJoridhani, akayambuka, iye nevarume mazana matatu vaiva naye; vaneta asi vachidzingirira.

5 Zvino wakati kuvarume veSukoti: Ipai henyu vanhu vari patsoka dzangu mabumburu ezvingwa, nokuti vaneta, zvino ndinodzingirira shure kwaZebha naZarimuna madzimambo aMidhiani.

6 Zvino machinda eSukoti akati: Chanza chaZebha naZarimuna ikozvino chiri muruoko rwako here, kuti tipe hondo yako chingwa?

7 Gidheoni ndokuti: Naizvozvo kana Jehovha akapa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ipapo ndichapura nyama yenyu neminzwa yemurenje uye nerukato.

8 Zvino wakakwira kubvapo kuenda kuPenueri, ndokutaura kwavari saizvozvo. Varume vePenueri ndokumupindura varume veSukoti sezvavakapindura.

9 Akataurawo kuvarume vePenueri achiti: Pakudzoka kwangu nerugare, ndichaputsa shongwe iyi.

10 Zvino Zebha naZarimuna vaiva muKarikori nemisasa yavo inavo, vanenge zvuru gumi nezvishanu; vose vaiva vasara pamusasa wose wevana vekumabvazuva; nokuti kwakawa varume zvuru makumi matatu vaivhomora munondo.

11 Gidheoni ndokukwira nenzira yevaigara mumatende, kumabvazuva kweNobha neJogobheha, ndokurova musasa, nokuti musasa waiva usingatarisiri.

12 Zvino Zebha naZarimuna vakatiza, iye ndokuvadzingirira, ndokutapa madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, ndokuvhundusa musasa wose.

13 Zvino Gidheoni mwanakomana waJoashi wakadzoka kubva kuhondo kubva pamukwidza weHeresi.

14 Zvino wakabata jaya revarume veSukoti ndokuribvunza; iro ndokumunyorera machinda eSukoti nevakuru vayo, varume makumi manomwe nevanomwe.

15 Zvino wakasvika kuvarume veSukoti ndokuti: Tarirai, Zebha naZarimuna vamaindiseka pamusoro pavo muchiti: Chanza chaZebha naZarimuna ikozvino chiri muruoko rwako here, kuti tipe varume vako vaneta chingwa?

16 Zvino wakatora vakuru veguta, neminzwa yemurenje nerukato, ndokudzidzisa varume veSukoti nazvo.

17 Neshongwe yePenueri wakaputsa, ndokuuraya varume veguta.

18 Zvino wakati kuna Zebha nekuna Zarimuna: Varume vakadini vamakauraya paTabhori? Ivo ndokuti: Semwi vaiva vakadaro; umwe neumwe sechimiro chevana vamambo.

19 Iye ndokuti: Vaiva vanin'ina vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vachirarama, ndingadai ndisina kukuurayai.

20 Zvino wakati kuna Jeteri dangwe rake: Simuka uvauraye. Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nokuti rakatya, nokuti waiva achiri jaya.

21 Zebha naZarimuna ndokuti: Simukai imwi, mugowira pamusoro pedu, nokuti sezvakaita murume rakadaro simba rake. Gidheoni ndokusimuka, ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokutora zvakaita semwedzi zvaiva pamitsipa yemakamera avo.

22 Zvino varume vaIsraeri vakati kuna Gidheoni: Mutitonge mose imwi nemwanakomana wenyu nemwanakomana wemwanakomana wenyu, nokuti makatiponesa paruoko rwevaMidhiani.

23 Gidheoni ndokuti kwavari: Ini handingakutongii, kunyange mwanakomana wangu haangakutongii; Jehovha achakutongai.

24 Zvino Gidheoni wakati kwavari: Regai ndikumbire chikumbiro kwamuri; ndipei umwe neumwe mhete yechakapambiwa chake. Nokuti vaiva nemhete dzegoridhe, nokuti vaiva VaIshimaeri.

25 Zvino vakati: Tichapa kwazvo. Zvino vakawarira nguvo, ndokukandirapo umwe neumwe mhete yechakapambiwa chake.

26 Zvino uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwaiva mashekeri churu nemazana manomwe egoridhe; kusingaverengwi zvakaita semwedzi nezviremberedzwa nenguvo dzeruvara rwehute dzaiva pamadzimambo aMidhiani, uye kusingaverengwi uketani hwaiva pamitsipa yemakamera avo.

27 Zvino Gidheoni wakaita efodhi nazvo, ndokuiisa muguta rake, paOfura. Zvino vaIsraeri vose vakafeva vachiitevera ipapo. Ukava musungo kuna Gidheoni nekune veimba yake.

28 Saizvozvo vaMidhiani vakawisirwa pasi pamberi pevana vaIsraeri, havana kuzosimudzazve musoro wavo. Nyika ndokuva nerunyararo makore makumi mana pamazuva aGidheoni.

29 Zvino Jerubhaari mwanakomana waJoashi wakaenda ndokugara mumba make.

30 Zvino Gidheoni waiva nevanakomana makumi manomwe vakabuda muchiuno chake, nokuti waiva nevakadzi vazhinji.

31 Zvino murongo wake waiva paShemi wakamuberekerawo mwanakomana, iye ndokutumidza zita rake Abhimereki.

32 Gidheoni mwanakomana waJoashi ndokufa akwegura zvakanaka; akavigwa muguva raJoashi baba vake paOfura revaAbhiezeri.

33 Zvino zvakaitika Gidheoni paakafa kuti vana vaIsraeri vakadzokera shure ndokufeva vachitevera vana Bhaari; vakaita Bhaari-Bheriti kuva mwari wavo.

34 Uye vana vaIsraeri havana kurangarira Jehovha Mwari wavo wakavanunura kubva muruoko rwevavengi vavo vose kumativi ose.

35 Uye havana kuita ngoni kuimba yaJerubhaari, anova Gidheoni, sezvose zvakanaka zvaakaita kuna Israeri.