ShonaTeam Joshua « 4 »

Zviratidzo zvemabwe gumi nemaviri

4Zvino zvakaitika apo rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridhani, kuti Jehovha wakataura kuna Joshua achiti:

2 Uzvitorere varume gumi nevaviri kubva pavanhu, murume umwe chete kubva parudzi rumwe nerumwe;

3 ugovaraira uchiti: Zvitorerei kubva pano kubva pakati paJoridhani kubva panzvimbo iyo pamire tsoka dzevapristi dzakasimba mabwe gumi nemaviri, zvino muayambuse pamwe nemwi mugoaisa panzvimbo yekurara pamucharara usiku huno.

4 Zvino Joshua wakadana varume gumi nevaviri vaaiva agadzirira kubva pavana vaIsraeri, murume umwe chete kubva parudzi rumwe nerumwe.

5 Joshua ndokuti kwavari: Pfuurai pamberi peareka yaJehovha Mwari wenyu, mupinde pakati paJoridhani, mugozvinongera umwe neumwe ibwe rimwe aise pafudzi rake, zvichienderana neuwandu hwemarudzi evana vaIsraeri.

6 Kuti ichi chive chiratidzo pakati penyu, kana vana venyu vachibvunza mangwana vachiti: Mabwe awa chii kwamuri?

7 Zvino muchavaudza: Nokuti mvura yaJoridhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; payaiyambuka Joridhani, mvura yaJoridhani yakagurwa. Zvino mabwe awa achava chirangaridzo pavana vaIsraeri nekusingaperi.

8 Zvino vana vaIsraeri vakaita saizvozvo Joshua sezvaakavaraira; zvino vakanonga mabwe gumi nemaviri kubva pakati paJoridhani, Jehovha sezvaakataura kuna Joshua, zvichienderana neuwandu hwemarudzi evana vaIsraeri, ndokuatakura vakayambuka nawo kusvika kunzvimbo pavakarara, ndokuaisapo.

9 Zvino Joshua akamisa mabwe gumi nemaviri mukati maJoridhani, panzvimbo tsoka dzevapristi vaitakura areka yesungano padzaiva dzimire; uye achipo kusvika nhasi.

10 Uye vapristi vaiva vakatakura areka vakamira mukati maJoridhani kusvika chinhu chose chapera Jehovha chaaiva araira Joshua kuti achiudze vanhu, zvichienderana nezvose Mozisi zvaaiva araira Joshua. Vanhu ndokukurumidza ndokuyambuka.

11 Zvino zvakaitika vanhu vose vapedza kuyambuka, kuti areka yaJehovha yakayambuka, nevapristi pamberi pevanhu.

12 Nevana vaRubheni nevana vaGadhi nehafu yerudzi rwaManase vakayambuka vakashonga zvombo pamberi pevana vaIsraeri, Mozisi sezvaakavaudza.

13 Vanenge zvuru makumi mana vakashongera zvombo hondo vakayambuka pamberi paJehovha kuenda kuhondo kumapani eJeriko.

14 Nezuva iro Jehovha raakakudza Joshua pameso paIsraeri wose; zvino vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose eupenyu hwake.

15 Zvino Jehovha wakataura kuna Joshua achiti:

16 Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro kuti vakwire kubuda muna Joridhani.

17 Naizvozvo Joshua wakaraira vapristi achiti: Kwirai mubude muna Joridhani.

18 Zvino zvakaitika vapristi vaiva vakatakura areka yesungano yaJehovha pavakakwira kubuda mukati maJoridhani, nepasi petsoka dzevapristi dzasimudzirwa pavhu rakaoma, mvura yaJoridhani ndokudzokera panzvimbo yayo, ikafamba sazuro namarimwezuro ichipfachukira kumhenderekedzo dzarwo dzose.

19 Zvino vanhu vakakwira kubuda muna Joridhani neregumi remwedzi wekutanga, ndokudzika matende muGirigari, pamuganhu wemabvazuva eJeriko.

20 Zvino mabwe awa gumi nemaviri avakanonga kubva muJoridhani, Joshua wakaamisa paGirigari.

21 Zvino wakataura kuvana vaIsraeri achiti: Kana vana venyu vachibvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti: Mabwe awa chii?

22 Zvino muchazivisa vana venyu muchiti: Israeri wakayambuka Joridhani urwu pavhu rakaoma.

23 Nokuti Jehovha Mwari wenyu wakapwisa mvura yaJoridhani kubva pamberi penyu, kusvika mayambuka, Jehovha Mwari wenyu sezvaakaita paGungwa Dzvuku, raakapwisa kubva pamberi pedu, kusvika tayambuka;

24 kuti marudzi ose enyika azive ruoko rwaJehovha kuti rwakasimba; kuti mutye Jehovha Mwari wenyu mazuva ose.