ShonaTeam Joshua « 18 »

Tabhenakeri inodzikwa paShiro

18Zvino ungano yose yevana vaIsraeri yakaungana paShiro, ndokudzika tende rekusangana ipapo. Uye nyika yakaiswa pasi pamberi pavo.

2 Zvino kwaiva kwasara pakati pevana vaIsraeri marudzi manomwe aiva asina kugoverwa nhaka yawo.

3 Zvino Joshua wakati kuvana vaIsraeri: Muchazengurira kusvika rinhi kupinda kugara nhaka yenyika Jehovha Mwari wemadzibaba enyu yaakakupai?

4 Zvipei varume vatatu parudzi, ndigovatuma, zvino vasimuke vafambe vapfuure nemunyika, vagoinyora zvichienderana nenhaka yavo, vagouya kwandiri.

5 Zvino vachaiganhura kuva migove minomwe: Judha achagara pamuganhu wake kuchamhembe, uye veimba yaJosefa vachagara pamuganhu wavo kumaodzanyemba.

6 Nemwi muchanyora nyika muchiita migove minomwe, mugouisa pandiri pano, kuti ndikukandirei mujenya pano pamberi paJehovha Mwari wedu.

7 Nokuti vaRevhi havana mugove pakati penyu; nokuti upristi hwaJehovha inhaka yavo. Zvino Gadhi naRubheni nehafu yerudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, Mozisi muranda waJehovha yaakavapa.

8 Zvino varume vakasimuka vakaenda. Joshua ndokuraira vaiva vaenda kunonyora nyika achiti: Endai, mupfuure nemunyika, muinyore, mugodzoka kwandiri, kuti ndikukandirei mujenya pano pamberi paJehovha paShiro.

9 Zvino varume vakaenda, ndokupfuura nemunyika, ndokuinyora nemaguta kuita migove minomwe mubhuku, ndokuuya kuna Joshua pamusasa paShiro.

10 Zvino Joshua wakavakandira mujenya paShiro pamberi paJehovha; Joshua ndokugovera ipapo vana vaIsraeri nyika zvichienderana nezvikamu zvavo.

Nhaka yaBhenjamini

11 Zvino mujenya werudzi rwevana vaBhenjamini wakakwira zvichienderana nemhuri dzavo; muganhu wemujenya wavo ndokubuda pakati pevana vaJudha nevana vaJosefa.

12 Zvino muganhu wavo kurutivi rwekumaodzanyemba waiva kubva paJoridhani; muganhu ndokukwira kurutivi rweJeriko kumaodzanyemba, ndokukwira nemunyika yezvikomo nechekumavirazuva; nekubuda kwawo kwaiva parenje reBheti-Avheni.

13 Muganhu ndokupfuura kubvapo kuenda kuRuzi, kurutivi rweRuzi nechekuchamhembe, rinova Bheteri; muganhu ndokuburukira kuAtaroti-Adhari pedo negomo riri kuchamhembe kweBheti-Horoni zasi.

14 Muganhu ndokutevedza ndokumonereka kukona yegungwa nechekuchamhembe kubva pagomo riri pamberi peBheti-Horoni nechekuchamhembe; uye kubuda kwawo kwaiva paKiriati-Bhaari, rinova Kiriati-Jearimi, guta revana vaJudha; urwu rutivi rwemavirazuva.

15 Uye rutivi rwechamhembe rwunobva pamugumo weKiriati-Jearimi; muganhu ndokubudira kuenda kumavirazuva, ndokubudira kutsime remvura yeNefitoa.

16 Zvino muganhu wakaburukira kumugumo wegomo riri pamberi pemupata wemwanakomana waHinomi, uri mumupata wevaRefaimu kumaodzanyemba; ndokuburukira kumupata waHinomi kuenda kurutivi rwevaJebhusi nechekuchamhembe; ndokuburukira Eni-Rogeri;

17 ndokumonereka kubva kumaodzanyemba, ndokubudira kuEni-Shemeshi, ndokubudira kuGeriroti riri mberi nemukwidza weAdhumimi; ndokuburukira kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni;

18 ndokupfuurira kurutivi rwakatarisana neArabha, nechekumaodzanyemba, ndokuburukira kuArabha.

19 Zvino muganhu wakapfuurira kurutivi rweBheti-Hogira nechekumaodzanyemba; nekubuda kwemuganhu kwaiva panopinda gungwa munyika nechekumaodzanyemba kwegungwa remunyu, kumucheto wekuchamhembe waJoridhani; uyu muganhu wekuchamhembe.

20 Zvino Joridhani ndirwo rwaiva muganhu wayo kurutivi rwekumabvazuva. Iyi inhaka yevana vaBhenjamini, nemiganhu yayo kupoteredza, zvichienderana nemhuri dzavo.

21 Zvino maguta erudzi rwevana vaBhenjamini zvichienderana nemhuri dzavo aiva Jeriko neBheti-Hogira neEmeki-Kezizi,

22 neBheti-Arabha, neZemaraimi, neBheteri,

23 neAvhimi, nePara, neOfura,

24 neKefari-Amoni, neOfini, neGebha: Maguta gumi nemaviri nemisha yawo.

25 Gibhiyoni, neRama, neBheeroti,

26 neMizipe, neKefira, neMoza,

27 neRekemi, neIripeeri, neTarara,

28 neZera, Erefi, neJebhusi rinova Jerusarema, Gibhiyati, Kiriati: Maguta gumi nemana nemisha yawo. Iyi inhaka yevana vaBhenjamini zvichienderana nemhuri dzavo.