ShonaTeam Joshua « 16 »

Nhaka yaEfuremu

16Zvino kwakabuda mujenya wevana vaJosefa kubva paJoridhani paJeriko kusvika pamvura yeJeriko kumabvazuva, kurenje uchikwira kubva paJeriko panyika yezvikomo yeBheteri;

2 ndokubuda kubva paBheteri kuenda kuRuzi, ndokupfuurira kumuganhu wevaArikiti kuAtaroti.

3 Zvino wakaburukira nechekumavirazuva kumuganhu wevaJafireti kuenda kumuganhu weBheti-Horoni pazasi, uye kusvika kuGezeri; uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa.

4 Zvino vanakomana vaJosefa, Manase naEfuremu vakagara nhaka.

5 Zvino muganhu wevana vaEfuremu zvichienderana nemhuri dzavo waiva wakadai: Iwo muganhu wenhaka yavo kumabvazuva waiva Ataroti-Adhari kusvika Bheti-Horoni kumusoro.

6 Zvino muganhu wakabudira kugungwa paMikimetati kubva kumaodzanyemba; muganhu ndokudzokera kumabvazuva paTanati-Shiro, ndokupfuura napo kumabvazuva kuenda kuJanowa;

7 zvino wakaburuka kubva paJanowa kuenda kuAtaroti nekuNahara, ndokugunzva Jeriko, ndokubudira paJoridhani.

8 Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva kurwizi Kana, uye kubuda kwawo kwaiva pagungwa. Iyi inhaka yerudzi rwevana vaEfuremu zvichienderana nemhuri dzavo.

9 Uye maguta aiva akakamurirwa vana vaEfuremu aiva pakati penhaka yevana vaManase, maguta ose nemisha yawo.

10 Zvino havana kudzinga vaKenani vaigara paGezeri. Naizvozvo vaKenani vakagara pakati pevaEfuremu kusvika nhasi; asi vakava vabati vechibharo.