ShonaTeam Judges « 5 »

Rwiyo rwaDhebhora

5Zvino Dhebhora naBharaki mwanakomana waAbhinowami vakaimba nezuva iro vachiti:

2 Kudzai Jehovha, nekuda kwekutsiva kwetsivo paIsraeri, kana vanhu vakazvipa nekuzvidira.

3 Inzwai madzimambo, mupe nzeve imwi machinda; ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; ndicharumbidza Jehovha Mwari waIsraeri nenziyo.

4 Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, pakutsika kwenyu muchibva musango reEdhomu, nyika yakadedera, uye matenga akadonha, uye makore akadonha mvura.

5 Makomo akayerera pamberi paJehovha, iro Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsraeri.

6 Pamazuva aShamugari, mwanakomana waAnati, pamazuva aJaeri, nzira dzakapera, nevafambi munzira vaifamba nenzira dzakakombama.

7 Vagari vemaruwa vakapera kwaIsraeri, vakapera, kusvika ini Dhebhora ndichisimuka, ndichisimuka, ini mai kwaIsraeri.

8 Vakasarudza vamwari vatsva; ipapo kukava nehondo pamasuwo. Pakaonekwa here nhovo kana pfumo pakati pezvuru makumi mana kwaIsraeri?

9 Moyo wangu uri kuvapi vemurairo vekwaIsraeri, vanozvipa vachizvidira pakati pevanhu; kudzai Jehovha!

10 Vatasvi vemadongi makadzi machena, vagari vemhasa dzinokosha, nevafambi venzira, taurai.

11 Painzwi revafuri veuta, pakati penzvimbo dzekuchera mvura, vacharondedzerapo mabasa akarurama aJehovha, mabasa akarurama emisha muIsraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuwo.

12 Muka, muka, Dhebhora; muka, muka, taura rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, mwanakomana waAbhinowami.

13 Ipapo wakaita musiiwa kuti atonge pamusoro pemadzimambo evanhu; Jehovha wakandiita nditonge pamusoro pevane simba.

14 Kubva kuna Efuremu mudzi wavo wairwisa Amareki; shure kwako Bhenjamini, pakati pevanhu vako; kubva kuna Makiri kwakaburuka vapi vemurairo, uye kubva kuna Zebhuruni avo vanokweva netsvimbo yemunyori.

15 Uye machinda aIsasikari aiva naDhebhora, uye saIsasikari, wakadaro Bharaki; akatumwa pamupata netsoka dzake. Pakuparadzana kwaRubheni mirangariro yemoyo yaiva mikuru.

16 Wakagarirei pakati pematanga, kunzwa kuridza muridzo kwemakwai? Pakuparadzana kwaRubheni pane kunzvera kukuru kwemoyo.

17 Giriyadhi wakagara mhiri kwaJoridhani; naDhani wakagarirei pazvikepe? Asheri wakasara pamahombekombe egungwa, wakagara panopinda gungwa munyika.

18 Zebhuruni rudzi rwakazvidza mweya warwo kusvika parufu, naNafutari, pakakwirira pemunda.

19 Madzimambo akauya akarwa; ipapo madzimambo eKenani akarwa paTaanaki, pamvura dzeMegidho; havana kutora zvakapambiwa zvesirivha.

20 Dziri kumatenga dzakarwa, nyeredzi dziri munzira yadzo dzakarwa naSisera.

21 Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya weupenyu wangu, iwe wakatsika-tsika simba.

22 Ipapo akarovera pasi mahwanda emabhiza nekumhanya, kuri kumhanya kwevakasimba vavo.

23 Tukai Merozi, anoreva mutumwa waJehovha, tukai zvinorwadza vagari varo; nokuti havana kuuya kurubatsiro rwaJehovha, kurubatsiro rwaJehovha pavane simba.

24 Ngaaropafadzwe kudarika vakadzi Jaeri, mukadzi waHebheri muKeni ngaaropafadzwe kudarika vakadzi patende.

25 Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yeumambo.

26 Wakatandavadza ruoko rwake pambambo, neruoko rwerudyi rwake panyundo yemubati, akarova Sisera nenyundo, akaparadza musoro wake; wakabaya akaboora chavovo chake.

27 Pakati nepakati petsoka dzake wakakotama, akawa, akarara; pakati nepakati petsoka dzake wakakotama, akawa; paakakotama ndipo paakawira aparara.

28 Mai vaSisera vakadongorera nepahwindo, vakadanidzira nepautanda hwehwindo, ndokuti: Ngoro yake inononokerei kusvika? Sei achiverengera makumbo engoro dzake?

29 Vakachenjera vevakadzi vake vanokudzwa vakamupindura, naiye wakadzosera mhinduro yake achiti:

30 Havana kuwana here vakagovana chakapambiwa? Musikana kana vasikana vaviri kumurume uyo neuyo; chakapambiwa chemavara-mavara kuna Sisera, chakapambiwa chemavara-mavara chakarukwa, mapandi maviri echemavara-mavara chakarukwa chemitsipa yemupambi?

31 Saizvozvo ngavaparare vavengi venyu vose, Jehovha; asi ivo vanomuda ngavave sekubuda kwezuva nesimba raro! Nyika ndokuzorora makore makumi mana.