ShonaTeam Joshua « 24

Mashoko ekupedzisira aJoshua, nekutenda kwevanhu

24Zvino Joshua wakaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu, ndokudana vakuru vaIsraeri, nemisoro yavo, nevatongi vavo, nevatariri vavo; ndokuzvimisa pamberi paMwari.

2 Joshua ndokuti kuvanhu vese: Anoreva saizvozvi Jehovha Mwari waIsraeri: Madzibaba enyu akagara kare mhiri kwerwizi: Tera baba vaAbhurahama nababa vaNahori, uye vaishumira vamwe vamwari.

3 Zvino ndakatora baba venyu Abhurahama kubva mhiri kwerwizi, ndikamufambisa kugura nyika yose yeKenani, ndokuwanza mbeu yake, ndokumupa Isaka.

4 Zvino ndakapa kuna Isaka Jakove naEsau; uye kuna Esau ndakapa gomo reSeiri kurigara nhaka; asi Jakove nevana vake vakaburukira kuEgipita.

5 Ndakatumawo Mozisi naAroni, ndokutambudza Egipita, zvichienderana nezvandakaita pakati payo; uye pashure ndakakubudisai.

6 Zvino ndakabudisa madzibaba enyu paEgipita, zvino makasvika pagungwa; vaEgipita ndokudzingirira kutevera madzibaba enyu vane ngoro uye vatasvi vemabhiza kusvika paGungwa Dzvuku.

7 Pavakachema kuna Jehovha, wakaisa rima pakati penyu nevaEgipita, ndokuuisa gungwa pamusoro pavo, ndokuvafukidza; uye meso enyu akaona zvandakaita muEgipita. Uye makagara murenje mazuva mazhinji.

8 Zvino ndakakuunzai munyika yevaAmori vaigara mhiri kwaJoridhani; ivo ndokurwa nemwi, uye ndakavaisa muruoko rwenyu, kuti mugare nhaka yenyika yavo; zvino ndakavaparadza kubva pamberi penyu.

9 Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo waMoabhu wakasimuka ndokurwa naIsraeri, ndokutuma nhume ndokudana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti akutukei.

10 Asi ini handina kuda kuteerera Bharamu; naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; zvino ndakakusunungurai paruoko rwake.

11 Zvino makayambuka Joridhani ndokusvika paJeriko; varidzi veJeriko ndokukurwisai: VaAmori, nevaPerezi, nevaKenani, nevaHiti, nevaGirigashi, vaHivhi, nevaJebhusi; uye ndikavaisa muruoko rwenyu.

12 Zvino ndakatuma pamberi penyu mago, iwo akavadzinga pamberi penyu, madzimambo maviri evaAmori; kwete nemunondo wenyu kana neuta hwako.

13 Zvino ndakakupai nyika yamusina kushandira, nemaguta amusina kuvaka, amugeremo; munodya paminda yemizambiringa neminda yemiorivhi yamusina kusima.

14 Zvino ikozvino ityai Jehovha, uye mushumirei mukuvimbika nemuchokwadi, uye rasai vamwari madzibaba enyu vavaishumira mhiri kwerwizi uye muEgipita, uye mushumire Jehovha.

15 Zvino kana zvakaipa pameso enyu kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira: Kana vamwari madzibaba enyu vavaishumira mhiri kwerwizi, kana vamwari vevaAmori vamugere munyika yavo; asi ini neveimba yangu tichashumira Jehovha.

16 Zvino vanhu vakapindura ndokuti: Ngazvive kure nesu, kuti tisiye Jehovha, kushumira vamwe vamwari.

17 Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye wakatikwidza uye madzibaba edu kubva panyika yeEgipita paimba yeuranda; uye wakaita zviratidzo izvo zvikuru pamberi pemeso edu, ndokutichengeta panzira yose yatakafamba mairi, nepakati pendudzi dzose dzatakapfuura nemadziri.

18 Jehovha ndokudzinga marudzi ose pamberi pedu, nevaAmori vaigara panyika ino; nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiMwari wedu.

19 Zvino Joshua wakati kuvanhu: Hamugoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo, haangakukanganwirii kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.

20 Kana mukasiya Jehovha, mukashumira vamwari vevatorwa, ipapo achadzoka, ndokuita zvakaipa kwamuri, ndokukupedzai, shure kwekunge akuitirai zvakanaka.

21 Zvino vanhu vakati kuna Joshua: Kwete, asi tichashumira Jehovha.

22 Joshua ndokuti kuvanhu: Muri zvapupu pamusoro penyu, kuti imwi mazvisarudzira Jehovha kumushumira. Ivo ndokuti: Tiri zvapupu.

23 Zvino ikozvino, bvisai vamwari vevatorwa vari pakati penyu, mugorerekera moyo wenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.

24 Vanhu ndokuti kuna Joshua: Jehovha Mwari wedu tichamushumira, neinzwi rake tichateerera.

25 Naizvozvo Joshua wakaita sungano nevanhu pazuva iro, akavaisira chimiso nechakatemwa paShekemu.

26 Zvino Joshua wakanyora mashoko awa mubhuku remurairo waMwari; ndokutora ibwe guru ndokurimisapo pazasi pemuouki waiva paimba tsvene yaJehovha.

27 Zvino Joshua wakati kuvanhu vese: Tarirai, ibwe iri richava chapupu kwatiri, nokuti iro rakanzwa mashoko ose aJehovha aakataura kwatiri; naizvozvo richava uchapupu kwamuri, zvimwe mungaramba Mwari wenyu.

28 Naizvozvo Joshua wakaendesa vanhu, umwe neumwe kunhaka yake.

29 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Joshua mwanakomana waNuni muranda waJehovha wakafa ari wemakore zana negumi.

30 Zvino vakamuviga pamuganhu wenhaka yake paTimunati-Sera riri panyika yezvikomo yaEfuremu, nechekumaodzanyemba kwegomo reGaashi.

31 Zvino Israeri wakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, nemazuva ose evakuru vakawedzera mazuva shure kwaJoshua, ivo vaiva vakaziva basa rose raJehovha raaiva aitira Israeri.

32 Zvino mapfupa aJosefa vana vaIsraeri avaiva vakwira nawo kubva muEgipita vakaaviga paShekemu, padunhu remunda Jakove raakatenga kuvana vaHamori baba vaShekemu nezana remari; ndokuva nhaka yevana vaJosefa.

33 Zvino Eriazari mwanakomana waAroni wakafa; ivo ndokumuviga muchikomo chemwanakomana wake Pinehasi, chaaiva apiwa munyika yezvikomo yaEfuremu.