ShonaTeam Joshua « 8 »

Kuputswa kweguta reAi

8Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Usatya, kana kuvhunduswa; tora pamwe newe vanhu vose vehondo, zvino simukai mukwire kuAi; ona, ndapa muruoko rwako mambo weAi nevanhu vake neguta rake nenyika yake.

2 Zvino uchaitira Ai namambo waro sezvawakaitira Jeriko namambo waro; koga zvitapwa zvaro nemombe dzaro muchazvitorera kuva zvakajimbwa; uzviisire vavandiri muguta shure kwaro.

3 Naizvozvo Joshua wakasimuka nevanhu vose vehondo kuti vakwire kuAi. Joshua ndokusarudza varume zvuru makumi matatu vakasimba veumhare, ndokuvatuma usiku.

4 Zvino wakavaraira achiti: Tarirai, muchavandira guta shure kweguta; musaenda kuresa neguta, asi gadzirirai mose.

5 Zvino ini nevanhu vose vaneni tichaswedera kuguta. Zvino zvichaitika pavachatibudira sepakutanga kuti tichatiza pamberi pavo.

6 Zvino vachabuda shure kwedu kusvika tavakweva vabve muguta; nokuti vachati: Vanotiza pamberi pedu sepakutanga. Naizvozvo tichatiza pamberi pavo.

7 Zvino imwi muchasimuka kubva pakuvandira ndokutapa guta; nokuti Jehovha Mwari wenyu acharipa muruoko rwenyu.

8 Zvino kuchati kana matapa guta, muchapisa guta nemoto; muchaita zvichienderana neshoko raJehovha. Onai ndakurairai.

9 Zvino Joshua wakavatuma, ivo ndokuenda pakuvandira, ndokugara pakati peBheteri neAi, kumavirazuva eAi; asi Joshua wakarara pakati pevanhu usiku uhwo.

10 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani, ndokuverenga vanhu, ndokukwira iye nevakuru vaIsraeri, pamberi pevanhu, kuAi.

11 Nevanhu vose vehondo vaaiva anavo vakakwira ndokuswedera vakauya pamberi peguta, ndokudzika matende kumaodzanyemba eAi. Zvino kwaiva nemupata pakati pavo neAi.

12 Zvino wakatora varume vanenge zvuru zvishanu ndokuvavandirisa pakati peBheteri neAi kumavirazuva eguta.

13 Vakati vamisa vanhu, hondo yose yaiva kumaodzanyemba eguta, nevavandiri vavo vemavirazuva eguta, Joshua akaenda neusiku uhwo pakati pemupata.

14 Zvino zvakaitika mambo weAi paakazviona, kuti vakakurumidza ndokumuka mangwanani, uye varume veguta vakabudira Israeri kuhondo, iye nevanhu vake vose, nenguva yakatarwa, pamberi pebani; asi iye haana kuziva kuti kune vavandiri kwaari seri kweguta.

15 Zvino Joshua naIsraeri wose vakarohwa pamberi pavo, ndokutiza nenzira yerenje.

16 Zvino vanhu vose vaiva muguta vakaunganidzwa kuvadzingirira; zvino vakadzingirira Joshua, ndokukweverwa kubva muguta.

17 Zvino hakuna kuva nemunhu wakasara muAi kana Bheteri asina kubuda kutevera Israeri. Zvino vakasiya guta rakashama, ndokudzingirira Israeri.

18 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Tandavadza pfumo riri muruoko rwako kuAi, nokuti ndaripa muruoko rwako. Joshua ndokutandavadza pfumo raiva muruoko rwake kuguta.

19 Zvino vavandiri vakasimuka nekukurumidza kubva panzvimbo yavo, ndokumhanya paakangotandavadza ruoko rwake, ndokupinda muguta, ndokuritapa; ndokukurumidza ndokupisa guta nemoto.

20 Varume veAi vakati vachicheuka, vaona, zvino tarira, utsi hweguta huchikwira kumatenga; zvino vaiva vasina nzvimbo yekutizira kuno kana uko; nevanhu vaiva vatizira kurenje vakatendeukira mudzingiriri.

21 Joshua naIsraeri wose vakati vaona kuti vavandiri vatapa guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira, vakadzoka ndokurova varume veAi.

22 Neava vakabuda muguta kuzomirisana navo kusvika vava pakati paIsraeri, vamwe kurutivi runo uye vamwe kune urwo; zvino vakavarova, kusvika kusina kusara munhu kwavari, wakasara kana wakapukunyuka.

23 Zvino mambo weAi vakamutora ari mupenyu, ndokumuuisa kuna Joshua.

24 Zvino zvakaitika Israeri apedza kuuraya vagari vose veAi musango, murenje mavaivadzingirira, uye vose vawira pamuromo wemunondo, kusvika vapedzwa, Israeri wose akadzokera kuAi, ndokurirova nemuromo wemunondo.

25 Zvino zvakaitika kuti vose vakawa nezuva iro pavarume nepavakadzi vaiva zvuru gumi nezviviri, varume vose veAi.

26 Nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakatandavadza narwo pfumo, kusvika aparadza chose vagari vose veAi.

27 Koga mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsraeri vakazvitapira, zvichienderana neshoko raJehovha raakaraira Joshua.

28 Zvino Joshua wakapisa Ai, akariita murwi nekusingaperi, dongo kusvika nhasi.

29 Zvino mambo weAi wakamuremberedza pamuti kusvika nguva yemadekwani; nepakuvira kwezuva Joshua wakaraira kuti vaburuse mutumbi wake kubva pamuti; vagoukandira pamukova wesuwo reguta, ndokumisa pamusoro pawo murwi mukuru wemabwe, uripo kusvika nhasi.

30 Panguva iyoyo Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsraeri aritari pagomo reEbhari,

31 Mozisi muranda waJehovha sezvaakaraira vana vaIsraeri, sezvazvakanyorwa mubhuku remurairo waMozisi: Aritari yemabwe akakwana, pasina kumboshandiswa dare pamusoro pawo. Zvino vakapa pamusoro payo kuna Jehovha zvipo zvinopiswa, vakabaya zvipo zvekuyananisa.

32 Zvino wakanyorapo pamabwe dzokororo yemurairo waMozisi waakanyora pamberi pevana vaIsraeri.

33 Zvino Israeri wose nevakuru vavo nevatariri nevatongi vavo vakamira kuno neuko kweareka pamberi pevapristi vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, mutorwa sewakaberekerwa munyika; hafu yavo yakatarisana negomo reGerizimi, nehafu yavo yakatarisana negomo reEbhari; Mozisi sezvaakaraira muranda waJehovha, kuropafadza vana vaIsraeri pekutanga.

34 Zvino pashure wakaverenga mashoko ose emurairo, ropafadzo nechakatukwa, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku remurairo.

35 Kwaiva kusina shoko pazvose Mozisi zvaakaraira, Joshua raasina kuverenga pamberi peungano yose yaIsraeri, nevakadzi, nevanana, nevatorwa vaifamba pakati pavo.