ShonaTeam Judges « 2 »

Mutumwa anotuka vanhu paBhokimi

2Zvino mutumwa waJehovha wakakwira kubva Girigari kuenda Bhokimi, ndokuti: Ndakakukwidza kubva muEgipita, ndokukuunza munyika yandakapikira madzibaba enyu, uye ndakati: Handingatongoputsi sungano yangu nemwi nekusingaperi.

2 Nemwi hamungaiti sungano nevagari venyika ino; muchaputsa aritari dzavo. Asi hamuna kuteerera inzwi rangu. Chii ichi chamakaita?

3 Naizvozvo ndakatiwo: Handingavadzingi panhaka kubva pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, nevamwari vavo vachava chisungo kwamuri.

4 Zvino zvakaitika mutumwa waJehovha paakataura mashoko awa kuvana vaIsraeri vose, kuti vanhu vakasimudza inzwi ravo ndokuchema.

5 Zvino vakatumidza zita renzvimbo iyo Bhokimi, ndokubairapo Jehovha.

VaIsraeri vanorwirwa nevatongi

6 Joshua wakati aendesa vanhu, vana vaIsraeri vakaenda, umwe neumwe kunhaka yake kugara nhaka yenyika.

7 Zvino vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, nemazuva ose evakuru vakawedzera mazuva shure kwaJoshua, vaiva vaona basa rose guru raJehovha raakaita kuna Israeri.

8 Zvino Joshua mwanakomana waNuni muranda waJehovha wakafa ari wemakore zana negumi.

9 Zvino vakamuviga pamuganhu wenhaka yake paTiminati-Heresi, panyika yezvikomo yaEfuremu, kumaodzanyemba kwegomo reGaashi.

10 Zvinowo vezera iro rose vakasanganiswa kumadzibaba avo; ndokumuka rimwe zera shure kwavo raiva risingazivi Jehovha, kana basawo raakaitira Israeri.

11 Zvino vana vaIsraeri vakaita chakaipa pameso aJehovha, ndokushumira vana Bhaari.

12 Zvino vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, wakavabudisa munyika yeEgipita, ndokutevera vamwe vamwari, vevamwari vevanhu vakavapoteredza, ndokuvafugamira, ndokutsamwisa Jehovha.

13 Vakasiya Jehovha ndokushumira Bhaari nevaAshitaroti.

14 Kutsamwa kwaJehovha ndokupfutira Israeri, iye ndokuvapa muruoko rwevapambi, ivo ndokuvapamba, akavatengesawo muruoko rwevavengi vavo vakapoteredza; kuti vasachigona kumira pamberi pevavengi vavo.

15 Pose pavakabuda, ruoko rwaJehovha rwaivapikisa nezvakaipa, Jehovha sezvaakataura, uye Jehovha sezvaakavapikira; zvino vakamanikidzwa zvikuru.

16 Zvino Jehovha wakamutsa vatongi; ivo ndokuvanunura paruoko rwevaivapamba.

17 Zvakadaro havana kuteerera kuvatongi vavo, nokuti vakapomba vachitevera vamwe vamwari, nekuvafugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yakafamba madzibaba avo mairi achiteerera mirairo yaJehovha; havana kuita saizvozvo.

18 Zvino Jehovha paakavamutsira vatongi, Jehovha waiva nemutongi uyo, ndokuvanunura paruoko rwevavengi, mazuva ose emutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pekugomera kwavo nekuda kwevaivamanikidza nekuvanetsa.

19 Zvino zvakaitika pakufa kwemutongi, vakadzoka, ndokunyangara kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, kuvashumira, nekuvafugamira; havana kuwa kubva pamabasa avo uye kubva panzira yavo yakaoma.

20 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, ndokuti: Nokuti rudzi urwu rwakadarika sungano yangu yandakaraira madzibaba avo, uye harwuna kuteerera kuinzwi rangu,

21 iniwo handichazodzingi panhaka ani nani kubva mberi kwavo kubva pamarudzi Joshua aakasiya pakufa kwake;

22 kuti ndiidze Israeri nawo, kana vachichengeta nzira yaJehovha kufamba mairi, madzibaba avo sezvaaiichengeta, kana kwete.

23 Naizvozvo Jehovha wakasiya marudzi awa, kuti asavadzinga panhaka nekukurumidza, uye haana kuvapa muruoko rwaJoshua.