ShonaTeam Deuteronomy « 33 »

Mozisi anoropafadza marudzi aIsraeri

33Zvino ndiyo ropafadzo Mozisi munhu waMwari yaakaropafadza nayo vana vaIsraeri, asati afa.

2 Iye ndokuti: Jehovha wakabva kuSinai, akavabudira achibva kuSeiri; akapenya ari pagomo reParani, akauya achibva pazvuru zvine gumi zvevatsvene; paruoko rwake rwerudyi paiva pane murairo wemoto kwavari.

3 Zvirokwazvo anoda vanhu. Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; ivo vakagara pasi patsoka dzenyu; umwe neumwe uchagamuchira zvemashoko enyu.

4 Mozisi wakatiraira murairo, nhaka yeungano yaJakove.

5 Waiva ari mambo paJeshuruni, pakuzviunganidza kwemisoro yevanhu, pamwe chete nemarudzi ose aIsraeri.

6 Rubheni ngaararame, arege kufa, uye vanhu vake ngavave uwandu.

7 Uye izvi ndezvaJudha, ndokuti: Inzwai, Jehovha, inzwi raJudha, mumupinze kuvanhu vake; maoko ake achamurwira; uye imwi muchava rubatsiro kumirisana nevavengi vake.

8 Zvino pana Revhi wakati: Tumimu* yenyu neUrimi* yenyu ndezveunonamatwa wenyu, iye wamakaidza paMasa, wamakarwa naye pamvura yeMeribha;

9 iye wakati pana baba vake nepana mai vake: Handina kumuona; nehama dzake haana kudzirangarira, kana kuziva vana vake; nokuti vakateerera shoko renyu, nekuchengeta sungano yenyu.

10 Vachadzidzisa Jakove mitongo yenyu, naIsraeri murairo wenyu; vachaisa zvinonhuhwira pamberi penyu, nechipo chinopiswa chakakwana paaritari dzenyu.

11 Jehovha, ropafadzai simba rake, uye gamuchirai basa remaoko ake; gurai zviuno zvevanomumukira nezvevanomuvenga, kuti varege kusimuka.

12 Pana Bhenjamini wakati: Mudikanwi waJehovha achagara kwaari akachengetwa; anomufukidza zuva rose; anogara pakati pemafudzi ake.

13 Zvino pana Josefa wakati: Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha, nezvinhu zvakanakisa zvekumatenga, nedova, uye neudziku hurere pazasi,

14 uye nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva, uye nezvinhu zvakanakisa zvezvinobudiswa nemwedzi;

15 uye nezvinhu zvakanaka zvemakomo ekare, uye nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,

16 uye nezvinhu zvakanakisa zvenyika nekuzara kwayo, nemoyo wakanaka waiye waiva agere mugwenzi; kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, nepanhongonya yaiye wakatsaurwa kubva pahama dzake.

17 Kukudzwa kwake idangwe renzombe yake, uye nyanga dzake inyanga dzenyati; nadzo achasundira marudzi pamwe kusvika kumigumo yenyika. Zvino ndivo zvuru gumi zvaEfuremu, uye ndivo zvuru zvaManase.

18 Zvino pana Zebhuruni wakati: Fara Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isasikari, pamatende ako.

19 Vachadanira vanhu kugomo; ipapo vachapa zvibairo zvekururama; nokuti vachanwa zvizhinji zvemakungwa nezvakakosha zvakavigwa zvejecha.

20 Zvino pana Gadhi wakati: Ngaaropafadzwe anokurisa Gadhi; anogara seshumbakadzi, anobvambura chanza, kunyange nhongonya.

21 Wakazvirangarira nezvakanakisisa; nokuti ipapo mugove wemupi wemurairo anochengetedzwa; uye wakauya nemisoro yevanhu; wakaita kururama kwaJehovha, nemitongo yake naIsraeri.

22 Zvino pana Dhani wakati: Dhani imbwanana yeshumba, achakwakuka kubva paBhashani.

23 Zvino pana Nafutari wakati: Nafutari, wakagutswa nenyasha, uye uzere neropafadzo yaJehovha; gara nhaka yekumavirazuva nechamhembe.

24 Zvino pana Asheri wakati: Asheri ngaaropafadzwe nevana; ngaagamuchirwe kuhama dzake, uye ngaanyike tsoka yake mumafuta.

25 Shangu dzako idare nendarira; uye simba rako richafanana nemazuva ako.

26 Hakuna wakaita saMwari, Jeshuruni, anotasva matenga parubatsiro rwako, uye neukuru hwake muchadenga.

27 Mwari wekusingaperi ari ugaro, nepasi pane zvanza zvekusingaperi; anodzinga muvengi pamberi pako, ndokuti: Paradza.

28 Naizvozvo Israeri achagara pakuchengeteka ari oga; ziso raJakove richava panyika yezviyo newaini itsva; hongu, matenga ake achadonhedza dova.

29 Wakaropafadzwa iwe Israeri; ndiani wakafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha, nhovo yerubatsiro rwako, naiye ari munondo weukuru hwako! Zvino vavengi vako vachazviisa pasi kwauri; newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.