ShonaTeam Deuteronomy « 23 »

Vanhu vanodziviswa paungano yaJehovha

23Wakakuvadzwa nekupwanyiwa kana wakagurwa manhu haapindi paungano yaJehovha.

2 Mwana weupombwe haapindi paungano yaJehovha; kunyange zera regumi rake haringapindi paungano yaJehovha.

3 MuAmoni kana muMoabhu haapindi paungano yaJehovha. Kunyange zera ravo regumi haripindi paungano yaJehovha nekusingaperi.

4 Nokuti havana kukuchingurai panzira nechingwa uye nemvura pakubuda kwenyu muEgipita; uye nokuti vakakuhaira Bharamu mwanakomana waBheori wePetori yeMesopotamia, kuti akutuke.

5 Asi Jehovha Mwari wako haana kuda kunzwa kuna Bharamu; asi Jehovha Mwari wako wakashandura chakatukwa chikava ropafadzo kwauri, nokuti Jehovha Mwari wako wakakuda.

6 Usatsvaka rugare rwavo kana zvakanaka zvavo mazuva ako ose kusvika rinhi narinhi.

7 Usasema muEdhomu, nokuti ihama yako; usasema muEgipita, nokuti waiva mutorwa panyika yake.

8 Vana vanoberekwa navo pazera rechitatu vangazvipindira paungano yaJehovha.

Pamisasa pagare pakanaka

9 Panobudira hondo vavengi vako, ipapo uzvichengete kubva pachakaipa chipi nechipi.

10 Kana aripo pakati penyu munhu asina kuchena nekuda kwenjodzi yeusiku, ipapo achaenda kunze kusvika kunze kwemusasa; haangauyi pakati pemusasa.

11 Zvino zvichaitika koita madekwani kuti achashamba nemvura; uye pakuvira kwezuva achapinda kusvika mukati memusasa.

12 Zvino uchava nenzvimbo kunze kwemusasa paunobudira kuenda panze.

13 Zvino uchava nejereso pachombo chako; uye zvichaitika paunobuda kunze, uchachera naro ndokudzoka ndokufutsira tsvina yako.

14 Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba pakati pemusasa wako kukusunungura nekupa vavengi vako pamberi pako; naizvozvo musasa wako uchava mutsvene, kuti asaona chinhu chisina kuchena mauri agokufuratira.

Imwe mirairo

15 Usapa kuna tenzi wake muranda wakapukunyukira kwauri kubva kuna tenzi wake.

16 Achagara newe pakati pako, panzvimbo yaachasarudza mune rimwe remasuwo ako pakamunakira; usamudzvinyirira.

17 Hakungavi nechifeve chetembere pakati pevanasikana vaIsraeri. Uye hakungavi nengochani pakati pevanakomana vaIsraeri.

18 Usauya nemubairo wepfambi kana muripo wembwa muimba yaJehovha Mwari wako kuitira mhiko ipi neipi, nokuti kunyange zviri zviviri chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.

19 Usakweretesa hama yako nemubereko, mubereko wemari, mubereko wezvekudya, mubereko wechipi nechipi chinokweretwa nemubereko.

20 Kumutorwa ungakweretesa nemubereko, asi kuhama yako usakweretesa nemubereko; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pachose chaunoisa ruoko rwako pachiri, panyika kwaunoenda kuigara nhaka.

21 Kana uchipika mhiko kuna Jehovha Mwari wako, usanonoka kuiripa; nokuti zvirokwazvo Jehovha Mwari wako achaibvunza kwauri, chigova chivi kwauri.

22 Asi kana ukarega kupika, hachisi chivi kwauri.

23 Chinobuda pamiromo yako uchachichengetedza nekuita; chipo chekuzvidira, zvichienderana nezvawakapikira Jehovha Mwari wako, zvawakataura nemuromo wako.

24 Kana uchipinda mumunda wemizambiringa wewekwako, ipapo ungadya mazambiringa pamadiro ako ugute; asi usaisa chinhu mumudziyo wako.

25 Kana uchipinda muzviyo zvimire zvewekwako, ipapo ungatanha hura neruoko rwako, asi usazunza jekeso muzviyo zvimire zvewekwako.