ShonaTeam Deuteronomy « 26 »

Zvibereko zvekutanga

26Zvino zvichaitika paunopinda munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka ukaigara nhaka ndokugara mairi,

2 kuti uchatora pazvekutanga zvezvibereko zvose zvevhu zvauchaunza kubva panyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa, uye uchaisa mudengu, ugoenda kunzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza kumisa zita rakepo.

3 Zvino uchaenda kumupristi achavapo pamazuva iwawo, ugoti kwaari: Ndinodudza nhasi kuna Jehovha Mwari wako kuti ndasvika panyika Jehovha yaakapikira madzibaba edu kupa kwatiri.

4 Zvino mupristi achatora dengu kubva paruoko rwako, ndokuriisa pamberi pearitari yaJehovha Mwari wako.

5 Ipapo uchapindura ndokuti pamberi paJehovha Mwari wako: Baba vangu vaiva muSiriya oparara, ndokuburukira kuEgipita, ndokugarapo semweni ane vanhu vashoma; asi ikoko wakava rudzi rukuru, rwune simba, uye rwune vazhinji.

6 Zvino vaEgipita vakatibata zvakaipa, nekutitambudza, nekutitakudza utapwa hunorema.

7 Zvino takachema kuna Jehovha Mwari wemadzibaba edu; Jehovha ndokunzwa inzwi redu, ndokuona marwadzo edu, neshingairo yedu, nedzvinyiriro yedu.

8 Jehovha ndokutibudisa kubva muEgipita neruoko rwune simba, uye nechanza chakatandavadzwa, uye nekutyisa kukuru, uye nezviratidzo, uye nezvishamiso.

9 Zvino wakatiuisa panzvimbo ino, ndokutipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka neuchi.

10 Zvino ikozvino tarira, ndauya nekutanga kwezvibereko zvevhu ramakandipa imwi Jehovha. Zvino uchazviisa pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.

11 Zvino uchafara pazvose zvakanaka Jehovha Mwari wako zvaanokupa neveimba yako, iwe nemuRevhi nemutorwa ari pakati pako.

12 Paunenge wapedza kupa chegumi, chegumi chose chezvibereko zvako mugore retatu, gore rechegumi, ipapo uchapa muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati memasuwo ako vagute.

13 Ipapo uchati pamberi paJehovha Mwari wako: Ndabvisa chinhu chitsvene mumba mangu, uyewo ndachipa muRevhi, nemutorwa, nherera, nechirikadzi, zvichienderana nemurairo wose wamakandiraira; handina kudarika pamirairo yenyu, uye handina kukanganwa.

14 Handina kudya pazviri pakuchema kwangu, uye handina kubvisa pachiri nekuda kwekusviba, uye handina kupira pazviri wakafa; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu; ndikaita zvinoenderana nezvose zvamakandiraira.

15 Tarirai pasi kubva paugaro hwenyu utsvene, kubva kumatenga, mugoropafadza vanhu venyu Israeri, nevhu ramakapa kwatiri, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka neuchi.

16 Nhasi Jehovha Mwari wako anokuraira kuita zvimiso izvi nemitongo; naizvozvo uchazvichengeta nekuita nemoyo wako wose uye nemweya wako wose.

17 Watenda pachena nhasi kuti Jehovha ndiMwari wako, uye kuti uchafamba nenzira dzake, uye kuti uchachengeta zvimiso zvake nemirairo yake nemitongo yake, uye kuti uchateerera kuinzwi rake.

18 NaJehovha watenda pachena nhasi kuti uchava rudzi rwefuma yake yakasanangurwa, sezvaakataura kwauri, uye kuti uchengete mirairo yake yose;

19 kuti akusimudzire pamusoro pemarudzi ose aakaita, parumbidzo nepazita neparukudzo; uye kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.