ShonaTeam Joshua « 7 »

Kutadza kwaAkani nekurohwa kwake

7Asi vana vaIsraeri vakatadza chitadzo pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, werudzi rwaJudha, wakatora pachinhu chakayereswa. Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vana vaIsraeri.

2 Joshua ndokutuma varume vabve Jeriko vaende Ai riri pedo neBheti-Avheni, kumabvazuva kweBheteri, ndokutaura kwavari achiti: Kwirai, mugoshora nyika. Varume ndokukwira ndokushora Ai.

3 Zvino vakadzokera kuna Joshua, ndokuti kwaari: Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zvuru zviviri kana varume vanenge zvitatu ngavakwire vagonorova Ai; usanetesa vanhu vose kuendako, nokuti vashoma.

4 Zvino kwakakwirako pavanhu varume vanenge zvuru zvitatu; ndokutiza pamberi pevarume veAi.

5 Varume veAi ndokurova varume vanenge makumi matatu nevatanhatu vavo, ndokuvadzingirira pamberi pesuwo kusvika Shebharimi, ndokuvarova pakuburuka. Moyo yevanhu ndokunyauka, ndokuva semvura.

6 Zvino Joshua wakabvarura nguvo dzake, ndokuwira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvika madekwani, iye nevakuru vaIsraeri, ivo ndokuisa guruva pamusoro pemusoro wavo.

7 Joshua ndokuti: Haiwa! Ishe Jehovha, makayambusirei kwazvo vanhu ava Joridhani, kutikumikidza muruoko rwevaAmori kutiparadza? Dai takagutsikana ndokugara mhiri kwaJoridhani!

8 Haiwa Ishe, ndichatii, shure kwekunge Israeri afuratira pamberi pevavengi vake!

9 Nokuti vaKenani nevose vagere munyika vachanzwa, vagotikomba, ndokugura zita redu ribve panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?

10 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Simuka iwe; wawirei seizvi nechiso chako?

11 Israeri watadza, uye vadarikawo sungano yangu yandakavaraira, uye vatorawo pane chakayereswa, uye vabawo, uye vanyengerawo, uye vaisawo pakati penhumbi dzavo.

12 Naizvozvo vana vaIsraeri havana kugona kumira pamberi pevavengi vavo; vatendeusa mutsipa pamberi pevavengi vavo, nokuti vava chakatukwa; handichazovi nemwi kana musingaparadzi chakayereswa kubva pakati penyu.

13 Simuka, ita vanhu vave vatsvene, uti: Zviitii vatsvene kuitira mangwana, nokuti anoreva saizvozvo Jehovha Mwari waIsraeri: Pane chinhu chakayereswa pakati penyu, Israeri; haugoni kumira pamberi pevavengi vako kusvika wabvisa chinhu chakayereswa kubva pakati penyu.

14 Naizvozvo mangwanani muchaswededzwa nemarudzi enyu; uye zvichaitika kuti rudzi Jehovha rwaachabata rwuchaswedera zvichienderana nemhuri; nemhuri Jehovha yaachabata ichaswedera nedzimba; neimba Jehovha yaachabata ichaswedera murume umwe neumwe.

15 Zvino zvichaitika, uyo achabatwa ane chakayereswa achapiswa nemoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wadarika sungano yaJehovha, uye nokuti waita upenzi kwaIsraeri.

16 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani, ndokuswededza Israeri nemarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa;

17 zvino wakaswededza mhuri yaJudha, ndokubata mhuri yevaZera; zvino wakaswededza mhuri yevaZera, murume umwe neumwe, Zabhedhi ndokubatwa;

18 zvino wakaswededza imba yake, murume umwe neumwe, zvino Akani akabatwa, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, werudzi rwaJudha.

19 Zvino Joshua wakati kuna Akani: Mwana wangu, ipa hako kudzo Jehovha Mwari waIsraeri, reurura kwaari; ndiudze hako zvawakaita, usandivanzira.

20 Zvino Akani wakapindura Joshua ndokuti: Zvirokwazvo, ini ndakatadzira Jehovha Mwari waIsraeri, ndakaita seizvi uye seizvi.

21 Pandakaona pakati pezvakapambiwa nguvo imwe yeBhabhironi yakanaka, nemashekeri esirivha mazana maviri, nerurimi rwumwe rwegoridhe uremu hwaro hwaiva mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndokuzvitora; zvino tarirai, zvakavigwa muvhu mukati metende rangu, uye sirivha iri pasi pazvo.

22 Zvino Joshua wakatuma nhume, ivo ndokumhanyira mutende, zvino tarira, zvakavigwa mutende rake, nesirivha iri pasi pazvo.

23 Zvino vakazvitora kubva mukati metende, ndokuzviisa kuna Joshua nekuvana vaIsraeri vose, ndokuzvidururira pamberi paJehovha.

24 Zvino Joshua naIsraeri wose waiva naye vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nerurimi rwegoridhe, nevanakomana vake, nevanasikana vake, nenzombe dzake, nembongoro dzake, nemakwai ake, netende rake, nezvose zvaaiva anazvo, ndokuzvikwidza kumupata weAkori.

25 Zvino Joshua wakati: Wakatitambudzirei? Jehovha achakutambudza nhasi. Zvino Israeri wose wakamutaka nemabwe, ndokuvapisa nemoto, ndokuvataka nemabwe.

26 Zvino vakamisa pamusoro pake murwi mukuru wemabwe kusvika nhasi. Naizvozvo Jehovha wakadzoka pakupfuta kwehasha dzake. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi, Mupata weAkori, kusvika nhasi.