ShonaTeam Deuteronomy « 30 »

Kana vachiteerera vachanzwirwa tsitsi

30Zvino zvichaitika kana zvinhu zvose izvi zvikakuwira, ropafadzo nechakatukwa zvandaisa pamberi pako, kuti uchazvimutsidzira mumoyo mako, pakati pemarudzi ose Jehovha Mwari wako kwaanokudzingira;

2 uye uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, uye uchateerera kuinzwi rake zvichienderana nezvose zvandinokuraira nhasi, iwe nevana vako, nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wese;

3 ipapo Jehovha Mwari wako achadzosa utapwa hwako, nekukunzwira tsitsi, ndokudzoka ndokuunganidza kubva pamarudzi ose Jehovha Mwari wako kwaakakuparadzira.

4 Kunyange vakadzingwa vako vari kumugumo wekumatenga, Jehovha Mwari wako achakuunganidza kubvapo, uye achakutora kubvapo.

5 Zvino Jehovha Mwari wako achakupinza munyika madzibaba ako yavakagara nhaka, uye uchaigara nhaka; zvino achakuitira zvakanaka nekukuwanza kupfuura madzibaba ako.

6 Zvino Jehovha Mwari wako achadzingisa moyo wako, nemoyo wembeu yako, kuti ude Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose, kuti urarame.

7 Zvino Jehovha Mwari wako achaisa zvakatukwa zvose izvi pamusoro pevavengi vako nepane vanokuvenga, vanokushusha.

8 Zvino iwe uchadzokera ndokuteerera inzwi raJehovha, ndokuita mirairo yake yose yandinokuraira nhasi.

9 Zvino Jehovha Mwari wako achakuwanzisa pabasa rose reruoko rwako, pachibereko chechizvaro chako, nepachibereko chemombe dzako, nepachibereko chevhu rako, kuti zvinake; nokuti Jehovha achadzoka kukufarira pane zvakanaka sezvaakafarira madzibaba ako;

10 kana uchazoteerera kuinzwi raJehovha Mwari wako kuchengeta mirairo yake nezvimiso zvake zvakanyorwa mubhuku iri remurairo; kana uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose.

11 Nokuti murairo uyu wandinokuraira nhasi hauna kuvanzwa kwauri, uye hausi kure.

12 Hausi kumatenga uchiti: Ndiani achatikwirira kumatenga kunotivigira iwo kuti agotinzwisa iwo kuti tigomuita?

13 Uye hausi mhiri kwegungwa uchiti: Ndiani achatiyambukira mhiri kwegungwa anotivigira iwo, kuti agotinzwisa iwo kuti tiuite?

14 Nokuti shoko riri pedo kwazvo newe, mumuromo mako, nemumoyo mako, kuriita.

15 Ona, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nekunaka, nerufu nekuipa.

16 Zvandinokuraira nhasi kuda Jehovha Mwari wako, kufamba munzira dzake, nekuchengeta mirairo yake, nezvimiso zvake, nemitongo yake, kuti urarame uye uwande; zvino Jehovha Mwari wako achakuropafadza kunyika kwaunoenda kwairi kunoigara nhaka.

17 Asi kana moyo wako ukatendeuka kuti usateerera asi ukakweverwa kure ndokukotamira vamwe vamwari nekuvashumira,

18 ndinokuudzai nhasi kuti muchaparara zvirokwazvo; hamungarebesi mazuva panyika kwaunoyambukira Joridhani kupindamo kunoigara nhaka.

19 Nhasi ndinodana matenga nepasi kukupupurirai: Upenyu nerufu ndazviisa pamberi pako, ropafadzo nechakatukwa; naizvozvo sarudza upenyu kuti urarame, iwe nembeu yako;

20 kuti ude Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye unamatire kwaari; nokuti ndiye upenyu hwako nekurebeswa kwemazuva ako; kuti ugare munyika Jehovha yaakapikira kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, uye kuna Jakove, kuvapa iyo.