ShonaTeam Deuteronomy « 18 »

Mubairo wevapristi vaRevhi

18Vapristi vaRevhi, rudzi rwose rwaRevhi, havangavi nemugove kana nhaka pamwe naIsraeri; vachadya zvipo zvemoto zvaJehovha nenhaka yake.

2 Naizvozvo havangavi nenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha inhaka yavo, sezvaakataura kwavari.

3 Zvino izvi zvichava faniro yevapristi kubva kuvanhu, kubva kune vanopa chibairo, ingava nzombe kana gwai; uye vachapa kumupristi bandauko neshaya mbiri nechasusu.

4 Zvekutanga zvezviyo zvako, zvewaini yako itsva, nezvemafuta ako, nezvekutanga zvemvere dzemakwai ako, uchapa kwaari.

5 Nokuti Jehovha Mwari wako wakamusarudza kubva pamarudzi ako ose, kuti amire pakushumira muzita raJehovha, iye nevanakomana vake mazuva ose.

6 Zvino kana muRevhi akabva kune rimwe remasuwo ako kubva kuna Israeri wose, kwaanogara semweni, akauya nechido chose chemoyo wake kunzvimbo Jehovha yaachasarudza,

7 ipapo achashumira muzita raJehovha Mwari wake, sehama dzake dzose vaRevhi, vakamirapo pamberi paJehovha.

8 Vachadya migove yakaenzana, kunze kwezvinobva pakutengeswa kwenhaka yake yemadzibaba.

Havafaniri kutevera tsika dzevahedheni

9 Paunosvika munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, usadzidza kuita zvinoenderana nezvinyangadzo zvemarudzi awo.

10 Hakungawanikwi pakati pako anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto, mushandisi wekushopera, anodudzira mashura, kana anoita mashiripiti, kana muroyi,

11 kana mutsingi wezvitsinga, kana anobvunza masvikiro, kana anoita masaramusi, kana anobvunza vakafa.

12 Nokuti wose anoita zvinhu izvi chinyangadzo kuna Jehovha; uye nekuda kwezvinyangadzo izvi Jehovha Mwari wako anovadzinga panhaka pamberi pako.

13 Uchava wakakwana kuna Jehovha Mwari wako.

14 Nokuti marudzi awa auchagara nhaka, akateerera vanodudzira mashura nevashoperi; asi iwe, Jehovha Mwari wako haana kukutendera saizvozvo.

15 Jehovha Mwari wako achakumutsira muporofita kubva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; kwaari muchateerera;

16 zvichienderana nezvose zvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nezuva reungano, uchiti: Ndirege kunzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege kuzoonazve moto uyu mukuru, kuti ndisafa.

17 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Vaita zvakanaka zvavataura.

18 Ndichavamutsira muporofita kubva pakati pehama dzavo wakafanana newe; uye ndichaisa mashoko angu mumuromo make; uye achataura kwavari zvose zvandinomuraira.

19 Zvino zvichaitika, ani nani angarega kuteerera kumashoko angu aachataura muzita rangu, ini ndichazvibvunza kwaari.

20 Asi muporofita anozvikudza achitaura shoko muzita rangu, randisina kumuraira kutaura, uye anotaura muzita revamwe vamwari, muporofita uyo achafa.

21 Zvino kana uchiti mumoyo mako: Tichaziva sei shoko Jehovha raasina kutaura?

22 Panotaura muporofita muzita raJehovha, kana chinhu icho chikasaitika kana kuti chikasasvika, ndiro shoko Jehovha raasina kutaura; muporofita wakaritaura nekuzvikudza; usamutya.