ShonaTeam Judges « 3 »

Marudzi akasiiwa naJehovha munyika

3Zvino ndiwo marudzi Jehovha aakasiya, kuti aidze Israeri nawo, vose vaiva vasina kuziva hondo dzose dzeKenani;

2 koga kuti mazera evana vaIsraeri azive, kuvadzidzisa hondo, vega vasina kuziva izvozvo pakutanga:

3 Madzishe mashanu evaFirisitia, nevaKenani vose, nevaSidhoni, nevaHivhi, vaigara mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaari-Herimoni, kusvika pakupinda paHamati.

4 Zvino vaiva vekuidza Israeri navo, kuziva kana vachiteerera mirairo yaJehovha yaakaraira madzibaba avo neruoko rwaMozisi.

Otiniyeri

5 Zvino vana vaIsraeri vakagara pakati pevaKenani, vaHiti, nevaAmori, nevaPerizi, nevaHivhi, nevaJebhusi.

6 Zvino vakatora vakunda vavo kuva vakadzi vavo, nevakunda vavo vakapa kuvanakomana vavo, ndokushumira vamwari vavo.

7 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokukanganwa Jehovha Mwari wavo, ndokushumira vana Bhaari nematanda ekunamata nawo.

8 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, iye ndokuvatengesa muruoko rwaKushani-Rishataimu, mambo weMesopotamia. Vana vaIsraeri ndokushandira Kushani-Rishataimi makore masere.

9 Vana vaIsraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha wakamutsira vana vaIsraeri musununguri wakavasunungura, Otiniyeri mwanakomana waKenazi munin'ina waKarebhu.

10 Zvino Mweya waJehovha waiva pamusoro pake, ndokutonga Israeri, ndokubudira hondo; Jehovha ndokupa Kushani-Rishataimi mambo weSiriya muruoko rwake; ruoko rwake ndokuva nesimba pana Kushani-Rishataimi.

11 Zvino nyika yakazorora makore makumi mana. Otiniyeri mwanakomana waKenazi ndokufa.

Ehudhi

12 Zvino vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pameso aJehovha. Jehovha ndokusimbisa Egironi mambo waMoabhu kurwisa Israeri, nokuti vaiva vaita zvakaipa pameso aJehovha.

13 Zvino wakazviunganidzira vana vaAmoni naAmareki, ndokuenda ndokurova Israeri, ndokugara nhaka yeguta remichindwe.

14 Vana vaIsraeri ndokushandira Egironi mambo waMoabhu makore gumi nemasere.

15 Vana vaIsraeri vakati vachichema kuna Jehovha, uye Jehovha wakavamutsira musununguri, Ehudhi mwanakomana waGera muBhenjamini, munhu wakadzivirwa ruoko rwerudyi; vana vaIsraeri ndokutumira neruoko rwake kuna Egironi mambo waMoabhu chipo.

16 Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakarodzwa mativi maviri, kureba kwawo kwaiva kubhiti; ndokuusungira pasi penguvo yake pachidya chake cherudyi.

17 Zvino wakaswededza chipo kuna Egironi mambo waMoabhu. Zvino Egironi waiva munhu wakakora kwazvo.

18 Zvino zvakaitika apedza kuswededza chipo, kuti wakaperekedza vanhu vaiva vakatakura chipo.

19 Asi iye wakadzokera shure kumifananidzo yakavezwa paGirigari, ndokuti: Ndine nyaya iri chakavanzika kwamuri, mambo; uyo wakati: Nyarara. Vose vaiva vamire naye ndokubuda kubva kwaari.

20 Zvino Ehudhi wakauya kwaari; iye waiva agere muimba yekumusoro inotonhorera yaiva yake ega; Ehudhi ndokuti: Ndine nyaya yaMwari kwamuri. Iye ndokusimuka pachigaro.

21 Zvino Ehudhi wakatandavadza ruoko rwake rweruboshwe, ndokutora munondo kubva pachidya chake cherudyi, ndokuunyudza mudumbu rake,

22 kusvika kwapindawo chibato shure kwekwakapinza, mafuta ndokufukidza kwakapinza kose, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, chizvizvi ndokubuda.

23 Zvino Ehudhi wakabuda nepaburi, ndokupfiga mikova yeimba yekumusoro shure kwake, ndokukiya.

24 Wakati iye abuda, varanda vake vakasvika, ndokuti vachiona, zvino tarira, mikova yeimba yekumusoro yakakiyiwa, ndokuti: Zvirokwazvo anofukidza makumbo ake paimba inotonhorera.

25 Zvino vakamira kusvika vanyara, zvino tarira, haana kuzarura mikova yeimba yekumusoro; naizvozvo vakatora kiyi ndokuzarura, zvino tarira, ishe wavo wakawira pasi akafa.

26 Ehudhi ndokupukunyuka vachiri kunonoka, iye ndokupfuura pamifananidzo yakavezwa, ndokupukunyuka ndokuenda Seira.

27 Zvino zvakaitika pakusvika kwake kuti wakaridza hwamanda panyika yezvikomo yaEfuremu; vana vaIsraeri ndokuburuka naye panyika yezvikomo, iye ari mberi kwavo.

28 Iye ndokuti kwavari: Nditeverei, nokuti Jehovha wapa vavengi venyu, vaMoabhu, muruoko rwenyu. Zvino vakaburuka vachimutevera, ndokutapa mazambuko aJoridhani aienda kwaMoabhu, ndokusatendera munhu kuyambuka.

29 Zvino vakauraya vaMoabhu panguva iyo, varume vanenge zvuru gumi, vose vane simba uye vose varume veumhare, uye hakuna munhu wakapukunyuka.

30 Naizvozvo vaMoabhu vakawisirwa pasi peruoko rwaIsraeri nezuva iro; nyika ndokuzorora makore makumi masere.

Shamugari

31 Shure kwake kwaiva kuna Shamugari mwanakomana waAnati; wakauraya vaFirisitia, vanhu mazana matanhatu nerutanda rwekubayisa mombe; iyewo akaponesa Israeri.