ShonaTeam Joshua « 20 »

Maguta matanhatu eutiziro

20Zvino Jehovha wakataura kuna Joshua achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri uti: Zvimisirei maguta eutiziro andakareva kwamuri neruoko rwaMozisi.

3 Kuti muurayi anouraya munhu asiri maune asingazivi atizireko. Zvino achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.

4 Kana achitizira kune rimwe remaguta ayo, achamira pamukova wesuwo reguta, uye achareva nyaya yake munzeve dzevakuru veguta iro; zvino vachamugamuchira kwavari muguta ndokumupa nzvimbo kuti agare navo.

5 Zvino kana mutsivi weropa akamudzingirira, havangapi muurayi muruoko rwake, nokuti wakarova wekwake asingazivi, asina kumuvenga zuro namarimwezuro.

6 Zvino achagara muguta iro kusvika amira pamberi peungano kutongwa, kusvika pakufa kwemupristi mukuru achavapo mumazuva iwayo; ipapo muurayi achadzoka auye kuguta rake nekuimba yake, kuguta kwaakatiza achibva.

7 Zvino vakanatsa Kedheshi muGarirea panyika yezvikomo yaNafutari, neShekemu panyika yezvikomo yaEfuremu, neKiriyati-Aribha rinova Hebhuroni panyika yezvikomo yaJudha.

8 Nemhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva vakapa Bhezeri murenje pabani kubva kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kubva kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kubva kurudzi rwaManase.

9 Awa aiva maguta akamisirwa vana vose vaIsraeri nemutorwa agere pakati pavo semweni, kuti ani nani anouraya munhu asiri maune atizireko, kuti arege kufa neruoko rwemutsivi weropa, kusvika amira pamberi peungano.