ShonaTeam Judges « 1 »

Kukunda kwevaIsraeri

1 Zvino zvakaitika shure kwekufa kwaJoshua, kuti vana vaIsraeri vakabvunza Jehovha vachiti: Ndiani achatikwirira kuvaKenani pakutanga kuvarwisa?

2 Jehovha ndokuti: Judha achakwira; tarirai, ndapa nyika muruoko rwake.

3 Zvino Judha wakati kuna Simioni mukoma wake: Kwira neni kumujenya wangu, zvino ticharwisa vaKenani; neniwo ndichaenda newe kumujenya wako. Simioni ndokuenda naye.

4 Zvino Judha wakakwira, Jehovha ndokuisa vaKenani nevaPerizi muruoko rwavo; zvino vakavarova muBhezeki, varume zvuru gumi.

5 Zvino vakawana Adhoni-Bhezeki muBhezeki ndokumurwisa, ndokurova vaKenani nevaPerizi.

6 Asi Adhoni-Bhezeki wakatiza; ivo ndokudzingirira shure kwake, ndokumubata, ndokugura zvigunwe zvikuru zvemaoko ake nezvetsoka dzake.

7 Zvino Adhoni-Bhezeki wakati: Madzimambo makumi manomwe agurwa zvigunwe zvikuru zvemaoko avo nezvetsoka dzavo zvainonga pasi petafura yangu; sezvandakaita, Mwari wakanditsiva saizvozvo. Zvino vakamuunza kuJerusarema, iye ndokufirako.

8 Zvino vana vaJudha vakarwisa Jerusarema ndokuritapa, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, ndokubatidza guta nemoto.

9 Zvino pashure vana vaJudha vakaburuka kunorwisa vaKenani vaigara panyika yezvikomo nekuchamhembe nekumapani.

10 Zvino vaJudha vakaenda vakamirisana nevaKenani vaigara Hebhuroni. Zvino zita reHebhuroni pakutanga raiva Kiriyati-Aribha. Zvino vakarova Sheshai naAhimani naTarimai.

11 Ndokubvapo ndokuenda vakamirisana nevagari veDhebhiri. Zvino zita reDhebhiri pakutanga raiva Kiriati-Seferi.

12 Zvino Karebhu wakati: Anorova Kiriati-Seferi ndokuritapa, ndichapa kwaari mukunda wangu Akisa kuva mukadzi.

13 Zvino Otiniyeri mwanakomana waKenazi munin'ina waKarebhu ndokuritapa; iye ndokumupa mukunda wake Akisa kuva mukadzi.

14 Zvino zvakaitika pakusvika kwake, kuti wakamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye wakaburuka pambongoro; Karebhu ndokuti kwaari: Chii kwauri?

15 Zvino wakati kwaari: Ndipei ropafadzo; sezvo makandipa nyika yekuchamhembe, ndipeiwo matsime emvura. Karebhu ndokumupa matsime ekumusoro nematsime ezasi.

16 Zvino vana vemuKeni, mukarahwa waMozisi, vakakwira kubuda paguta remichindwe pamwe nevana vaJudha kurenje raJudha, riri kuchamhembe kweAradhi; ndokuenda ndokugara nevanhu.

17 Zvino Judha wakaenda naSimioni mukoma wake ndokurova vaKenani vaigara paZefati; ndokuriparadza chose. Naizvozvo zita reguta iro rikatumidzwa Horima.

18 Judha ndokutapawo Gaza nemuganhu waro neAshikeroni nemuganhu waro neEkironi nemuganhu waro.

19 Zvino Jehovha wakava naJudha, ndokugara nhaka yenyika yezvikomo, asi haana kudzinga panhaka vagari vemumupata, nokuti vaiva nengoro dzematare.

20 Zvino vakapa Hebhuroni kuna Karebhu, Mozisi sezvaakataura; iye ndokudzingapo vana vaAnaki vatatu.

21 Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vaigara paJerusarema panhaka; asi vaJebhusi vakagara paJerusarema pamwe nevana vaBhenjamini kusvika nhasi.

22 Zvino imba yaJosefa, naivo vakakwira kuBheteri; Jehovha ndokuva navo.

23 Zvino imba yaJosefa yakashoresa Bheteri. Zvino zita reguta pakutanga raiva Ruzi.

24 Zvino nharirire dzakaona munhu achibuda muguta, ndokuti kwaari: Tiratidze hako nzira yekupinda muguta, zvino tichakuitira tsitsi.

25 Wakati avaratidza nzira yekupinda muguta, vakarova guta nekwakapinza kwemunondo; asi munhu uyu nemhuri yake yose vakarega vakaenda.

26 Zvino munhu uyu wakaenda kunyika yevaHiti, ndokuvaka guta, ndokutumidza zita raro Ruzi; ndiro zita raro kusvika nhasi.

27 NaManase haana kudzinga panhaka Bheti-Sheani nemisha yaro, neTaanaki nemisha yaro, nevagari veDhori nemisha yaro, nevagari veIbhireami nemisha yaro, nevagari veMegidho nemisha yaro; asi vaKenani vakada kugara panyika iyo.

28 Zvino zvakaitika Israeri achakasimba, kuti wakamisa vaKenani pachibharo; asi havana kuvadzinga zvachose.

29 NaEfuremu haana kudzinga panhaka vaKenani vaigara paGezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavo paGezeri.

30 Zebhuruni haana kudzinga panhaka vagari veKitironi nevagari veNaharori; asi vaKenani vakagara pakati pavo ndokuva vabati vechibharo.

31 Asheri haana kudzinga panhaka vagari veAko, nevagari veSidhoni, neAkirabhi, neAkisibhi, neHeribha, neAfiki, neRehobi;

32 asi vaAsheri vakagara pakati pevaKenani vagari venyika iyo; nokuti havana kuvadzinga.

33 Nafutari haana kudzinga panhaka vagari veBheti-Shemeshi, nevagari veBheti-Anati; asi wakagara pakati pevaKenani vagari venyika iyo; asi vagari veBheti-Shemeshi neveBheti-Anati vakava vabati vechibharo kwavari.

34 Zvino vaAmori vakasundira vana vaDhani kugomo, nokuti havana kuvatendera kuburukira kumupata.

35 Asi vaAmori vakada kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nemuShaaribhimu; asi ruoko rweimba yaJosefa rwakarema, uye vakava vabati vechibharo.

36 Zvino muganhu wevaAmori wakabva pamukwidza weAkirabhimu, kubva padombo uchikwira.