ShonaTeam Deuteronomy « 22 »

Kana munhu achiwana chakarasika

22Haungaoni nzombe yehama yako kana gwai rake richitetereka ukazvivanza kwazviri; zvirokwazvo uchazvidzosera kuhama yako.

2 Zvino kana hama yako isiri pedo newe, kana usingamuzivi, ipapo uchachiuisa mukati memusha wako, uye chichava kwauri kusvika hama yako yachitsvaka, ugochidzosera kwaari.

3 Uchaita saizvozvo nembongoro yake, uye uchaita saizvozvo nenguvo yake, uye uchaita saizvozvo nechakarasika chose chehama yako charasika kubva kwaari ukachiwana; haugoni kuzvivanza.

4 Haungaoni mbongoro yehama yako kana nzombe yake ichiwira panzira ndokuzvivanza kwazviri; zvirokwazvo uchazvisimudza pamwe naye.

Zvisingatenderwi

5 Chipfeko chemurume hachingavi pamukadzi, uye murume haangapfeki nguvo yemukadzi; nokuti ani nani anoita zvinhu izvi chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.

6 Kana zvikaitika kuva nedendere reshiri pamberi pako panzira pamuti upi neupi kana pasi, manyana kana mazai, uye mai ichivhuvatira pamanyana kana pamazai, haungatori mai pamwe nevana.

7 Ucharega kwazvo mai vaende, ndokuzvitorera manyana, kuti zvikunakire, zvino ucharebesa mazuva ako.

8 Kana uchivaka imba itsva, ipapo uchaitira denga rako rumhanda, kuti usauisa ropa pamusoro peimba yako, kana umwe akawa kuwa kubvapo.

9 Usadzvara marudzi maviri mumunda wako wemizambiringa, zvimwe kuzara kwembeu yaunodzvara, nechibereko chemunda wemizambiringa zvingasvibiswa.

10 Usarima nenzombe nembongoro pamwe chete.

11 Usapfeka nguvo yemusanganiswa, mvere dzemakwai nemucheka wakapfava pamwe chete.

12 Uchazviitira machaka pamipendero mina yenguvo yako yaunozvifukidza nayo.

Mirairo yekuwana mukadzi

13 Kana murume akatora mukadzi ndokupinda kwaari ndokumuvenga,

14 ndokumupa mhosva ine chinyadzo, ndokubudisa zita rakaipa pamusoro pake, ndokuti: Ndakatora mukadzi uyu; pandakaswedera kwaari handina kuwana kwaari umhandara;

15 ipapo baba vemusikana namai vake vachatora ndokubudisa zviratidzo zveumhandara hwemusikana kuvakuru veguta pasuwo.

16 Zvino baba vemusikana vachati kuvakuru: Ndakapa mwanasikana wangu kumurume uyu kuva mukadzi, zvino akamuvenga.

17 Zvino tarirai, iye anopa mhosva ine chinyadzo achiti: Handina kuwana umhandara kumwanasikana wako; izvo hezvi zviratidzo zveumhandara hwemwanasikana wangu. Zvino vachawarira nguvo pamberi pevakuru veguta.

18 Zvino vakuru veguta iro vachatora murume uyo ndokumuranga;

19 nekumuripisa mashekeri esirivha zana, ndokupa baba vemusikana, nokuti wakabudisa zita rakaipa pamusoro pemhandara yaIsraeri; zvino achava mukadzi wake, haagoni kumurasa mazuva ake ose.

20 Asi kana chinhu ichi chiri chokwadi, umhandara husina kuwanikwa kumusikana,

21 ipapo vachabudisira musikana kumukova weimba yababa vake, varume veguta rake vagomutaka nemabwe kuti afe, nokuti wakaita upenzi muna Israeri, kuita chipfambi paimba yababa vake; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.

22 Kana murume akawanikwa akarara nemukadzi wakawanikwa kumurume wake, ipapo vachafawo vari vaviri, murume wakarara nemukadzi uyo, nemukadzi; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva kuna Israeri.

23 Kana kune musikana mhandara wakatsidzira kuwanikwa nemurume, murume ndokumuwana muguta ndokurara naye,

24 ipapo muchavabudisira vari vaviri kusuwo reguta iro, mugovataka nemabwe kuti vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere pakati peguta, uye murume nokuti waderedza mukadzi wewekwake; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.

25 Asi kana murume akawana musikana wakatsidzira kuwanikwa musango, murume ndokumubata ndokurara naye, ipapo murume oga akarara naye achafa.

26 Asi kumusikana usaita chinhu; hakuna chivi cherufu kumusikana; nokuti semurume wakamukira wekwake ndokumuponda upenyu, yakadaro nyaya iyi.

27 Nokuti wakamuwana musango, musikana wakatsidzira kuwanikwa akaridza mhere, zvino kwaiva kusina angamuponesa.

28 Kana murume akawana musikana mhandara asina kutsidzira kuwanikwa, ndokumubata, ndokurara naye, zvino vakawanikidziwa,

29 ipapo murume wakarara naye achapa kuna baba vemusikana mashekeri makumi mashanu esirivha, uye iye achava mukadzi wake, nokuti wamuderedza; haagoni kumurasa mazuva ake ose.

30 Murume haangatori mukadzi wababa vake; haangafukuri mupendero wababa vake.