ShonaTeam Judges « 4 »

Dhebhora naBharaki

4Zvino vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pameso aJehovha, Ehudhi afa.

2 Jehovha ndokuvatengesa muruoko rwaJabhini mambo weKenani waitonga paHazori; mukuru wehondo yake waiva Sisera, waigara paHarosheti revahedheni.

3 Zvino vana vaIsraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti waiva ane ngoro dzematare mazana mapfumbamwe. Zvino iye wakamanikidza vana vaIsraeri nechisimba makore makumi maviri.

4 Dhebhora mukadzi muporofitakadzi waiva mukadzi waRapidhoti, ndiye waitonga Israeri panguva iyo.

5 Zvino iye waigara pazasi pemuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheteri, panyika yezvikomo yaEfuremu; vana vaIsraeri ndokukwira kwaari kunopiwa mutongo.

6 Zvino wakatuma nhume ndokudana Bharaki mwanakomana waAbhinowami kubva paKedheshi-Nafutari, ndokuti kwaari: Jehovha Mwari waIsraeri haana kuraira here, achiti: Enda ugoswedera kugomo reTabhori, uye uzvitorere varume zvuru gumi zvevana vaNafutari nezvevana vaZebhuruni?

7 Neni ndichakwevera kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini nengoro dzake nechaunga chake, ndimupe muruoko rwako.

8 Bharaki ndokuti kwaari: Kana mukaenda neni ndichaenda, asi kana musingaendi neni handingaendi.

9 Iye ndokuti: Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi rukudzo harwungavi rwako panzira yaunofamba, nokuti Jehovha achatengesa Sisera muruoko rwemukadzi. Dhebhora ndokusimuka ndokuenda kuKedheshi naBharaki.

10 Bharaki ndokukokorodza Zebhuruni naNafutari paKedheshi, ndokukwira nevarume zvuru gumi vaimutevera; naDhebhora wakakwira naye.

11 Zvino Hebheri muKeni wakazviparadzanisa nevaKeni wevana vaHobhabhi mukarahwa waMozisi, ndokudzika tende rake kusvika pamuouki paZaananimu riri paKedheshi.

12 Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki mwanakomana waAbhinowami wakwira mugomo reTabhori.

13 Sisera ndokudanira pamwe ngoro dzake dzose, ngoro mazana mapfumbamwe dzematare, nevanhu vose vaiva naye, kubva paHarosheti revahedheni kusvika kurwizi Kishoni.

14 Zvino Dhebhora wakati kuna Bharaki: Muka, nokuti iri ndiro zuva Jehovha achapa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kubuda mberi kwako here? Bharaki ndokuburuka kubva mugomo reTabhori nevarume zvuru gumi shure kwake.

15 Zvino Jehovha wakavhiringidza Sisera nengoro dzose nehondo yose nekwakapinza kwemunondo pamberi paBharaki, kusvika Sisera aburuka pangoro yake ndokutiza netsoka dzake.

16 Asi Bharaki wakadzingirirana nengoro nehondo kusvika paHarosheti revahedheni; hondo yose yaSisera ndokuwa pakwakapinza kwemunondo; hakuna kusara kunyange umwe.

17 Asi Sisera wakatiza netsoka dzake kuenda kutende raJaeri mukadzi waHebheri muKeni; nokuti kwaiva nerugare pakati paJabhini mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni.

18 Zvino Jaeri wakabuda kusangana naSisera, ndokuti kwaari: Tsaukai ishe wangu, tsaukirai kwandiri, regai kutya. Zvino wakatsaukira kwaari mutende, iye ndokumufukidza nechifukidzo.

19 Iye ndokuti kwaari: Ndipewo svimvura ndinwe, nokuti ndine nyota. Zvino wakazarura dende remukaka ndokumupa kuti anwe, ndokumufukidza.

20 Zvino wakati kwaari: Mira pamukova wetende; zvino zvichadai, kana ani nani akauya ndokukubvunza, achiti: Pano pane munhu here? Uchati: Hapana munhu.

21 Asi Jaeri mukadzi waHebheri wakatora mbambo yetende ndokutora nyundo muruoko rwake, ndokuverevedza maari, ndokurovera mbambo nepachavovo chake ndokupinda kusvika muvhu, nokuti waiva abatwa kwazvo nehope, uye aneta; ndokufa.

22 Zvino tarira, Bharaki wakadzingirira Sisera, Jaeri ndokubuda kumuchingamidza, ndokuti kwaari: Uya ndigokuratidza munhu waunotsvaka. Iye ndokupinda kwaari, zvino tarira, Sisera wakawa wakafa, nembambo ichiri pachavovo chake.

23 Naizvozvo nezuva iro Jehovha wakawisira Jabhini mambo weKenani pasi pamberi pevana vaIsraeri.

24 Zvino ruoko rwevana vaIsraeri rwakaenderera mberi rwuchirema pamusoro paJabhini mambo weKenani, kusvika vaparadza Jabhini mambo weKenani.