ShonaTeam Joshua « 15 »

Nhaka yaJudha

15Zvino mujenya werudzi rwevana vaJudha nemhuri dzavo waiva pamuganhu waEdhomu, renje reZini nechekuchamhembe kumacheto kwechamhembe.

2 Uye muganhu wavo wekuchamhembe waiva kubva pamacheto egungwa remunyu, kubva panopinda gungwa munyika pakatarisa nechekuchamhembe;

3 ndokubudira kuchamhembe kumukwidza weAkirabhimi, ndokupfuurira kuZini, ndokukwira kubva kuchamhembe kuenda kuKadheshi-Bharineya, ndokupfuurira kuHezironi, ndokukwira kuAdhari, ndokudzokera paKarika;

4 ndokupfuurira kuAzimoni, ndokubudira kurwizi rweEgipita; nekubuda kwemuganhu kwaiva pagungwa. Uyu uchava muganhu wenyu wekuchamhembe.

5 Zvino muganhu wekumabvazuva waiva gungwa remunyu kusvika kumacheto aJoridhani. Nemuganhu parutivi rwemaodzanyemba waiva kubva panopinda gungwa munyika kubva pamacheto aJoridhani.

6 Zvino muganhu wakakwira kuBheti-Hogira, ndokupfuurira kumaodzanyemba kweBheti-Arabha; muganhu ndokukwira kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni.

7 Zvino muganhu wakakwira wakananga kuDhebhiri, kubva pamupata weAkori, uye nechekumaodzanyemba wakatarisa kuGirigari, riri pamberi pemukwidza weAdhumimi, riri kuchamhembe kwerwizi. Zvino muganhu wakapfuurira kusvika kumvura yeEni-Shemeshi; uye kubuda kwawo kwaiva kusvika paEni-Rogeri.

8 Zvino muganhu wakakwira nemupata wemwanakomana waHinomi kusvika kurutivi rwevaJebhusi kuchamhembe rwunova Jerusarema; muganhu ndokukwira kusvika pamusoro wegomo riri pamberi pemupata weHinomi nechekumavirazuva, uri pamacheto emupata wevaRefaimu nechekumaodzanyemba.

9 Zvino muganhu wakamonereka kubva pamusoro pegomo kusvika kuchitubu chemvura yeNefitoa, ndokubudira kumaguta egomo reEfuroni; muganhu ndokumonereka kusvika kuBhaara rinova Kiriati-Jearimi.

10 Muganhu ndokutenderera kubva paBhaara nechekumavirazuva kusvika pagomo reSeiri, ndokupfuurira kurutivi rwegomo reJearimi kubva kumaodzanyemba, rinova Kesaroni, ndokuburukira kuBheti-Shemeshi, ndokupfuurira kuTimuna.

11 Zvino muganhu wakabudira kurutivi rweEkironi nechekumaodzanyemba; muganhu ndokumonereka kusvika paShikeroni, ndokupfuurira kugomo reBhaara, ndokubudira Jabhuneeri; uye kubuda kwemuganhu kwaiva pagungwa.

12 Zvino muganhu wekumavirazuva waisvika kugungwa guru nemuganhu waro. Uyu muganhu wevana vaJudha kunhivi dzose nemhuri dzavo.

13 Zvino kuna Karebhu mwanakomana waJefune wakapa mugove pakati pevana vaJudha, zvichienderana nemurairo waJehovha kuna Joshua: Kiriyati-Aribha, baba vaAnaki, rinova Hebhuroni.

14 Karebhu ndokudzinga panhaka vanakomana vatatu vaAnaki kubvapo: Sheshai naAhimani naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki.

15 Zvino wakakwira kubvapo kuenda kuvagari veDhebhiri. Zvino zita reDhebhiri pakutanga raiva Kiriati-Seferi.

16 Karebhu ndokuti: Anorova Kiriati-Seferi ndokuritapa, ndichapa kwaari mukunda wangu Akisa ave mukadzi.

17 Zvino Otiniyeri mwanakomana waKenazi munin'ina waKarebhu wakaritapa; iye ndokumupa mukunda wake Akisa kuva mukadzi.

18 Zvino zvakaitika paaisvika, kuti wakamukurudzira kukumbira munda kuna baba vake; zvino wakaburuka pambongoro; Karebhu ndokuti kwaari: Chii chandingaita kwauri?

19 Iye ndokuti: Ndipei ropafadzo; sezvamakandipa nyika yekuchamhembe, ndipeiwo zvitubu zvemvura. Zvino wakamupa zvitubu zvekumusoro nezvitubu zvepazasi.

20 Iyi inhaka yerudzi rwevana vaJudha nemhuri dzavo.

21 Zvino maguta ekumacheto erudzi rwevana vaJudha kusvika kumuganhu waEdhomu nechekuchamhembe aiva Kabhezeeri, neEdheri, neJaguri,

22 neKina, neDhimona, neAdhadha,

23 neKedheshi, neHazori, neItinani,

24 Zifi, neTeremi, neBhearoti,

25 neHazori-Hadhata, neKerioti-Hezironi, rinova Hazori,

26 Amamu, neShema, neMoradha,

27 neHazari-Gadha, neHeshimoni, neBheti-Pereti,

28 neHazari-Shuari, neBheeri-Shebha, neBhiziotiya,

29 Bhaara, neIyimi, neEzemi,

30 neEritoradhi, neKesiri, neHorima,

31 neZikiragi, neMadhimana, neSanisana,

32 neRebhayoti, neShirihimi, neAini, neRimoni. Maguta ose aiva makumi maviri nemapfumbamwe, pamwe nemisha yawo.

33 Pamupata: Eshitaori, neZora, neAshina,

34 neZanowa, neEni-Ganimi, Tapuwa, neEnami,

35 Jarimuti, neAdhuramu, Soko, neAzeka,

36 neSharaimi, neAdhitaimu, neGedhera, neGedherotaimi: Maguta gumi nemana, pamwe nemisha yawo.

37 Zenani, neHadhasha, neMigadhari-Gadhi,

38 neDhireyani, neMizipe, neJokiteeri,

39 Rakishi, neBhozikati, neEgironi,

40 neKabhoni, neRahimasi, neKitirishi,

41 neGedheroti, Bheti-Dhagoni, neNaama, neMakedha: Maguta gumi nematanhatu, pamwe nemisha yawo.

42 Ribhina, neEteri, neAshani,

43 neJifita, neAshina, neNezibhi,

44 neKeira, neAkizibhi, neMaresha: Maguta mapfumbamwe, pamwe nemisha yawo.

45 Ekironi pamwe nemaguta aro nemisha yaro:

46 Kubva paEkironi kusvika pagungwa, ose aiva parutivi rweAshidhodhi, pamwe nemisha yawo.

47 Ashidhodhi pamwe nemaguta aro nemisha yaro. Gaza, maguta aro nemisha yaro, kusvika kurwizi rweEgipita, negungwa guru nemuganhu waro.

48 Nekunyika yezvikomo: Shamiri, neJatiri, neSoko,

49 neDhana, neKiriati-Sana, rinova Dhebhiri,

50 neAnabhi, neEshitemo, neAnimi,

51 neGosheni, neHoroni, neGiro: Maguta gumi nerimwe, pamwe nemisha yawo.

52 Arabhu, neDhuma, neEshani,

53 neJanimi, neBheti-Tapua, neAfeka,

54 neHumuta, neKiriyati-Aribha, rinova Hebhuroni, neZiori: Maguta mapfumbamwe, pamwe nemisha yawo.

55 Maoni, Karimeri, neZifi, neJuta,

56 neJezireeri, neJokidheami, neZanowa,

57 Kaini, Gibhiya, neTimuna: Maguta gumi, pamwe nemisha yawo.

58 Harihuri, Bheti-Zuri, neGedhori,

59 neMaarati, neBheti-Anoti, neEritekoni: Maguta matanhatu, pamwe nemisha yawo.

60 Kiriati-Bhaari, rinova Kiriati-Jearimi, neRabha: Maguta maviri, pamwe nemisha yawo.

61 Murenje: Bheti-Arabha, Midhini, neSekaka,

62 neNibhishani, neGuta reMunyu, neEni-Gedhi: Maguta matanhatu, pamwe nemisha yawo.

63 Asi vaJebhusi, vagari veJerusarema, vana vaJudha vaiva vasingagoni kuvadzingira kunze; naizvozvo vaJebhusi vakagara muJerusarema pamwe nevana vaJudha kusvika nhasi.