ShonaTeam Joshua « 11 »

Amwe maguta akakundwa naJoshua

11Zvino zvakaitika Jabhini mambo weHazori azvinzwa, kuti wakatuma nhume kuna Jobhabhu mambo weMadhoni, nekuna mambo weShimironi, nekuna mambo weAkishafi,

2 nekumadzimambo aiva kumaodzanyemba panyika yezvikomo, nekumapani echamhembe kweKineroti, nemumupata, nekumikwidza yepaDhori kumavirazuva,

3nekumuKenani kumabvazuva nekumavirazuva, nemuAmori, nemuHiti, nemuPerezi, nemuJebhusi panyika yezvikomo, nemuHivhi waiva agere mujinga meHerimoni panyika yeMizipa.

4 Zvino vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzinavo, vanhu vazhinji, sejecha riri pamahombekombe egungwa pauwandu, nemabhiza nengoro zhinji-zhinji.

5 Madzimambo awa ose akati aungana, akauya akadzika matende pamwe chete pamvura dzepaMeromi, kuzorwisa Israeri.

6 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Usatya nekuda kwavo, nokuti mangwana nenguva inenge ino ndichavapa vose vaurawa pamberi paIsraeri; uchagura marunda emabhiza avo nekupisa ngoro dzavo nemoto.

7 Zvino Joshua wakauya pakarepo, nevanhu vose vehondo vanaye, kumirisana navo pamvura dzepaMeromi ndokuvawira.

8 Jehovha ndokuvapa muruoko rwaIsraeri, uyo wakavarova ndokuvadzingirira kusvika paSidhoni guru, uye kusvika paMisirefoti-Maimi, uye kusvika pamupata weMizipe nechekumabvazuva; ndokuvarova kusvika vasina kuvasiira musiiwa.

9 Joshua ndokuvaitira Jehovha sezvaakareva kwaari; wakagura marunda emabhiza avo, uye ngoro dzavo wakapisa nemoto.

10 Zvino Joshua wakadzoka nenguva iyo, ndokutapa Hazori, namambo waro wakamuuraya nemunondo; nokuti pakutanga Hazori waiva musoro weushe ihwo hwose.

11 Zvino vakarova mweya yeupenyu yose yaivamo nekwakapinza kwemunondo, vakavaparadza chose; hakuna kusara chimwe chinofema; zvino wakapisa Hazori nemoto.

12 Zvino maguta ose emadzimambo awa nemadzimambo ose awo Joshua wakatapa, ndokuarova nekwakapinza kwemunondo, wakavaparadza chose, Mozisi muranda waJehovha sezvaakaraira.

13 Koga maguta aiva amire pazvikomo zvawo Israeri haana kupisa rimwe rawo, kunze kweHazori chete, Joshua wakaripisa.

14 Zvino zvose zvakapambiwa zvemaguta awa, nemombe, vana vaIsraeri vakazvitorera kuva zvakajimbwa; asi munhu umwe neumwe vakarova nekwakapinza kwemunondo kusvika vavaparadza; havana kusiya chimwe chinofema.

15 Jehovha sezvaakaraira Mozisi muranda wake, Mozisi wakaraira Joshua saizvozvo; Joshua ndokuita saizvozvo; haana kusudurusa chinhu pane zvose Jehovha zvaakaraira Mozisi.

16 Saizvozvo Joshua wakatora nyika iyo yose, nyika yezvikomo, nenyika yose yekuchamhembe, nenyika yose yeGosheni, nemupata, nebani, nenyika yezvikomo yaIsraeri, nemupata wayo;

17 kubva pagomo reHaraki rinokwira kuSeiri kusvika paBhaari-Gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; ndokutapa madzimambo aro ose, ndokuarova ndokuauraya.

18 Joshua wakaita hondo nemadzimambo awa ose mazuva mazhinji.

19 Hakuna guta rakaita rugare nevana vaIsraeri, kunze kwevaHivhi vagari veGibhiyoni; vakaatora ose nehondo.

20 Nokuti zvaibva kuna Jehovha kuomesa moyo yavo, kuti vachingamidzane naIsraeri pahondo, kuti avaparadze chose, kuti vasava nenyasha; asi kuti avaparadze, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

21 Zvino Joshua wakauya nenguva iyo ndokugura VaAnaki kubva panyika yezvikomo, kubva paHebhuroni, kubva paDhebhiri, kubva paAnabhi, nekubva panyika yose yezvikomo yaJudha, nekubva panyika yose yezvikomo yaIsraeri; Joshua akavaparadza pamwe nemaguta avo.

22 Hakuna kusiiwa VaAnaki panyika yevana vaIsraeri; koga paGaza, paGadhi, nepaAshidhodhi, vakasara.

23 Joshua ndokutora nyika yose zvichienderana nezvose Jehovha zvaakareva kuna Mozisi; Joshua ndokuipa kuva nhaka kuna Israeri, zvichienderana nekuparadzaniswa kwavo, nemarudzi avo. Nyika ndokuva nezororo kubva pahondo.