ShonaTeam Joshua « 2 »

Joshua anotuma vanhu vaviri kundoshora Kenani

2Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma kubva kuShitimi varume vaviri kuva vashori pachivande achiti: Endai munoona nyika neJeriko. Zvino vakaenda, ndokusvikira mumba memukadzi chifeve, uye zita racho raiva Rakabhi, ndokurarapo.

2 Zvino zvakaudzwa mambo weJeriko zvichinzi: Tarirai, kwapinda pano usiku huno varume vevana vaIsraeri kuzoshora nyika.

3 Zvino mambo weJeriko wakatuma kuna Rakabhi achiti: Budisa varume ava vakasvika kwauri, vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.

4 Asi mukadzi wakatora varume ava vaviri ndokuvaviga ndokureva seizvi: Varume vakasvika kwandiri, asi ndaiva ndisingazivi kwavanobva.

5 Zvino zvaitika pakuvharwa kwesuwo, kwasviba, varume ndokubuda; handizivi kwakaenda varume; vateverei nekukurumidza, nokuti muchavabata.

6 Asi iye waiva avakwidza padenga, ndokuvaviga nemajanga emasosovori aiva akawaridzirwa iye padenga.

7 Zvino varume vakavateverera nenzira yeJoridhani kusvika kumazambuko. Zvino vakapfiga suwo pavakangobuda vakavateverera.

8 Zvino vasati varara iye wakakwira kwavari pamusoro pedenga.

9 Ndokuti kuvarume: Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, uye kuti kutyisa kwenyu kwakawira pamusoro pedu, uye kuti vagari vose venyika vanonyunguduka nekuda kwenyu.

10 Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pakubuda kwenyu muEgipita, nezvamakaitira madzimambo maviri evaAmori, vaiva mhiri kwaJoridhani, kuna Sihoni nekuna Ogi, vamakanyangarisa.

11 Patakangonzwa izvi moyo wedu wakanyunguduka, uye hakuna kusarazve kushinga pamunhu nekuda kwenyu. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumatenga kumusoro uye panyika pasi.

12 Naizvozvo ikozvino, ndipikirei henyu naJehovha, zvandakakuitirai tsitsi, nemwiwo muchaitira imba yababa vangu tsitsi, uye mundipe chiratidzo chakavimbika,

13 kuti muchengete baba vangu vari vapenyu namai vangu nehanzvadzi dzangu nemadzikoma nevanin'ina vangu, nezvose zvavanazvo, kuti mununure upenyu hwedu parufu.

14 Zvino varume vakati kwaari: Mweya wedu ngaufe pachinzvimbo chenyu, kana mukasabudisa pachena nyaya yedu iyi. Uye zvichaitika kuti Jehovha paanenge atipa nyika, tichakuitira tsitsi nechokwadi.

15 Zvino wakavaburusa netambo nepahwindo, nokuti imba yake yaiva pamusoro perusvingo rweguta, uye waigara pamusoro perusvingo.

16 Zvino wakati kwavari: Endai kugomo, zvimwe vatevereri vangasangana nemwi, mugozvivigako mazuva matatu, kusvika vatevereri vadzoka; zvino pashure mungaenda nenzira yenyu.

17 Zvino varume vakati kwaari: Isu tichava vasina mhosva pamhiko yako iyi yawatipikisa.

18 Tarira, kana tasvika munyika, uchasungira tambo yerushinda rutsvuku iyi pahwindo pawakatiburusa napo; nababa vako namai vako nehanzvadzi dzako nevose veimba yababa vako uvaunganidzire kwauri mumba.

19 Zvino zvichaitika, ani nani achabuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pemusoro wake, asi isu tichava vasina mhosva; uye ani nani anewe mumba, ropa rake richava pamusoro pemusoro wedu, kana ruoko rwukava pamusoro pake.

20 Asi kana ukabudisa pachena nyaya yedu iyi, isu tichava vasina mhosva nemhiko yako yawakatipikisa.

21 Iye ndokuti: Zvichienderana nemashoko enyu, ngazvive saizvozvo. Zvino wakavaendesa vakaenda, iye ndokusungira tambo tsvuku pahwindo.

22 Zvino vakaenda ndokusvika kugomo ndokugarako mazuva matatu kusvika vatevereri vadzoka; nokuti vatevereri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.

23 Naizvozvo varume ava vaviri vakadzoka vachiburuka mugomo, ndokuyambuka ndokusvika kuna Joshua mwanakomana waNuni; ndokumuudza zvose zvavaiva vaitirwa.

24 Zvino vakati kuna Joshua: Zvirokwazvo Jehovha wakakumikidza nyika yose mumaoko edu; uyewo vagari vose venyika iyo vanyunguduka pamberi pedu.