ShonaTeam Joshua « 14 »

Karebhu anopiwa Hebhuroni

14Zvino idzi inzvimbo vana vaIsraeri dzavakagara nhaka panyika yeKenani, Eriazari mupristi naJoshua mwanakomana waNuni nemisoro yemadzibaba yemarudzi evana vaIsraeri dzavakagovera

2 nemujenya wenhaka yavo; Jehovha sezvaakaraira neruoko rwaMozisi, pamarudzi mapfumbamwe nehafu yerudzi.

3 Nokuti Mozisi waiva apa nhaka marudzi maviri nehafu yerudzi mhiri kwaJoridhani; asi kuvaRevhi haana kupa nhaka pakati pawo.

4 Nokuti vana vaJosefa vaiva marudzi maviri: Manase naEfuremu. Zvino havana kupa vaRevhi mugove munyika, kunze kwemaguta ekugara, nemafuro awo ezvipfuwo zvavo neefuma yavo.

5 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, vana vaIsraeri vakaita saizvozvo, ndokukamura nyika.

6 Ipapo vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi ndokuti kwaari: Iwe unoziva shoko Jehovha raakataura kuna Mozisi munhu waMwari maererano neni uye maererano newe paKadheshi-Bharineya.

7 Ndaiva nemakore makumi mana Mozisi muranda waMwari paakandituma kubva paKadheshi-Bharineya kunoshora nyika. Ndikadzosa kwaari shoko sezvaiva mumoyo mangu.

8 Asi hama dzangu dzaiva dzakwira neni dzakanyungudusa moyo yevanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu zvakazara.

9 Zvino Mozisi wakapika nezuva iro achiti: Zvirokwazvo nyika tsoka yako yayakatsika ichava nhaka yako neyevana vako nekusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu zvakazara.

10 Zvino ikozvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu sezvaakareva, makore awa makumi mana nemashanu kubva Jehovha paakataura shoko iri kuna Mozisi, Israeri achafamba murenje. Zvino ikozvino, tarira, nhasi ndine makore makumi masere nemashanu.

11 Nhasi ndichakasimba sepazuva Mozisi raakandituma; sesimba rangu nenguva iyo, rakadaro simba rangu ikozvino, rehondo, nerekubuda, nerekupinda.

12 Naizvozvo zvino, ndipe nyika iyi yezvikomo, Jehovha yaakareva nezuva iro, nokuti iwe wakanzwa nezuva iro kuti VaAnaki vaiva varipo nemaguta makuru akashoshewa; zvimwe Jehovha achava neni, ipapo ndichavadzingira kunze, Jehovha sezvaakareva.

13 Zvino Joshua wakamuropafadza ndokupa kuna Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni kuva nhaka.

14 Naizvozvo Hebhuroni rakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvika nhasi; nokuti waiva achitevera Jehovha Mwari waIsraeri zvakazara.

15 Zvino zita reHebhuroni pakutanga raiva Kiriyati-Aribha; iye waiva munhu mukuru pakati pevaAnaki. Nyika ndokuzorora pahondo.