ShonaTeam Deuteronomy « 25 »

Kurohwa pakutongwa

25Kana pane kupikisana pakati pevanhu, vakaswedera kumutongo, kuti vavatonge, ipapo vachati wakarurama wakarurama, uye vachapa mhosva wakatadza.

2 Zvino zvichaitika, kana wakatadza achifanira kurohwa, kuti mutongi achamurarisa pasi ndokumurovesa pamberi pake zvichienderana nemhosva yake pauwandu.

3 Anomurova shamhu makumi mana, asawedzera; zvimwe akawedzera angamurova kupfuurisa shamhu idzi zhinji, kuti hama ideredzwe pameso pako.

4 Usasunga muromo wenzombe kana ichipura.

Munhu anofa asina mwana

5 Kana vana vemunhu umwe vagere pamwe, umwe wavo ndokufa, uye asina mwanakomana, mukadzi wewakafa haangavi wemutorwa kunze; mwanakomana wamai wemurume wake achapinda kwaari, agozvitorera iye kuva mukadzi, nekuita kwaari faniro yemurume yemwanakomana wamai.

6 Zvino zvichaitika kuti dangwe raachabereka richamira pazita remukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzimwa kwaIsraeri.

7 Zvino kana munhu asingadi kutora mukadzi wemwanakomana wamai vake, ipapo mukadzi wemwanakomana wamai vake ngaakwire kusuwo kuvakuru agoti: Mwanakomana wamai wemurume wangu anoramba kumutsira mwanakomana wamai vake zita kwaIsraeri, haadi kundiitira faniro yemurume yemwanakomana wamai vake.

8 Ipapo vakuru veguta rake vachamudana, ndokutaura kwaari; kana akarambirira ndokuti: Handidi kumutora;

9 ipapo mukadzi wemwanakomana wamai vake achaswedera kwaari pamberi pemeso evakuru, ndokubvisa shangu yake kubva mutsoka yake, ndokumupfira kumeso, zvino achapindura ndokuti: Saizvozvo zvinoitwa kumurume asingavaki imba yemwana wamai vake.

10 Zvino zita rake richanzi muna Israeri: Imba yeune shangu yakabviswa.

11 Kana varume vachirwisana umwe neumwe, mukadzi weumwe ndokuswedera kusunungura murume wake paruoko rwemurovi wake, ndokutandavadza ruoko rwake ndokubata pamberi pake,

12 ipapo uchagura ruoko rwake; ziso rako risava netsitsi.

Zviyereso zvisinganyengeri

13 Usava nemabwe ekuyeresa akasiyana-siyana muhombodo yako, guru nediki.

14 Usava nemaefa akasiyana-siyana muimba yako, huru nediki.

15 Uchava nechiyereso chakakwana uye chakarurama; uchava neefa yakakwana uye yakarurama; kuti urebese mazuva ako panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.

16 Nokuti wose anoita zvinhu zvakadai, wose anoita kusarurama, chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.

Amareki anofanira kuparadzwa

17 Rangarira Amareki zvaakakuitira panzira pakubuda kwenyu kubva muEgipita;

18 kuti wakakuchingamidzai panzira, ndokurova pakati pako vose vaiva vasina simba shure kwako, pawakanga waneta uye wapera simba; uye haana kutya Mwari.

19 Zvino zvichaitika kana Jehovha Mwari wako akupa zororo kubva pavavengi vako vose vakapoteredza panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka kuigara nhaka, uchadzima kurangarirwa kwaAmareki pasi pematenga; usakanganwa.