ShonaTeam Deuteronomy « 32 »

Rwiyo rwaMozisi

32Ipa nzeve iwe matenga, zvino ndichataura; uye nyika ngainzwe mashoko emuromo wangu.

2 Dzidziso yangu ichadonha semvura, chirevo changu chichayerera sedova, seguti pabumhudza, uye sekupfunha pamiriwo.

3 Nokuti ndichadanidzira zita raJehovha. Mupei ukuru kuna Mwari wedu.

4Idombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose mitongo yakarurama. Mwari wechokwadi, uye asina zvakaipa; wakanaka uye wakarurama.

5 Vakamuitira zvakashata; havasi vana vake; chipomerwa ndechavo; zera rakatsauka uye rakakombama.

6 Munotsiva Jehovha saizvozvo here, haiwa vanhu mapenzi uye vasina kuchenjera? Haasi baba vako vakakutenga here? Iye wakakuita uye wakakusimbisa.

7 Rangarira mazuva ekare; funga makore emazera mazhinji; bvunza baba vako, zvino vachakuratidza; vatana vako, zvino vachakuudza.

8 Wekumusoro-soro paachapa marudzi nhaka, pakutsaura kwake vanakomana vaAdhamu, wakamisa miganhu yemarudzi zvichienderana neuwandu hwevana vaIsraeri.

9 Nokuti mugove waJehovha vanhu vake; Jakove chikamu chenhaka yake.

10 Wakamuwana munyika renje, nemugwenga risina chinhu rinovovora; wakamutungamirira akamutenderedza; wakamudzidzisa; wakamuchengeta semboni yeziso rake.

11 Segondo rinomutsa dendere raro, richiengerera pamusoro pemanyana aro, richitandavadza mapapiro aro, richimatora, richimabereka paminhenga yaro,

12 Jehovha oga wakamutungamirira, uye kwaiva kusina mwari wekumwe naye.

13 Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzepasi, kuti adye zvibereko zvemunda; uye wakamusvetesa uchi hunobva padombo, nemafuta kubva padombo remusarasara,

14 magada emhou, nemukaka wemakwai, pamwe nemafuta emakwayana, uye emakondohwe erudzi rweBhashani, uye embudzi, pamwe nemafuta etsvo dzegorosi; uye iwe wakanwa waini paropa rezvibereko zvemuzambiringa.

15 Asi Jeshuruni wakakora ndokukava; iwe wakakora, wakava mukobvu, wakaputirwa nemafuta; zvino iye wakasiya Mwari wakamuita, ndokuzvidza Dombo reruponeso rwake.

16 Vakamugodoresa nezvemarudzi; vakamutsamwisa nezvinyangadzo.

17 Vakabaira kumadhimoni, kwete Mwari, vamwari vavaiva vasingazivi, vatsva vaiva vachangouya, madzibaba enyu vavasina kutya.

18 Dombo rakakubereka wakarikanganwa, uye wakakanganwa Mwari wakakuzvara.

19 Jehovha wakati azviona, wakasema, nekuda kwekutsamwisa kwevanakomana vake nevanasikana vake.

20 Zvino wakati: Ndichavanza chiso changu kwavari; ndichaona mugumo wavo uchavei; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka mavari.

21 Ivo vakandimutsira godo nechisiri Mwari; vakanditsamwisa nezvisina maturo zvavo; neni ndichavagodoresa nevasiri vanhu; ndichavatsamwisa nerudzi benzi.

22 Nokuti moto wakatungidzwa pakutsamwa kwangu, uye uchapisa kusvika pagehena repasi-pasi, uye uchapedza pasi nezvibereko zvapo, nekubatidza nheyo dzemakomo.

23 Ndichaunganidza zvakaipa pamusoro pavo, ndichapedzera miseve yangu pamusoro pavo.

24Vachaziya nenzara, nekupedzwa nekupisa kunopfuta nemharadzo inovava; ndichatumawo mazino ezvikara pakati pavo, pamwe neuturu hwezvinokambaira zveguruva.

25 Kunze munondo uchavaita vafirwe, uye kutya mudzimba dzemukati, vari vaviri jaya nemhandara, anoyanwa pamwe nemurume wevhudzi rakachena.

26 Ndakati: Ndichavaparadzira, ndichaita kurangarirwa kwavo kugume kubva pavanhu.

27 Dai ndisina kutya kutsamwa kwemuvengi, zvimwe vadzivisi vavo vangaziva, zvimwe vangati: Ruoko rwedu rwakakwirira, uye Jehovha haaiti zvose izvi.

28 Nokuti rudzi rwusina kurairwa, uye hakuna kunzwisisa mavari.

29 Dai vaiva vakachenjera, vainzwisisa izvi, vazivisise mugumo wavo!

30 Umwe angadzinga sei churu, nevaviri vangatizisa zvuru gumi, kunze kwekuti Dombo ravo ravatengesa, naJehovha avapa kwavari?

31 Nokuti dombo ravo harina kuita seDombo redu, kunyange vavengi vedu vari vatongi.

32 Nokuti muzambiringa wavo ndewemuzambiringa weSodhoma uye weminda yeGomora; mazambiringa avo mazambiringa enduru, ane masumbu anovava.

33 Waini yavo mucheturo hwebukanana, neuturu hunotyisa hwemhungu.

34 Izvi hazvina kuunganidzwa kwandiri here, zvakanamirwa pakati pezvakakosha zvangu here?

35 Kutsiva ndekwangu, nekudzosera, panguva yekutedzemuka kwetsoka yavo; nokuti zuva renjodzi yavo riri pedo, nezvinhu zvavakagadzirirwa zvinokurumidza.

36 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, nekuzvidemba nekuda kwevaranda, paachaona kuti simba raenda, uye hakuna wakavharirwa newakasununguka.

37 Zvino achati: Vamwari vavo varipi, dombo ravaiva vachivimba naro?

38 Ivo vaidya mafuta ezvibairo zvavo, nekunwa waini yezvipo zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke vakubatsirei, ngaave utiziro hwenyu.

39 Onai zvino, kuti ini ndini iye, uye hakuna mwari pamwe neni; ini ndinouraya uye ndinoraramisa; ndinorova uye ini ndinoporesa; uye hakuna ungabvuta paruoko rwangu.

40 Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kumatenga, ndigoti: Ndinorarama nekusingaperi.

41 Kana ndichirodza munondo wangu unobwinya, neruoko rwangu rwakabatirira pakutonga, ndichadzosera tsivo kuvavengi vangu, ndipe muripo vanondivenga.

42 Ndichadhakisa miseve yangu neropa, uye munondo wangu uchadya nyama, neropa revakaurawa nerevakatapwa, pakutanga kwetsivo pamuvengi.

43 Farai imwi marudzi, vanhu vake, nokuti achatsiva ropa revaranda vake, nekudzosera tsivo kuvavengi vake, uye achaitira nyika yake, vanhu vake, chiyananiso.

44 Zvino Mozisi wakauya ndokutaura mashoko ose erwiyo urwu munzeve dzevanhu, iye naHoshea, mwanakomana waNuni.

45 Zvino Mozisi wakapedza kutaura mashoko awa ose kuna Israeri wose;

46 ndokuti kwavari: Isai moyo wenyu kumashoko ose andinopupura pakati penyu nhasi, amucharaira vana venyu kuchengetedza kuita mashoko ose emurairo uyu.

47 Nokuti hachisi chinhu chisina maturo kwamuri, nokuti upenyu hwenyu; uye kubudikidza nechinhu ichi mucharebesa mazuva panyika kwamunoyambuka Joridhani kuenda kwairi kunoigara nhaka.

48 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nezuva iroro achiti:

49 Kwira mugomo iri Abharimu, gomo reNebho riri panyika yaMoabhu riri pakatarisana neJeriko, ugoona nyika yeKenani yandinopa kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka.

50 Ugofira pagomo kwaunokwira kwariri, ugounganidzwa kuvanhu vako; saAroni mukoma wako wakafira mugomo reHori ndokuunganidzwa kuvanhu vake;

51 nokuti makadarika kupesana neni pakati pevana vaIsraeri pamvura yeMeribha-Kadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kundiita mutsvene pakati pevana vaIsraeri.

52 Nokuti uchaona nyika pamberi pako, asi haungapindipo, panyika yandinopa vana vaIsraeri.