ShonaTeam Joshua « 13 »

Nyika yakasara inogoverwa

13Zvino Joshua waiva akwegura, ava nemakore mazhinji; Jehovha ndokuti kwaari: Iwe wakwegura, wava nemakore mazhinji, zvino kuchakasara nyika zhinji kwazvo kugarwa nhaka.

2 Iyi ndiyo nyika yasara: Miganhu yose yevaFirisitia, neGeshuri yose;

3 kubva paShihori iri pamberi peEgipita kusvika kumuganhu weEkironi kumaodzanyemba waiverengerwa kuvaKenani; madzishe mashanu evaFirisitia: WeGaza, neweAshidhodhi, weAshikeroni, weGiti, neweEkironi, nevaAvhimi,

4 kubva kuchamhembe, nyika yose yevaKenani, neMeara raiva revaSidhoni, kusvika paAfeki, kusvika kumuganhu wevaAmori;

5 nenyika yevaGebhiri, neRebhanoni rose kuenda kumabvazuva, kubva paBhaari-Gadhi pajinga pegomo reHemoni, kusvika pakupinda paHamati.

6 Vagari vose venyika yezvikomo, kubva paRebhanoni kusvika paMisirefoti-Maimi, vaSidhoni vose, ini ndichavadzinga kubva pamberi pevana vaIsraeri; koga igovere nemujenya kuIsraeri kuigara nhaka sezvandakakuraira.

7 Zvino ikozvino, govera nyika iyi kuva nhaka kumarudzi mapfumbamwe nehafu yerudzi rwaManase.

8 Pamwe navo VaRubheni nevaGadhi vakagamuchira nhaka yavo, Mozisi yaakavapa mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, Mozisi, muranda waJehovha sezvaakavapa.

9 Kubva paAroeri riri pamahombekombe erwizi rweArinoni, neguta raiva pakati perwizi, nebani rose reMedhebha kusvika paDhibhoni;

10 nemaguta ose aSihoni mambo wevaAmori waitonga paHeshibhoni, kusvika kumuganhu wevana vaAmoni;

11 neGiriyadhi, nemuganhu wevaGeshuri nevaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvika paSareka;

12 umambo hwose hwaOgi paBhashani, waitonga paAshitaroti nepaEdhirei. Ndiye wakasara pamusiiwa wevaRefaimu; Mozisi waiva avarovawo ndokuvadzinga panhaka.

13 Zvakadaro vana vaIsraeri havana kudzinga panhaka vaGeshuri nevaMaakati, asi Geshuri neMaakati vagere pakati paIsraeri kusvika nhasi.

14 Koga kurudzi rwevaRevhi haana kupa nhaka. Zvibairo zvemoto zvaJehovha Mwari waIsraeri ndiyo nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.

15 Zvino Mozisi wakapa mugove kurudzi rwevana vaRubheni nemarudzi avo.

16 Zvino muganhu wavo wakabva paAroeri riri pamahombekombe erwizi rweArinoni, neguta riri pakati perwizi, nebani rose paMedhebha,

17 Heshibhoni nemaguta aro ose ari pabani, Dhibhoni, neBhamoti-Bhaari, neBheti-Bhaari-Meoni,

18 neJahazi, neKedhemoti, neMefahati,

19 neKiriataimi, neSibhima, neZereti-Shahari mugomo remupata,

20 neBheti-Peori, neAshidhodhi-Pisiga, neBheti-Jeshimoti,

21 nemaguta ose ebani, neumambo hwose hwaSihoni mambo wevaAmori, waitonga paHeshibhoni, Mozisi waaiva arova pamwe nevakuru veMidhiani, Evhi, naRekemi, naZuri, naHuri, naRebha, machinda aSihoni, vagari venyika.

22 NaBharamu mwanakomana waBheori muvuki, vana vaIsraeri vakamuuraya nemunondo pakati pevakaurawa navo.

23 Nemuganhu wevana vaRubheni waiva Joridhani nemuganhu warwo. Iyi inhaka yevana vaRubheni nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.

24 Zvino Mozisi wakapa nhaka kurudzi rwaGadhi, kuvana vaGadhi nemhuri dzavo.

25 Zvino muganhu wavo waiva Jazeri nemaguta ose eGiriyadhi nehafu yenyika yevana vaAmoni, kusvika paAroeri riri pamberi peRabha;

26 uye kubva paHeshibhoni kusvika paRamati-Mizipe neBhetonimu, uye kubva paMahanayimu kusvika pamuganhu weDhebhiri;

27 nemumupata, Bheti-Harami, neBheti-Nimura, neSukoti, neZafoni, musarira weumambo hwaSihoni mambo weHeshibhoni, Joridhani nemuganhu warwo, kusvika pamagumisiro egungwa reKinereti, mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva.

28 Iyi inhaka yevana vaGadhi nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.

29 Zvino Mozisi wakapa nhaka kuhafu yerudzi rwaManase; uye yaiva yehafu yerudzi rwevana vaManase nemhuri dzavo.

30 Zvino muganhu wavo waibva paMahanayimu, Bhashani rose, umambo hwose hwaOgi mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;

31 nehafu yeGiriyadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta eumambo hwaOgi paBhashani, yaiva yevana vaMakiri mwanakomana waManase, yehafu yevana vaMakiri nemhuri dzavo.

32 Awa ndiwo Mozisi aakagovera nhaka pamapani aMoabhu mhiri kwaJoridhani paJeriko kumabvazuva.

33 Asi kurudzi rwaRevhi Mozisi haana kupa nhaka; Jehovha Mwari waIsraeri ndiye nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.