ShonaTeam Deuteronomy « 24 »

Rugwaro rwekurambana

24Kana murume achitora mukadzi, ndokumuwana, ndokuitika kana asingawani nyasha pameso ake, nokuti awana chinhu chinyadzo kwaari, zvino ngaamunyorere rugwaro rwekurambana agopa muruoko rwake ndokumubudisa mumba make.

2 Kana abuda mumba make, angaendawo ndokuva weumwe murume;

3 kana murume anotevera akamuvenga ndokumunyorera rugwaro rwekumuramba ndokupa muruoko rwake ndokumubudisa mumba make; kana kuti murume anotevera uyu achifa wanga amutora kuva mukadzi wake;

4 murume wake wekutanga, wakamubudisa, haangagoni kumutorazve kuva mukadzi wake shure kwekuti akasvibiswa; nokuti chinyangadzo pamberi paJehovha. Naizvozvo haungatadzisi nyika iyo Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka.

5 Kana munhu achangotora mukadzi mutsva, haangabudiri hondo, uye haangabatiswi chero basa; achava akasununguka kumba kwake gore rimwe, kuti afadze mukadzi wake waatora.

Zvekupika nezvekuba nezvemaperembudzi

6 Hakuna munhu achatora guyo kana huyo kuva chibatiso; nokuti anotora upenyu kuva chibatiso.

7 Kana munhu akawanikwa achiba munhu pahama dzake kuvana vaIsraeri, ndokumubata senhapwa kana kumutengesa, mbavha iyo ichafa; saizvozvo uchabvisa kuipa kubva pakati pako.

8 Chenjera pahosha yemaperembudzi, kuchenjerera kwazvo nekuita zvichienderana nezvose vapristi vaRevhi zvavanokudzidzisa; sezvandakavaraira, chenjererai kuzviita.

9 Rangarira Jehovha Mwari wako zvaakaitira Miriamu panzira pakubuda kwenyu muEgipita.

10 Kana uchikweretesa umwe wako chinhu, usapinda mumba make kuti utore chibatiso chake.

11 Uchamira panze, uye munhu waunokweretesa achakubudisira chibatiso panze.

12 Zvino kana ari munhu murombo, usarara nechibatiso chake.

13 Zvirokwazvo uchadzosera chibatiso kwaari panovira zuva, kuti arare nenguvo yake, uye akuropafadze; uye zvichava kururama kwauri pamberi paJehovha Mwari wako.

14 Usadzvinyirira muranda wakahaiwa murombo uye anoshaiwa, pahama dzako kana pamutorwa wako ari munyika yako mukati memasuwo ako.

15 Uchapa mubairo wake nezuva rake, uye zuva haringauviriri, nokuti murombo, uye wakaisa mweya weupenyu wake pauri; zvimwe angakuchemera kuna Jehovha, chikava chivi kwauri.

16 Madzibaba haangaurawi nekuda kwevana, uye vana havangaurawi nekuda kwemadzibaba; umwe neumwe achaurawa nekuda kwechivi chake.

Tsitsi kuchirikadzi nenherera nevatorwa

17 Usatsausa mutongo wemutorwa nenherera; uye usatora nguvo yechirikadzi kuva chibatiso.

18 Asi ucharangarira kuti waiva muranda muEgipita, Jehovha Mwari wako ndokukudzikinuramo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.

19 Paunokohwa goho rako mumunda wako, ndokukanganwa chimwanda mumunda, haungadzokeri kunochitora; chichava chemutorwa, chenherera, nechechirikadzi; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pabasa rose remaoko ako.

20 Kana uchizunza muti wako wemuorivhi, usatsvakisisa matavi shure kwako; chichava chemutorwa, chenherera, nechechirikadzi.

21 Kana uchiunganidza mazambiringa emunda wako wemizambiringa, usafuhurudza shure kwako; chichava chemutorwa, chenherera, nechechirikadzi.

22 Ucharangarira kuti waiva muranda munyika yeEgipita; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.