ShonaTeam Deuteronomy « 21 »

Murairo wemunhu anouraiwa asingazikanwi

21Kana pakawanikwa wakauraiwa munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuigara nhaka, arere musango, kusingazikanwi kuti ndiani wamurova,

2 ipapo vakuru vako nevatongi vako vachabuda, vayere kusvika pamaguta akapoteredza wakauraiwa.

3 Zvino zvichaitika, guta riri pedo newakauraiwa, vakuru veguta iro vachatora tsiru remombe, risina kubatwa naro, risina kumbokweva pajoko.

4 Uye vakuru veguta iro vachaburusira tsiru kumupata une mvura inoyerera, usina kurimwa kana kudzvarwa, ndokuvhuna mutsipa wetsiru imomo mumupata.

5 Zvino vapristi vanakomana vaRevhi vachaswedera; nokuti ivo Jehovha Mwari wako wakavasarudzira kumushumira nekuropafadza muzita raJehovha; uye nemuromo wavo kuchagurwa kupokana kose uye kurova kose.

6 Zvino vakuru vose veguta iro riri pedo newakauraiwa vachashamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhuniwa mutsipa pamupata.

7 Vagopindura ndokuti: Maoko edu haana kuteura ropa iri, nemeso edu haana kuona.

8 Vagamuchirirei chiyananiso rudzi rwenyu Israeri rwamakadzikinura, Jehovha, uye musaisa ropa risina mhosva pakati perudzi rwenyu Israeri. Uye ropa richaripirwa kwavari.

9 Saizvozvo iwe uchabvisa ropa risina mhosva kubva pakati pako kana uchiita zvakarurama pameso aJehovha.

Vakadzi vakatapwa

10 Kana uchibudira hondo wakamirisana nevavengi vako, uye Jehovha Mwari wako avaisa muruoko rwako, iwe ndokutapa vatapwa vavo,

11 zvino ukaona pakati pevatapwa mukadzi wakanaka pachimiro, ukamushuva, kuti umutore ave mukadzi wako,

12 ipapo uchamupinza pakati peimba yako; agovevura musoro wake uye agadzire nzara dzake.

13 Uye akurure nguvo dzake dzeutapwa, ndokugara mumba mako, uye acheme baba vake namai vake mwedzi wakazara; zvino shure kweizvozvo ungapinda kwaari, ugova murume wake, iye agova mukadzi wako.

14 Zvino zvichaitika kuti kana usingafari naye, ipapo uchamurega aende kwaanoda; asi haungatongomutengesi nemari; usamubata senhapwa, nokuti wakamuderedza.

Nhaka yemwana wedangwe

15 Kana murume ane vakadzi vaviri, umwe anodikanwa neumwe anovengwa, vakamuberekera vana, anodikanwa neanovengwa; zvino mwanakomana wedangwe akava weanovengwa;

16 zvino zvichaitika kuti musi waanogarisa vanakomana vake nhaka yezvaanazvo, asagona kuita mwanakomana wemudikanwa dangwe pachiso chemwanakomana weanovengwa, ari wedangwe.

17 Asi achatenda dangwe, mwanakomana weanovengwa, nekumupa migove miviri yezvose zvinowanikwa zviri kwaari; nokuti ndiye kutanga kwesimba rake; kodzero yeudangwe ndeyake.

Mwana asingateereri

18 Kana munhu ane mwanakomana ane nharo uye anopanduka, asingateereri kuinzwi rababa vake kana kuinzwi ramai vake, kana vamuranga, asi asingavateereri,

19 ipapo baba vake namai vake vachamubata ndokumubudisira kuvakuru veguta rake uye kusuwo renzvimbo yake.

20 Vagoti kuvakuru veguta rake: Uyu mwanakomana wedu ane nharo uye anopanduka, haateereri kuinzwi redu; muruti, uye chidhakwa.

21 Zvino varume vose veguta rake vachamutaka nemabwe kuti afe; saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako; naIsraeri wose achanzwa ndokutya.

Kuvigwa kwevakaurawa

22 Zvino kana kune chivi pamunhu chakafanira rufu, akaurawa, zvino uchamuremberedza pamuti,

23 chitunha chake hachingagari mumuti usiku, asi uchamuviga kwazvo nemusi iwowo, nokuti wakaremberedzwa wakatukwa naMwari; kuti haungasvibisi nyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa kugara nhaka.