ShonaTeam Joshua « 9 »

VaIsraeri vanonyengedzerwa nevaGibhiyoni

9Zvino zvakaitika madzimambo ose aiva mhiri kwaJoridhani, pazvikomo, nepamapani, nepamahombekombe ose egungwa guru, pakatarisana neRebhanoni, muHiti, nemuAmori, muKenani, muPerezi, muHivhi, nemuJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo,

2 vakazviunganidza pamwe kunorwa naJoshua uye naIsraeri neshoko rimwe.

3 Vagari veGibhiyoni vakati vanzwa Joshua zvaakaitira Jeriko nekuAi,

4 ivowo vakabata neunyengeri, ndokuenda ndokuzviita senhume, ndokutakudza mbongoro dzavo masaga akasakara nehombodo dzewaini dzakasakara uye dzakabvaruka uye dzakasungwa-sungwa;

5 nemanyatera akasakara aiva nezvigamba patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara vakadzipfeka; uye zvingwa zvose zvembuva yavo zvaiva zvakaoma nekufufunyuka.

6 Zvino vakaenda kuna Joshua kumusasa paGirigari, ndokuti kwaari nekuvarume vaIsraeri: Tabva kunyika iri kure; zvino ikozvino itai sungano nesu.

7 Zvino varume vaIsraeri vakati kuvaHivhi: Zvimwe mugere pakati pedu; zvino tingaita sungano nemwi sei?

8 Ivo ndokuti kuna Joshua: Tiri varanda venyu. Joshua ndokuti kwavari: Muri vana ani? Uye munobvepi?

9 Zvino vakati kwaari: Varanda venyu vanobva kunyika iri kure-kure, nekuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita muEgipita.

10 Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri evaAmori aiva mhiri kwaJoridhani, Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, waiva ari paAshitaroti.

11 Zvino vakuru vedu nevagari vose venyika yedu vakataura kwatiri vachiti: Torai mbuva yenzira muruoko rwenyu mugoenda mundosangana navo, zvino muti kwavari: Tiri varanda venyu; zvino ikozvino itai sungano nesu.

12 Chingwa chedu ichi takatora chichipisa iri mbuva yedu kubva padzimba dzedu nezuva ratakabuda tichiuya kwamuri; asi ikozvino tarirai, chaoma, uye chafufunyuka.

13 Nehombodo idzi dzewaini dzatakazadza dzaiva itsva; zvino tarirai, dzabvaruka; nenguvo dzedu idzi nemanyatera edu zvasakara nekuda kwerwendo rurefu-refu.

14 Zvino varume vakatora zvembuva yavo vakasabvunzawo muromo waJehovha.

15 Joshua ndokuita rugare navo, ndokuita sungano navo, kuvarega vari vapenyu; machinda eungano ndokupika kwavari.

16 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva matatu pashure pekunge vaita sungano navo, kuti vakanzwa kuti vavakidzani navo uye vagere pakati pavo.

17 Vana vaIsraeri ndokufamba ndokusvika kumaguta avo nezuva retatu. Zvino maguta avo aiva Gibhiyoni neKefira neBheeroti neKiriati-Jearimi.

18 Zvino vana vaIsraeri havana kuvarova, nokuti machinda eungano aiva apika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri. Zvino ungano yose ikan'un'unira machinda.

19 Asi machinda ose akati kuungano yose: Isu takapika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri; naizvozvo ikozvino hatigoni kuvabata.

20 Tichavaitira ichi: Tichavaregawo vari vapenyu, kuti kusava nehasha pamusoro pedu nekuda kwemhiko yatakapika kwavari.

21 Zvino machinda akati kwavari: Ngavararame, asi ngavave vatemi vehuni nevateki vemvura veungano yose, machinda sezvaakataura kwavari.

22 Zvino Joshua wakavadana ndokutaura kwavari achiti: Matinyengedzererei muchiti: Tabva kure-kure nemwi, izvo mugere pakati pedu?

23 Naizvozvo makatukwa, uye pakati penyu hapangagurwi varanda nevatemi vehuni nevateki vemvura veimba yaMwari wangu.

24 Zvino vakapindura Joshua ndokuti: Nokuti kwakaudzwa kwazvo varanda venyu kuti Jehovha Mwari wenyu wakaraira sei Mozisi muranda wake kukupai nyika yose, nekuparadza vagari vose venyika kubva pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo neupenyu hwedu nekuda kwenyu, ndokuita chinhu ichi.

25 Zvino ikozvino tarirai, tiri muruoko rwenyu, itai sezvakanaka uye sezvakarurama pameso enyu kuita kwatiri.

26 Zvino wakavaitira saizvozvo, ndokuvanunura kubva muruoko rwevana vaIsraeri kuti vasavauraya.

27 Zvino Joshua wakavaita zuva iroro vatemi vehuni nevateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha kusvika nhasi panzvimbo yaaizosarudza.