ShonaTeam Joshua « 23 »

Joshua anonyevera vanhu

23Zvino zvakaitika shure kwemazuva mazhinji, shure kwekunge Jehovha azorodza Israeri pavavengi vavo vose kumativi ose, naJoshua akwegura ava nemakore mazhinji,

2 Joshua ndokudana Israeri wose, vakuru vavo, nemisoro yavo, nevatongi vavo, nevabati vavo, ndokuti kwavari: Ini ndakwegura, ndava nemakore mazhinji.

3 Uye imwi makaona zvose Jehovha Mwari wenyu zvaakaitira ndudzi idzi dzose nekuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.

4 Onai, ndakakugoverai nemujenya marudzi awa asara, kuva nhaka yemarudzi enyu, kubva paJoridhani pamwe nemarudzi ose andakagura, negungwa guru kunovira zuva.

5 Zvino Jehovha Mwari wenyu ndiye achaadzinga pamberi penyu, nekuadzinga panhaka pamberi penyu; uye muchagara nhaka yenyika yawo, Jehovha Mwari wenyu sezvaakataura kwamuri.

6 Naizvozvo simbai kwazvo muchengete nekuita zvose zvakanyorwa mubhuku remurairo waMozisi, kuti musatsauka pauri kuenda kurudyi kana kuruboshwe;

7 kuti musapinda pakati paawa marudzi, awa akasara pamwe nemwi; uye musareva zita revamwari vavo, uye musapika navo, uye musavashumira, uye musavafugamira;

8 asi namatirai kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvika nhasi.

9 Nokuti Jehovha wakadzinga kubva pamberi penyu marudzi makuru uye ane simba; asi imwi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvika nhasi.

10 Munhu umwe wenyu achadzinga churu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai, sezvaakataura kwamuri.

11 Naizvozvo zvichenjererei kwazvo kuti mude Jehovha Mwari wenyu.

12 Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira kumusiiwa wemarudzi awa, iwo akasara pakati penyu, uye mukawanana navo, ndokupinda kwavari, naivo kwamuri,

13 muzive zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu haangaendereri kudzinga panhaka marudzi awa kubva pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvika mapera panyika iyi yakanaka Jehovha Mwari wenyu yaakakupai.

14 Zvino tarirai, nhasi ndinoenda nenzira yenyika yese; zvino imwi munoziva mumoyo yenyu yose nemumweya yeupenyu yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe chakakona pazvinhu zvose zvakanaka Jehovha Mwari wenyu zvaakataura pamusoro penyu; zvose zvakaitika kwamuri; hapana chinhu chimwe chakakona pazviri.

15 Naizvozvo zvichaitika, sezvinhu zvose zvakanaka Jehovha Mwari wenyu zvaakataura kwamuri zvakakuwirai, naizvozvo Jehovha achakuwisirai zvose zvinhu zvakaipa, kusvika akuparadzai kubva panyika iyi yakanaka Jehovha Mwari wenyu yaanokupai.

16 Kana madarika sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakakurairai, ndokuenda ndokushumira vamwe vamwari, ndokufugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakupfutirai, uye muchaparara nekukurumidza kubva panyika iyo yakanaka yaakapa kwamuri.