ShonaTeam Joshua « 5 »

5Zvino zvakaitika apo madzimambo ose evaAmori aiva mhiri kwaJoridhani kumavirazuva nemadzimambo ose evaKenani aiva pagungwa vakanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura dzaJoridhani kubva pamberi pevana vaIsraeri, kusvika tayambuka, kuti moyo yavo yakanyunguduka, vakasavazve nemweya mukati mavo, nekuda kwevana vaIsraeri.

Joshua anodzingisa vana vaIsraeri kuti vadye pasika

2 Nenguva iyo Jehovha wakati kuna Joshua: Zviitire mapanga emabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsraeri rwechipiri.

3 Joshua ndokuzviitira mapanga emabwe anopinza, ndokudzingisa vana vaIsraeri pachikomo chezvikanda zvepamberi.

4 Zvino ichi ndicho chikonzero Joshua chaakavadzingisira: Vose vanhu vakabuda muEgipita, vanhurume, varume vose vehondo, vakafira murenje panzira shure kwekunge vabuda muEgipita.

5 Nokuti vanhu vose vaibuda vaidzingiswa; asi vanhu vose vakaberekerwa murenje panzira pashure pekunge vabuda muEgipita vaiva vasina kuvadzingisa.

6 Nokuti vana vaIsraeri vakafamba makore makumi mana murenje, kusvika rudzi rwose, varume vehondo vaiva vabuda Egipita vapedzwa, nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha wakapika kwavari kuti haangavataridzi nyika, Jehovha yaakapikira madzibaba avo kutipa iyo, nyika inoyerera mukaka neuchi.

7 Zvino vana vavo wakavamutsa panzvimbo yavo, ndivo Joshua vaakadzingisa; nokuti vaiva vasina kudzingiswa, nokuti vaiva vasina kuvadzingisa panzira.

8 Zvino zvakaitika vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara panzvimbo dzavo pamusasa kusvika vapora.

9 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Nhasi ndapetenura kubva kwamuri kuzvidza kweEgipita. Naizvozvo zita renzvimbo rakanzi Girigari kusvika nhasi.

10 Zvino vana vaIsraeri vakadzika matende muGirigari, ndokuchengetedza pasika pazuva regumi nechina remwedzi madekwani pamapani eJeriko.

11 Zvino vakadya zvezvibereko zvenyika chifume chepasika, zvingwa zvisina kuviriswa nehura dzakakangwa nezuva iroro.

12 Mana* ndokuguma chifume chavakadya zvezvibereko zvenyika; zvino vana vaIsraeri havana kuvazve nemana, asi vakadya zvezvibereko zvenyika yeKenani negore iroro.

13 Zvino zvakaitika Joshua ari paJeriko, kuti wakasimudza meso ake ndokuona, zvino tarira, murume amire pakatarisana naye, munondo wake wakavhomorwa uri muruoko rwake; Joshua ndokuenda kwaari ndokuti kwaari: Uri wekwedu here kana uri wevavengi vedu?

14 Iye ndokuti: Kwete, asi ndiri mukuru wehondo yaJehovha; zvino ndauya. Joshua ndokuwira pasi nechiso chake, ndokunamata, ndokuti kwaari: Ishe wangu unotii kumuranda wake?

15 Mukuru wehondo yaJehovha ndokuti kuna Joshua: Sunungura shangu yako parutsoka rwako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene; Joshua ndokuita saizvozvo.