ShonaTeam Deuteronomy « 27 »

Kunyorwa kwemitemo pamabwe pagomo reEbhari

27Zvino Mozisi nevakuru vaIsraeri vakaraira vanhu vachiti: Chengetai murairo wose wandinokurairai nhasi.

2 Zvino zvichaitika pazuva raunoyambuka Joridhani kuenda kunyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, kuti uchazvimisira mabwe makuru nekuadzudzura nechidzudzuro.

3 Zvino uchanyora paari mashoko ose emurairo uyu kana wayambuka; kuti upinde kunyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, nyika inoyerera mukaka neuchi, Jehovha Mwari wemadzibaba ako sezvaakakuvimbisa.

4 Zvino zvichaitika pakuyambuka kwenyu Joridhani, uchamisa mabwe awa andinokuraira nhasi, mugomo reEbhari, muadzudzure nechidzudzuro.

5 Zvino uchavakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yemabwe; usafambisa dare pamusoro payo.

6 Uchavaka aritari yaJehovha Mwari wako nemabwe akakwana. Ugopa pairi zvipo zvinopiswa kuna Jehovha Mwari wako.

7 Uye uchabaya zvipo zvekuyananisa, nekudyapo, ndokufara pamberi paJehovha Mwari wako.

8 Zvino uchanyora pamusoro pemabwe mashoko ose emurairo uyu, zvionekwe kwazvo.

9 Zvino Mozisi nevapristi vaRevhi vakataura kuna Israeri wose vachiti: Nyarara, uye teerera, iwe Israeri; nhasi wava rudzi rwaJehovha Mwari wako.

10 Naizvozvo uchateerera inzwi raJehovha Mwari wako nekuita mirairo yake nezvimiso zvake, zvandinokuraira nhasi.

11 Zvino Mozisi wakaraira vanhu nezuva iro achiti:

12 Ava vachamira kuropafadza vanhu pagomo reGerizimi pakuyambuka kwenyu Joridhani: Simioni naRevhi naJudha naIsasikari naJosefa naBhenjamini.

13 Uye ava vachamira pagomo reEbhari pamusoro pekutukwa: Rubheni, Gadhi, naAsheri, naZebhuruni, Dhani, naNafutari.

14 Zvino vaRevhi vachapindura ndokuti kumurume wose waIsraeri nenzwi guru:

15 Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakanyunguduswa, chinyangadzo kuna Jehovha, basa remaoko emufombori, ndokuisa pakavanda. Zvino vanhu vose vachapindura vachiti: Ameni.

16 Ngaatukwe anozvidza baba vake uye mai vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

17 Ngaatukwe anofuzhura muganhu wewekwake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

18 Ngaatukwe anotsausa bofu panzira. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

19 Ngaatukwe anotsausa mutongo wemutorwa, nherera, nechirikadzi. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

20 Ngaatukwe anorara nemukadzi wababa vake, nokuti wafukura mupendero wababa vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

21 Ngaatukwe anorara nemhuka ipi neipi. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

22 Ngaatukwe anorara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana mwanasikana wamai vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

23 Ngaatukwe anorara nambuyawasha vake. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

24 Ngaatukwe anorova wekwake pakavanda. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

25 Ngaatukwe anogamuchira fufuro yekurova munhu, ropa risina mhosva. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.

26 Ngaatukwe asingasimbisi mashoko emurairo uyu, kuaita. Zvino vanhu vose vachati: Ameni.