ShonaTeam Deuteronomy « 28 »

Kuropafadzwa nekutukwa

28Zvino zvichaitika kana uchiteerera kwazvo kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuchenjera nekuita mirairo yake yose yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako achakusimudzira pamusoro pemarudzi ose enyika.

2 Zvino maropafadzo awa ose achauya pamusoro pako agokubata, kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.

3 Ucharopafadzwa muguta, uye ucharopafadzwa mumunda.

4 Chicharopafadzwa chibereko chechizvaro chako, nechibereko chevhu rako, nemhuru yezvipfuwo zvako, mhuru yemombe dzako, nemakwayana emakwai ako.

5 Kucharopafadzwa dengu rako, nemudziyo wako wekukanyira chingwa.

6 Ucharopafadzwa pakupinda kwako, uye ucharopafadzwa pakubuda kwako.

7 Jehovha achaita vavengi vako vanokupandukira varohwe pamberi pechiso chako; vachabuda kurwisana newe nenzira imwe, ndokutiza pamberi pako nenzira nomwe.

8 Jehovha acharaira ropafadzo newe, pamatura ako, nepazvose zvaunoisa ruoko rwako pazviri; uye achakuropafadza panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.

9 Jehovha achazvisimbisira iwe kuva rudzi rutsvene, sezvaakapika kwauri, kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nekufamba munzira dzake.

10 Nevanhu vose venyika vachaona kuti zita raJehovha rinodaidzwa pamusoro pako, vagokutya.

11 Zvino Jehovha achakuraudzirai zvakanaka, pachibereko chechizvaro chako, nepachibereko chezvipfuwo zvako, nepachibereko chevhu rako, panyika Jehovha yaakapikira madzibaba ako kukupa.

12 Jehovha uchakuzarurira zvinokosha zvake zvakanaka, matenga, kukupa mvura panyika yako nenguva yayo, nekuropafadza basa rose reruoko rwako; zvino uchakweretesa kumarudzi mazhinji, asi iwe haungakwereti.

13 Zvino Jehovha uchakuita musoro, uye kwete muswe; uye uchava pamusoro chete, uye haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi kuichengetedza nekuiita;

14 uye usingatsauki pane rimwe remashoko andinokurairai nhasi, kurudyi kana kuruboshwe, kutevera vamwe vamwari kuvashumira.

15 Asi zvichaitika kana usingateereri kuinzwi raJehovha Mwari wako kuchengetedza kuita mirairo yake yose nezvimiso zvake zvandinokuraira nhasi, kuti kutukwa uku kose kuchauya pamusoro pako kukakuwana.

16 Uchatukwa muguta, uye uchatukwa mumunda.

17 Kuchatukwa dengu rako nemudziyo wako wekukanyira chingwa.

18 Kuchatukwa chibereko chechizvaro chako, nechibereko chevhu rako, mhuru yemombe dzako, nemakwayana emakwai ako.

19 Uchatukwa pakupinda kwako, uye uchatukwa pakubuda kwako.

20 Jehovha achatuma pamusoro pako kutukwa, dambudziko, nekutsiura, pane chose chaunoisa ruoko rwako pachiri chaunoita, kusvika watsakatiswa uye kusvika waparara nekukurumidza, nekuda kwekuipa kwezviito zvako zvawakandisiya nazvo.

21 Jehovha achanamatidza pauri denda, kusvika akupedza kubva panyika kwaunoendako kuigara nhaka.

22 Jehovha achakurova nechifo chinowonza uye nefivhiri uye nekuzvimba uye nekupisa kukurusa uye nemunondo uye nekuvhuvha uye nekufunuka; zvino zvichakuteverera kusvika waparara.

23 Zvino matenga ako ari pamusoro pemusoro wako achava ndarira, nenyika iri pasi pako dare.

24 Jehovha achaita mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichiburukira pamusoro pako kubva kumatenga kusvika waparadzwa.

25 Jehovha achaita urohwe pamberi pevavengi vako; uchavabudira nenzira imwe, ugotiza nenzira nomwe pamberi pavo; uye uchava chinhu chinotyisa kuumambo hwose hwenyika.

26 Chitunha chako chichava chekudya kushiri dzose dzematenga nekuzvikara zvenyika; uye hakungavi neanozvityityidzira.

27 Jehovha uchakurova nemamota eEgipita, uye nemaronda, uye nemhizi, uye nekufunuka, zvausingagoni kuporeswa.

28 Jehovha uchakurova neupengo uye neupofu uye nekuvhiringidzika kwemoyo.

29 Zvino uchatsvangadzira masikati sebofu rinotsvangadzira murima, uye haungabudiririsi nzira dzako; zvino uchadzvinyirirwa chete uye kupambiwa mazuva ose; zvino kusava nemuponesi.

30 Uchapfimba mukadzi, asi umwe murume achamubata chibharo; uchavaka imba, asi haungagarimo; uchasima munda wemizambiringa, asi haungashandisi michero yawo.

31 Nzombe yako ichabayiwa pamberi pemeso ako, ukasadya pairi; mbongoro yako ichatorwa nechisimba pamberi pechiso chako, uye haingadzoswi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, uye hauna mununuri.

32 Vanakomana vako nevanasikana vako vachapiwa kune rumwe rudzi; uye meso ako achatarira nekuvademba zuva rose, asi hakungavi nesimba paruoko rwako.

33 Chibereko chevhu rako, nebasa rako rose rudzi rwuchazvidya rwausingazivi; uchadzvinyirirwa chete ugotswanyiwa mazuva ose,

34 kusvika wapenga nekuda kwekuona kwemeso ako kwauchaona.

35 Jehovha achakurova pamabvi ako nepamakumbo ako nemota rakaipa rausingagoni kurapiwa kubva pasi petsoka yako kusvika panhongonya yako.

36 Jehovha achakuisa iwe namambo wako wauchaisa pamusoro pako kurudzi rwausingazivi iwe nemadzibaba ako, uye uchashumirako vamwe vamwari, matanda nemabwe.

37 Iwe uchaitwa chityiso, tsumo, uye chiseko, pakati pemarudzi ose Jehovha kwaachakuisa.

38 Uchabudisira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma, nokuti mhashu dzichazvipedza.

39 Uchasima minda yemizambiringa nekuishanda, asi haunganwi waini, kana kuunganidza chinhu; nokuti makonye achaidya.

40 Uchava nemiti yemiorivhi pamiganhu yako yose, asi haungazori mafuta, nokuti miorivhi yako ichazuka.

41 Uchabereka vanakomana nevanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachaenda muutapwa.

42 Miti yako yose nechibereko chevhu rako zvichava zvemhashu.

43 Mutorwa ari pakati pako achakwirira kupfuura iwe kumusoro-soro; asi iwe uchaburukira pasi-pasi.

44 Iye achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi; iye achava musoro, asi iwe uchava muswe.

45 Zvino kutukwa uku kose kuchauya pamusoro pako uye kuchakuteverera ndokukuwana, kusvika waparadzwa; nokuti hauna kuteerera kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuchengeta mirairo yake nezvimiso zvake zvaakakuraira.

46 Zvino zvichava pakati pako kuva chiratidzo nekuva chishamiso, uye pakati pembeu yako kusvika rinhi narinhi.

47 Pamusana pekuti hauna kushandira Jehovha Mwari wako nemufaro, uye nekunaka kwemoyo, nekuda kwekuwanda kwezvose,

48 naizvozvo uchashandira vavengi vako, Jehovha vaachatumira kurwisana newe, panzara nepanyota nepakushama nepakushaiwa kose; zvino achaisa joko redare pamutsipa wako kusvika akuparadza.

49 Jehovha achakumutsira rudzi rwunobva kure, kubva kumugumo wenyika, segondo richibhururuka; rudzi rurimi rwarwo rwausina kunzwa;

50 rudzi rwune chiso chinotyisa, rwusingagamuchiri chiso chemutana, uye rwusinganzwiri tsitsi mudiki.

51 Rwuchadya chibereko chezvipfuwo zvako uye chibereko chenyika yako kusvika waparadzwa; rwusingakusiiri zviyo, waini itsva, kana mafuta, mwana wemombe dzako, kana vana vemakwai ako, kusvika rwakuparadza.

52 Zvino rwuchakukomba pamasuwo ako ose kusvika masvingo ako marefu uye akakombwa nerusvingo akoromoka, aunovimba nawo munyika yako yose; uye rwuchakukomba pamasuwo ako ose panyika yako yose Jehovha Mwari wako yaakakupa.

53 Zvino uchadya chibereko chechizvaro chako, nyama yevanakomana vako neyevanasikana vako Jehovha Mwari wako vaakakupa, pakukombwa nepakumbandidzirwa, vavengi vako kwavanokumbandidzira nako.

54 Murume munyoro pakati pako uye wakareruka kwazvo, ziso rake richava rakaipa kuhama yake nekumukadzi wechipfuva chake uye kuvakasara vevana vake vaachasiya;

55 kuti asapa kune upi neupi wavo zvenyama yevana vake vaachadya, nokuti haasarirwi nechinhu, pakukombwa nepakumbandidzirwa vavengi vako kwavanokumbandidzira nako pamasuwo ako ose.

56 Mukadzi munyoro uye wakareruka pakati pako asina kuedza kuisa pasi petsoka yake pavhu nekuda kwekureruka uye nekuda kwekunyorova, ziso rake richava rakaipa kumurume wechipfuva chake, nekumwanakomana wake, nekumwanasikana wake,

57 nerevakuru rake rinobuda kubva pakati petsoka dzake, nekuvana vake vaachabereka; nokuti achavadya pakavanda nekuda kwekushaiwa zvose, pakukombwa nepakumbandidzirwa vavengi vako kwavachakushungurudza nako pamasuwo ako.

58 Kana usingachengetedzi kuita mashoko ose emurairo uyu akanyorwa mubhuku iri, kutya zita iri rine rumbidzo uye rinotyisa: Jehovha Mwari wako;

59 ipapo Jehovha achaita matambudziko ako ashamise, nematambudziko embeu yako; ave matambudziko makuru neanoenderera mberi, nemarwere akaipa uye anoenderera mberi.

60 Uye achauisazve pamusoro pako zvirwere zvose zveEgipita zvawaiva uchitya; uye zvichanamatira kwauri.

61 Nechirwere chipi nechipi uye dambudziko ripi neripi zvisina kunyorwa mubhuku remurairo uyu, Jehovha achazvikwidza pamusoro pako kusvika waparadzwa.

62 Zvino muchasiiwa nevanhu vashoma, pakuti dai makaita senyeredzi dzematenga pakuwanda; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.

63 Zvino zvichaitika Jehovha sezvaakakufarirai kukuitirai zvakanaka nekukuwanzai, saizvozvo Jehovha achakufarirai kukuparadzai nekukupedzai; uye muchadzurwa kubva panyika kwaunoenda kuigara nhaka.

64 Zvino Jehovha uchakuparadzira pakati pemarudzi ose kubva kumugumo umwe wenyika kusvikawo kune umwe mugumo wenyika; uye ikoko uchashumira vamwe vamwari iwe nemadzibaba ako vamusina kuziva, danda neibwe.

65 Zvino pakati pemarudzi awa haungawani zororo, nepasi petsoka yako hapangavi nenzvimbo yekuzorora; asi Jehovha achakupapo moyo unobvunda nekuremberera kwemaziso nekusuruvara kwemweya.

66 Uye upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uye uchatya usiku nesikati, uye haungavi nechivimbo cheupenyu hwako.

67 Mangwanani uchati: Dai aiva madekwani! uye madekwani uchati: Dai aiva mangwanani! nekuda kwekutya kwemoyo wako kwauchatya uye nekuda kwekuona kwemeso ako kwauchaona.

68 Zvino Jehovha achakuuisazve kuEgipita nezvikepe nenzira yandakati kwauri: Hauchazoionizve zvekare; zvino ipapo muchazvitengesa kuvavengi venyu muve nhapwa dzechirume nenhapwa dzechikadzi, asi hakungavi nemutengi.