ShonaTeam Joshua « 1 »

Joshua anoraira vaIsraeri kuyambuka Joridhani

1 Zvino shure kwekufa kwaMozisi muranda waJehovha zvakaitika kuti Jehovha wakataura kuna Joshua mwanakomana waNuni muranda waMozisi achiti:

2 Mozisi muranda wangu wafa; naizvozvo ikozvino simuka uyambuke Joridhani urwu, iwe nevanhu ava vose, muende kunyika yandinopa kwavari, kuvana vaIsraeri.

3 Nzvimbo yose pasi petsoka yenyu yapachatsika ndakakupai iyo, sezvandakareva kuna Mozisi.

4 Kubva murenje neRebhanoni iri kusvikawo kurwizi rukuru, rwizi Furati, nyika yose yevaHiti, uye kusvika kugungwa guru, mavirazuva, ndiwo muganhu wenyu.

5 Hakuna munhu achazvimisa pamberi pako mazuva ose eupenyu hwako; sezvandaiva naMozisi ndichava newe; handingakuregi kana kukusiya.

6 Simba, utsunge, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yenyika yandakapikira madzibaba avo kuvapa.

7 Koga simba uye utsunge kwazvo, kuti uchengetedze kuita zvinoenderana nemurairo wose Mozisi muranda wangu waakakuraira; usatsauka pauri kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire pane kose kwaunoenda.

8 Bhuku iri remurairo risabva pamuromo wako, asi uchafungisisa mariri masikati neusiku, kuti uchengetedze kuita zvinoenderana nezvose zvakanyorwamo, nokuti ipapo uchabudiririsa nzira yako, uye ipapo uchabudirira.

9 Handina kukuraira here? Simba, utsunge; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kose kwaunoenda.

10 Ipapo Joshua wakaraira vatungamiriri vevanhu achiti:

11 Gurai nepakati pemusasa mugoraira vanhu muchiti: Zvigadzirirei mbuva, nokuti pachine mazuva matatu muchayambuka Joridhani urwu, kuti mupinde mugare nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanokupai kuigara nhaka.

12 Zvino Joshua wakataura kuvaRubheni nekuvaGadhi nekuhafu yerudzi rwaManase achiti:

13 Rangarirai shoko Mozisi muranda waJehovha raakakurairai achiti: Jehovha Mwari wenyu achakuzorodzai uye achakupai nyika iyi.

14 Vakadzi venyu, vanana venyu, nezvipfuwo zvenyu, zvichasara panyika Mozisi yaakakupai kurutivi runo rwaJoridhani, asi imwi muchayambuka makashonga zvombo pamberi pehama dzenyu, varume vakasimba vose veumhare, mugovabatsira;

15 kusvika Jehovha azorodza hama dzenyu semwi, naivowo vagara nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanovapa; ipapo muchadzokera kunyika yenhaka yenyu mugoigara nhaka, Mozisi muranda waJehovha yaakakupai kurutivi rwekuno kwaJoridhani kumabvazuva.

16 Zvino vakapindura Joshua vachiti: Zvose zvamunotiraira tichaita, uye kose kwamunotituma tichaenda.

17 Zvichienderana nezvose zvatakateerera Mozisi nazvo, saizvozvo tichakuteererai. Koga Jehovha Mwari wenyu ngaave nemwi sezvaaiva naMozisi.

18 Munhu wose anomukira muromo wenyu asingateereri kumashoko enyu pazvose zvamunomuraira achaurawa; koga simbai mutsunge.