ShonaTeam Deuteronomy « 29 »

Sungano yaJehovha naIsraeri

29Awa mashoko esungano Jehovha yaakaraira Mozisi kuita nevana vaIsraeri munyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu.

2 Zvino Mozisi wakadana Israeri wose ndokuti kwavari: Imwi makaona zvose Jehovha zvaakaita pamberi pemeso enyu munyika yeEgipita kuna Farao, nekuvaranda vake vose, nekunyika yake yose,

3 miedzo mikuru meso ako yaakaona, zviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru.

4 Zvakadaro Jehovha haana kukupai moyo wekunzwisisa nemeso ekuona nenzeve dzekunzwa, kusvika nhasi.

5 Zvino ndakakutungamirirai makore makumi mana murenje; nguvo dzenyu hadzina kusakara pamuri, neshangu yako haina kusakara patsoka dzako.

6 Hamuna kudya chingwa, uye hamuna kunwa waini nezvinwiwa zvinodhaka; kuti muzive kuti ndiri Jehovha Mwari wenyu.

7 Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakabuda kumirisana nesu pahondo, asi tikavarova.

8 Ndokutora nyika yavo, tikaipa kuva nhaka kuvaRubheni nekuvaGadhi nekuhafu yerudzi rwaManase.

9 Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muaite, kuti ubudiririse zvose zvaunoita.

10 Imwi mose mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu nhasi: Misoro yenyu, marudzi enyu, vakuru venyu, nevatariri venyu, murume wose waIsraeri,

11 vanana venyu, vakadzi venyu, nemutorwa wako ari pakati pemusasa wako, kubva kumutemi wehuni dzako kusvika kumucheri wemvura yako;

12 kupfuurira pasungano yaJehovha Mwari wako nepakupika kwake, Jehovha Mwari wako kwaanoita newe nhasi;

13 kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, uye iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove.

14 Zvino handiiti nemwi moga sungano iyi nemhiko iyi;

15 asi neuyo amire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye neuyo asipo pano nesu nhasi.

16 Nokuti imwi munoziva kuti takagara sei munyika yeEgipita, uye kuti takagura sei pakati pemarudzi amakagura paari.

17 Uye makaona zvinyangadzo zvavo, nezvifananidzo zvavo, danda neibwe, sirivha negoridhe, zvavaiva nazvo.

18 Zvimwe pave pakati penyu murume kana mukadzi kana mhuri kana rudzi, moyo wavo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kunoshumira vamwari vemarudzi awa; zvimwe pave pakati penyu mudzi unobereka nduru negavakava.

19 Zvino zvichaitika pauchanzwa mashoko ekutuka uku, kuti achazviropafadza pamoyo wake achiti: Ndichava nerugare, kunyange ndichifamba neukukutu hwemoyo wangu; kuti kupedzwe chinyoro nechakaoma.

20 Jehovha haadi kumuregerera, asi ipapo kutsamwa kwaJehovha negodo rake zvichapfungairira murume uyo; nekutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iri kuchagara paari; uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pematenga.

21 Zvino Jehovha achamutsaurira zvakaipa kubva pamarudzi ose aIsraeri, zvichienderana nekutukwa kose kwesungano kwakanyorwa mubhuku iri remurairo.

22 Ipapo rudzi rwunozouya, vana venyu, vachamuka shure kwenyu, nemutorwa achabva kunyika iri kure, vachataura, kana vachiona matambudziko enyika iyo nematenda Jehovha aachaisa pamusoro payo,

23 nyika yayo yose sarufa nemunyu nekutsva, haidzvarwi, uye haikudzi, uswa hupi nehupi hahumerimo, sekuparadzwa kweSodhoma neGomora, Adhima neZebhoimu, Jehovha aakaparadza pahasha dzake nepakupfuta kwake;

24 uye marudzi ose achati: Jehovha wakaitirei kudai kunyika iyo? Kupisa kwekutsamwa kukuru sei?

25 Ipapo vachati: Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wemadzibaba avo yaakaita navo, iye pakuvabudisa panyika yeEgipita;

26 ndokuenda ndokushumira vamwe vamwari, ndokuvanamata; vamwari vavasingazivi, uye waasina kuvagovera.

27 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira nyika iyi, kuuisa pairi kutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iri.

28 Zvino Jehovha wakavadzura kubva panyika yavo nekutsamwa uye nekupfuta uye nehasha huru, ndokuvarasira kune imwe nyika sanhasi.

29 Zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvakaratidzwa ndezvedu nezvevana vedu nekusingaperi, kuita mashoko ose emurairo uyu.