ShonaTeam Deuteronomy « 34

Kufa nekuvigwa kwaMozisi

34Zvino Mozisi wakakwira kubva pamapani ekwaMoabhu achienda kugomo reNebho, nhongonya yePisiga iri pakatarisana neJeriko. Jehovha ndokumutaridza nyika yose, Giriyadhi kusvika kuDhani,

2 neNafutari yose, nenyika yaEfuremu, naManase, nenyika yose yaJudha, kusvika pagungwa rekupedzisira;

3 nechamhembe, nebani remupata weJeriko, guta remichindwe, kusvika Zoari.

4 Zvino Jehovha akati kwaari: Iyi inyika yandakapikira Abhurahama, Isaka, naJakove, ndichiti: Ndichaipa kumbeu yako; ndakakuita kuti uone nemeso ako, asi haungayambukiriko.

5 Zvino Mozisi muranda waJehovha wakafirapo munyika yaMoabhu, zvichienderana neshoko raJehovha.

6 Zvino wakamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-Peori; asi hakuna munhu anoziva guva rake kusvika nhasi.

7 Zvino Mozisi waiva wemakore zana nemakumi maviri pakufa kwake; meso ake aiva asati osvibirirwa, neutsva hwake husati hwatiza.

8 Vana vaIsraeri vakachema Mozisi pamapani ekwaMoabhu mazuva makumi matatu; saizvozvo mazuva emariro ekuchemera Mozisi akapera.

9 Zvino Joshua mwanakomana waNuni waiva azere nemweya wekuchenjera; nokuti Mozisi waiva aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsraeri ndokumuteerera, ndokuita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

10 Zvino hakuna kumukazve muporofita pakati paIsraeri wakaita saMozisi, Jehovha waakaziva chiso nechiso;

11 pazviratidzo zvose nezvishamiso, Jehovha zvaakamutuma kunoita panyika yeEgipita, kuna Farao nekuvaranda vake vose nekunyika yake yose;

12 neparuoko rwose urwo rwune simba, nepakutyisa kukuru kose, Mozisi kwaakaita pamberi pemeso aIsraeri wose.