ShonaTeam Joshua « 10 »

Kudzingwa kwevaAmori

10Zvino zvakaitika apo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema anzwa kuti Joshua watapa Ai, ndokuriparadza chose, sezvaakaitira Jeriko namambo waro, wakaitira saizvozvo Ai namambo waro, uye kuti vagari veGibhiyoni vakaita rugare naIsraeri, waiva pakati pavo,

2 vakatya kwazvo, nokuti Gibhiyoni raiva guta guru, serimwe remaguta amambo; uye nokuti raiva guru kupfuura Ai, nevarume varo vose vaiva nesimba.

3 Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema wakatuma nhume kuna Hohami mambo weHebhuroni, nekuna Pirami mambo weJarimuti, nekuna Jafia mambo weRakishi, nekuna Dhebhiri mambo weEgironi, achiti:

4 Kwirai kwandiri mugondibatsira, kuti tirove Gibhiyoni, nokuti rakaita rugare naJoshua uye nevana vaIsraeri.

5 Naizvozvo akaungana ndokukwira madzimambo mashanu evaAmori: Mambo weJerusarema, mambo weHebhuroni, mambo weJarimuti, mambo weRakishi, mambo weEgironi, iwo nehondo dzawo dzose, ndokuvaka musasa pamberi peGibhiyoni, ndokurwa naro.

6 Zvino varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa paGirigari, vachiti: Ruoko rwenyu rwusanetera varanda venyu; kwirai kwatiri nekukurumidza, mutiponese, uye mutibatsire, nokuti madzimambo ose evaAmori agere munyika yezvikomo akatiunganira.

7 Zvino Joshua wakakwira kubva kuGirigari, iye nevanhu vose vehondo vanaye, nevose vakasimba veumhare.

8 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Usavatya, nokuti ndavapa muruoko rwako; hakuna munhu kwavari achamira pamberi pako.

9 Zvino Joshua wakavapindira pakarepo; akakwira usiku hwose achibva kuGirigari.

10 Zvino Jehovha akavavhiringidza pamberi paIsraeri, ndokuvauraya nekuuraya kukuru paGibhiyoni, ndokuvadzingirira nenzira inokwira Bheti-Horoni, ndokuvarova kusvika Azeka, uye kusvika Makedha.

11 Zvino zvakaitika pavaitiza kubva pamberi paIsraeri, vari pamutenusirwa weBheti-Horoni, kuti Jehovha wakapotsera pamusoro pavo mabwe makuru kubva kumatenga kusvika paAzeka, zvino vakafa; vakawanda vakafa nechimvuramabwe kupfuura vana vaIsraeri vavakauraya nemunondo.

12 Ipapo Joshua wakataura kuna Jehovha pazuva Jehovha raakapa vaAmori pamberi pevana vaIsraeri, ndokuti pamberi pemeso aIsraeri: Zuva, mira paGibhiyoni, newe mwedzi, pamupata weAjaroni.

13 Zuva ndokumira kudaro, mwedzi ndokumira, kusvika rudzi rwazvitsivira vavengi varwo. Hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Naizvozvo zuva rakamira pakati pechadenga, uye harina kukurumidza kuvira rinenge zuva rose.

14 Uye hakuna kuva nezuva rakadaro mberi kwaro kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera kuinzwi remunhu; nokuti Jehovha wakarwira Israeri.

15 Zvino Joshua wakadzokera kumusasa paGirigari naIsraeri wose pamwe naye.

16 Asi madzimambo awa mashanu akatiza, ndokuzvivanza mubako paMakedha.

17 Ndokutaurwa kuna Joshua kunzi: Madzimambo mashanu akawanikwa akavanda mubako paMakedha.

18 Zvino Joshua wakati: Kungurusirai mabwe makuru kumuromo webako, mugomisa varume pariri kuvarinda.

19 Asi imwi musamira; dzingirirai shure vavengi venyu munovarova shure kwavo; musavarega vapinde mumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu wakavapa muruoko rwenyu.

20 Zvino zvakaitika apo Joshua nevana vaIsraeri vapedza kuvauraya nekuuraya kukuru kwazvo kusvika vapedzwa, kuti vasiiwa vakasara vavo vakapinda mumaguta akashoshewa;

21 vanhu vose ndokudzokera kumusasa kuna Joshua paMakedha murugare; hakuna wakazungunusira rurimi rwake kune umwe wevana vaIsraeri.

22 Zvino Joshua wakati: Zarurai muromo webako, mugobudisira kwandiri madzimambo awa mashanu kubva mubako.

23 Ivo ndokuita saizvozvo, ndokubudisira kwaari madzimambo awa mashanu kubva mubako: Mambo weJerusarema, mambo weHebhuroni, mambo weJarimuti, mambo weRakishi, namambo weEgironi.

24 Zvino zvakaitika vabudisira madzimambo awa kuna Joshua, kuti Joshua wakadana varume vose vaIsraeri ndokuti kuvakuru vevarume vehondo vaifamba naye: Swederai, isai tsoka dzenyu pamitsipa yemadzimambo awa. Ivo ndokuswedera, ndokuisa tsoka dzavo pamitsipa yawo.

25 Zvino Joshua wakati kwavari: Musatya, uye musavhunduswa; simbai mutsunge, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo kuvavengi venyu vose vamunorwa navo.

26 Pashure Joshua wakavarova, ndokuvauraya, ndokuvaremberedza pamiti mishanu; uye vaiva vakaremberera pamiti kusvika madekwani.

27 Zvino zvakaitika panguva yekuvira kwezuva, kuti Joshua wakaraira, ivo ndokuvaburusa kubva pamiti, ndokuvakandira mubako mavaiva vakavanda, ndokuisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvika zuva rino ranhasi.

28 Zvino Joshua wakatapa Makedha nezuva iro, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo; namambo waro wakavaparadza chose, ivo nemweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa; ndokuita kuna mambo weMakedha sezvaakaita kuna mambo weJeriko.

29 Zvino Joshua naIsraeri wose anaye vakapfuura kubva paMakedha kuenda Ribhina. Ndokurwa neRibhina.

30 Jehovha ndokuripawo namambo waro muruoko rwaIsraeri; iye ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, nemweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa mariri, asi wakaita kuna mambo waro sezvaakaita kuna mambo weJeriko.

31 Zvino Joshua naIsraeri wose anaye vakapfuura kubva Ribhina kuenda Rakishi, vakavaka musasa pakatarisana naro, ndokurirwisa.

32 Jehovha ndokupa Rakishi muruoko rwaIsraeri; iye wakaritora nezuva repiri, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, nemweya yeupenyu yose yaivamo, zvichienderana nezvose zvaakaitira Ribhina.

33 Ipapo Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kubatsira Rakishi; Joshua ndokumurova nevanhu vake, kusvika asina kumusiira musiiwa.

34 Zvino Joshua naIsraeri wose anaye vakapfuura kubva Rakishi kuenda kuEgironi; ndokuvaka musasa pakatarisana naro, ndokurirwisa.

35 Zvino vakaritapa zuva iroro, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo; nemweya yeupenyu yose yaivamo vakaiparadza chose zuva iroro, zvichienderana nezvose zvaakaitira Rakishi.

36 Zvino Joshua wakakwira kubva Egironi, naIsraeri wose anaye, kuenda kuHebhuroni, ndokurirwisa.

37 Zvino vakaritapa, ndokurirova nekwakapinza kwemunondo, namambo waro, nemaguta aro ose, nemweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa, zvichienderana nezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose nemweya yeupenyu yose yaivamo.

38 Zvino Joshua wakadzokera kuDhebhiri, naIsraeri wose anaye; ndokurirwisa.

39 Zvino wakaritapa, namambo waro, nemaguta aro ese; ndokuvarova nekwakapinza kwemunondo, ndokuparadza chose mweya yeupenyu yose yaivamo; haana kusiya musiiwa; sezvaakaitira Hebhuroni, saizvozvo wakaitira Dhebhiri namambo waro, sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.

40 Saizvozvo Joshua wakarova nyika yose, zvikomo, nechamhembe, nemupata, nezvitubu, nemadzimambo adzo ose; haana kusiya musiiwa; asi wakaparadza chose zvose zvipenyu, Jehovha Mwari waIsraeri sezvaakaraira.

41 Joshua ndokuvarova kubva Kadheshi-Bharineya kusvikawo Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikawo Gibhiyoni.

42 Zvino madzimambo awa ose nenyika dzawo Joshua wakaatapa panguva imwe, nokuti Jehovha Mwari waIsraeri wakarwira Israeri.

43 Zvino Joshua wakadzokera naIsraeri wose anaye kumusasa paGirigari.