ShonaTeam Joshua « 3 »

VaIsraeri vanoyambuka Joridhani

3Zvino Joshua wakamuka mangwanani-ngwanani; zvino vakabva paShitimi ndokusvika paJoridhani, iye nevana vaIsraeri vose, ndokurarapo vasati vayambuka.

2 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva matatu kuti vatariri vakagura nepakati pemusasa,

3 ndokuraira vanhu vachiti: Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, nevapristi vaRevhi vakaitakura, ipapo imwi muchabva panzvimbo yenyu ndokuitevera.

4 Asi pachava nenzvimbo pakati penyu nayo, makubhiti anenge zvuru zviviri nechiyero; musaswedera kwairi, kuti muzive nzira yamungaenda nayo; nokuti hamuna kupfuura nenzira iyi zuro namarimwezuro.

5 Zvino Joshua wakati kuvanhu: Zviitei vatsvene, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinoshamisa pakati penyu.

6 Joshua ndokutaura nevapristi achiti: Simudzai areka yesungano mugopfuura mberi kwevanhu. Zvino vakasimudza areka yesungano ndokufamba mberi kwevanhu.

7 Zvino Jehovha wakati kuna Joshua: Nhasi ndichatanga kukukudza pameso aIsraeri wose kuti vazive kuti sezvandaiva naMozisi ndichava newe.

8 Zvino iwe ucharaira vapristi vanotakura areka yesungano uchiti: Kana masvika pamucheto wemvura yaJoridhani, muchamira muna Joridhani.

9 Zvino Joshua wakati kuvana vaIsraeri: Swederai pano, mugonzwa mashoko aJehovha Mwari wenyu.

10 Joshua ndokuti: Muchaziva neichi kuti Mwari mupenyu ari pakati penyu, uye kuti achadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani nevaHiti nevaHivhi nevaPerezi nevaGirigashi nevaAmori nevaJebhusi.

11 Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose inopfuura mberi kwenyu muna Joridhani.

12 Naizvozvo ikozvino zvitorerei varume gumi nevaviri kubva pamarudzi aIsraeri, murume parudzi rumwe nerumwe.

13 Zvino zvichaitika apo pasi petsoka dzevapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, padzinozorora mumvura yaJoridhani, mvura yaJoridhani ichagurwa, mvura inoburuka kubva kumusoro; uye ichamira ive murwi umwe.

14 Zvino zvakaitika vanhu vachibva pamatende avo kuyambuka Joridhani, vapristi vakatakura areka yesungano mberi kwevanhu.

15 Neapo avo vakatakura areka vakasvika paJoridhani, netsoka dzevapristi vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura (nokuti Joridhani rwunozara mhenderokedzo dzarwo dzose mazuva ose egoho),

16 kuti mvura yaiburuka kubva kumusoro yakamira ndokusimuka kuita murwi umwe, kure-kure neguta reAdhama riri kurutivi rweZaretani; neyaienda pasi kugungwa rebani, gungwa remunyu, yakapera kugurwa; vanhu ndokuyambuka pakatarisana neJeriko.

17 Zvino vapristi vakatakura areka yesungano yaJehovha vakamira pavhu rakaoma pakati paJoridhani vakasimba, Israeri wose ndokuyambuka pavhu rakaoma, kusvika rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridhani.