ShonaTeam Judges « 7 »

Vanhu mazana matatu vanokunda vaMidhiani

7Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, nevanhu vose vaiva naye vakamuka mangwanani, ndokudzika matende patsime reHarodhi; musasa waMidhiani ndokuva nechekumaodzanyemba kwake, pachikomo cheMore pamupata.

2 Jehovha ndokuti kuna Gidheoni: Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndipe vaMidhiani muruoko rwavo; zvimwe Israeri angazvikudza pamberi pangu achiti: Ruoko rwangu rwakandiponesa.

3 Naizvozvo ikozvino paridza hako munzeve dzevanhu uchiti: Ani nani anotya neanodedera, ngaadzoke, abve pagomo reGiriyadhi. Zvino zvuru makumi maviri nezviviri zvakadzoka pavanhu, ndokusara zvuru gumi.

4 Ipapo Jehovha ndokuti kuna Gidheoni: Vanhu vachiri vakawandisa; vaburusire kumvura, ndivaidzire iwe ipapo; zvino zvichaitika kune wandichati pamusoro pake kwauri: Uyu achaenda newe; ndiye achaenda newe; asi ani nani wandichati pamusoro pake: Uyu haangaendi newe; iye haangaendi.

5 Zvino wakaburusira vanhu kumvura. Jehovha ndokuti kuna Gidheoni: Ani nani anokapa pamvura nerurimi rwake sembwa inokapa, uchamuisa pake ega; uye ani nani anofugama nemabvi ake kunwa.

6 Zvino uwandu hwevaiva vakapa neruoko rwavo kumuromo wavo vaiva varume mazana matatu; asi vose vamwe vevanhu vakafugama pamabvi avo kunwa mvura.

7 Zvino Jehovha wakati kuna Gidheoni: Nevarume mazana matatu vakakapa ndichakuponesai, uye ndichapa vaMidhiani muruoko rwako; zvino endesa vanhu vose, umwe neumwe kunzvimbo yake.

8 Naizvozvo vanhu vakatora mbuva muruoko rwavo, nehwamanda dzavo; zvino wakaendesa varume vose vaIsraeri, umwe neumwe kutende rake, asi wakachengeta varume mazana matatu. Zvino musasa waMidhiani waiva pazasi pake mumupata.

9 Zvino zvakaitika usiku ihwohwo kuti Jehovha wakati kwaari: Simuka, burukira kumusasa, nokuti ndaupa muruoko rwako.

10 Asi kana uchitya kuburuka, buruka iwe naPura muranda wako kuenda kumusasa.

11 Zvino uchanzwa zvavanotaura; uye shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa ugoburukira kumusasa. Zvino wakaburuka iye naPura muranda wake kusvika kumapeto evarwi vaiva pamusasa.

12 Zvino vaMidhiani nevaAmareki nevana vose vekumabvazuva vaiva varere mumupata semhashu pakuwanda; nemakamera avo aiva asingaverengeki, sejecha riri pamahombekombe egungwa pakuwanda.

13 Gidheoni wakati achisvika, zvino tarira, munhu achirondedzera hope kushamwari yake, ndokuti: Tarira, ndarota hope, zvino tarira, keke rechingwa chebhari richikungurukira kumusasa waMidhiani, zvino rakasvika patende ndokurirova ndokuwa; ndokuripidigura kutarira kumusoro zvekuti tende rakawa.

14 Shamwari yake ndokupindura ndokuti: Ichi hachizi chimwe chinhu kunze kwemunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi murume waIsraeri; Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.

15 Zvino zvakaitika Gidheoni paakanzwa kurondedzerwa kwehope uye dudziro yayo kuti wakanamata; ndokudzokera kumusasa waIsraeri ndokuti: Simukai, nokuti Jehovha wakapa musasa waMidhiani muruoko rwenyu.

16 Zvino akaparadzanisa varume mazana matatu kuita mapoka matatu, ndokuisa hwamanda muruoko rwewose wavo pamwe nezvirongo zvisina chinhu, nemwenje mizhinji mukati mezvirongo.

17 Zvino wakati kwavari: Nditarirei, mugoita seizvi; zvino tarirai, kana ndichisvika kumacheto kwemusasa, zvichadai sezvandinoita, muite saizvozvo.

18 Kana ndichiridza hwamanda ini nevose vandinavo, ipapo nemwi mucharidza hwamanda kupoteredza musasa wose, muti: Munondo waJehovha newaGidheoni!

19 Naizvozvo Gidheoni nevarume zana vaaiva navo vakasvika kumucheto wemusasa pakutanga kwemurindiro weusiku wepakati, vachangomisa varindi; ndokuridza hwamanda, vachiputsawo zvirongo zvaiva mumaoko avo.

20 Zvino mapoka matatu akaridza hwamanda, ndokuputsa zvirongo, ndokubata mwenje muruoko rwavo rweruboshwe, nehwamanda dzekuridza muruoko rwavo rwerudyi, ndokudanidzira vachiti: Munondo waJehovha newaGidheoni!

21 Zvino vakamira umwe neumwe panzvimbo yake vakapoteredza musasa; musasa wose ndokumhanya, ndokudanidzira ndokutiza.

22 Ipapo zvuru zvitatu zvikaridza hwamanda, Jehovha ndokumisa munondo weumwe neumwe kurwisana neshamwari yake, uye mumusasa wese; musasa ndokutiza kusvika paBheti-Shita kuZererati, kusvika kumuganhu weAbheri-Mehora, pedo neTabhati.

23 Zvino varume vaIsraeri vakadanirwa pamwe kubva kwaNafutari nekwaAsheri nekwaManase wose, ndokudzingirirana naMidhiani.

24 Gidheoni ndokutuma nhume pagomo rose raEfuremu achiti: Burukai muchingamidze vaMidhiani, muvatangire kutapa mvura kusvika paBheti-Bhara neJoridhani. Ipapo varume vose vaEfuremu vakadanirwa pamwe chete, ndokutapa mvura kusvika paBheti-Bhara neJoridhani.

25 Zvino vakatapa vaviri vemachinda aMidhiani, Orebhi naZeebhi, ndokuuraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, ndokudzingirira Midhiani; uye misoro yaOrebhi naZeebhi vakauya nayo kuna Gidheoni mhiri kwaJoridhani.