ShonaTeam Joshua « 6 »

Kuputswa kweguta reJeriko

6Zvino Jeriko raiva rapfigwa kwazvo nekuda kwevana vaIsraeri; hakuna waibuda uye hakuna waipinda.

2 Jehovha ndokuti kuna Joshua: Tarira, ndapa muruoko rwako Jeriko namambo waro nevakasimba veumhare.

3 Zvino muchakomba guta, varume vose vehondo, poteredzai guta kamwe. Muchaita saizvozvo mazuva matanhatu.

4 Zvino vapristi vanomwe vachatakura mberi kweareka hwamanda nomwe dzenyanga dzemakondohwe; uye nezuva rechinomwe muchapoteredza guta kanomwe; uye vapristi vachiridza hwamanda.

5 Zvino zvichaitika, pavakaridza runyanga rwegondohwe nguva refu, pamunonzwa kurira kwehwamanda, vanhu vose vachadanidzira nekudanidzira kukuru; zvino rusvingo rweguta rwuchakoromokera pasi, nevanhu vachakwira, umwe neumwe pakaruramana naye.

6 Zvino Joshua mwanakomana waNuni wakadana vapristi ndokuti kwavari: Simudzai areka yesungano, uye vapristi vanomwe vatakure hwamanda dzenyanga dzemakondohwe nomwe pamberi peareka yaJehovha.

7 Zvino wakati kuvanhu: Pfuurai, poteredzai guta; neakashonga zvombo ngaapfuure pamberi peareka yaJehovha.

8 Zvino zvakaitika apo Joshua ataura kuvanhu, kuti vapristi vanomwe vakatakura hwamanda dzenyanga dzemakondohwe nomwe vakapfuura pamberi paJehovha ndokuridza hwamanda; areka yesungano yaJehovha ndokuvatevera.

9 Zvino vakashonga zvombo vakafamba mberi kwevapristi vairidza hwamanda, neveshure vakatevera areka, ndokufamba vachiridza hwamanda.

10 Zvino Joshua wakaraira vanhu achiti: Musadanidzira, uye musanzwisa inzwi renyu, uye kusabuda shoko mumuromo menyu, kusvika pazuva rekuti kwangu kwauri: Danidzirai; ipapo muchadanidzira.

11 Naizvozvo achapoteredzesa areka yaJehovha guta, ichipoteredza kamwe; zvino vakauya kumusasa, ndokurara mumusasa.

12 Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani, uye vapristi vakasimudza areka yaJehovha.

13 Nevapristi vanomwe vaiva vakatakura hwamanda dzenyanga dzemakondohwe nomwe mberi kweareka yaJehovha vakaenderera mberi vachifamba vachiridza hwamanda; nevakashonga zvombo vakafamba mberi kwavo; nevarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vakafamba vachingoridza hwamanda.

14 Nezuva rechipiri vakapoteredza guta kamwe ndokudzokera kumusasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.

15 Zvino zvakaitika nezuva rechinomwe kuti vakamuka mangwanani mambakwedza ndokupoteredza guta nenzira iyoyo kanomwe; nezuva iro koga vakapoteredza guta kanomwe.

16 Zvino zvakaitika panguva yechinomwe vapristi pavakaridza hwamanda, Joshua ndokuti kuvanhu: Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.

17 Asi guta iro nechose chiri mariri zvichayereserwa Jehovha; koga Rakabhi chifeve achararama, iye nevose vari mumba naye, nokuti wakaviga nhume dzatakatuma.

18 Asi imwi zvirokwazvo zvichengetedzei pane zvakayereswa, zvimwe muzviite chakatukwa kana mukatora pazvakayereswa, muitise musasa waIsraeri chinhu chakatukwa, muutambudze.

19 Asi sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyematare, zvitsvene kuna Jehovha; zvichauya muchivigiro chefuma chaJehovha.

20 Zvino vanhu vakadanidzira, kukaridzwa hwamanda; zvino zvakaitika vanhu pavakanzwa kurira kwehwamanda, vanhu ndokudanidzira nekudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromokera pasi, vanhu ndokukwira muguta, umwe neumwe pakaruramana naye, ndokutapa guta.

21 Zvino vakaparadza chose zvose zvaiva muguta, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kubva kumudiki kusvika kumukuru, nekusvika kunzombe, nemakwai, nembongoro, nekwakapinza kwemunondo.

22 Zvino kuvarume vaviri vaiva vanoshora nyika, Joshua wakati: Pindai mumba memukadzi chifeve, mubudisemo mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.

23 Zvino majaya, vashori, vakapinda vakabudisa Rakabhi nababa vake namai vake nehanzvadzi dzake nezvose zvaaiva nazvo; vakabudisawo hama dzake dzose; ndokuvaisa kunze kwemusasa waIsraeri.

24 Zvino vakapisa guta nemoto, nezvose zvaiva mariri; koga sirivha negoridhe nemidziyo yendarira neyematare vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.

25 Naizvozvo Rakabhi chifeve neveimba yababa vake nevose vaaiva navo, Joshua wakarega vari vapenyu; iye akagara pakati paIsraeri kusvika nhasi; nokuti wakaviga nhume Joshua dzaakatuma kunoshora Jeriko.

26 Zvino Joshua wakavapikisa panguva iyo achiti: Wakatukwa munhu pamberi paJehovha achasimuka akavaka iri guta reJeriko; achaisa nheyo dzaro padangwe rake, agomisa mikova yaro pagotwe rake.

27 Naizvozvo Jehovha wakava naJoshua; uye mukurumbira wake waiva panyika yose.