ShonaTeam Deuteronomy « 17 »

17Usabaira Jehovha Mwari wako nzombe kana gwai pariri pane chipomerwa, chipi nechipi chakaipa, nokuti chinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.

2 Kana kukawanikwa pakati pako, mukati meripi neripi remasuwo ako Jehovha Mwari wako aanokupa, murume kana mukadzi wakaita zvakaipa pameso aJehovha Mwari wako, pakudarika sungano yake,

3 ndokuenda ndokushumira vamwe vamwari, ndokuvanamata, kana zuva, kana mwedzi, kana hondo ipi neipi yekumatenga, chandisina kuraira;

4 zvino zvikaudzwa kwauri, zvino ukanzwa ndokubvunzisisa, zvino tarira, ichokwadi, chinhu chechokwadi, chinyangadzo ichi chakaitwa kwaIsraeri;

5 ipapo uchabudisa murume uyo kana mukadzi uyo vakaita chinhu icho chakaipa kumasuwo ako, murume kana mukadzi; zvino uchavataka nemabwe vagofa.

6 Nemuromo wezvapupu zviviri, kana zvapupu zvitatu, uyo wakafanira kufa achaurawa; haangaurawi nemuromo wechapupu chimwe.

7 Ruoko rwezvapupu rwuchatanga kuva pamusoro pake kumuuraya, zvino pashure ruoko rwevanhu vose. Saizvozvo uchabvisa chakaipa kubva pakati pako.

8 Kana pane nyaya yakarema kwazvo kwauri, pamutongo, pakati peropa neropa, pakati pekuenzanisira nekuenzanisira, uye pakati pekurova nekurova, dziri nyaya dzekupikisana mukati memasuwo ako, ipapo uchasimuka ndokukwira kunzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza.

9 Zvino uchauya kuvapristi vaRevhi, nekumutongi achavapo pamazuva iwawo, ugobvunza; zvino vachakuudza murango wemutongo.

10 Zvino uchaita zvinoenderana nemurango wavachakuudza kubva panzvimbo iyo Jehovha yaachasarudza; zvino uchachengeta kuti uite zvinoenderana nezvose zvavanokudzidzisa.

11 Uchaita zvichienderana nemurango wemurairo wavachakudzidzisa, uye zvichienderana nemutongo wavachakuudza; haungatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kubva pashoko ravanotaura kwauri.

12 Nemunhu anoita nekuzvikudza kuti asateerera kumupristi amire kushumirapo Jehovha Mwari wako, kana kumutongi, munhu uyo achafa; uye iwe uchabvisa chakaipa kubva pana Israeri.

13 Zvino vanhu vose vachazvinzwa ndokutya, vakasazozvikudzazve.

14 Paunosvika munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa, ndokuigara nhaka, ndokugara mairi, zvino uchati: Ndichazviisira mambo semarudzi ose akandipoteredza;

15 umuise kwazvo ave mambo pamusoro pako, iye Jehovha Mwari wako waachasarudza. Achibva pakati pehama dzenyu umuise ave mambo pamusoro pako. Haugoni kuisa mweni pamusoro pako asiri hama yako.

16 Asi asazviwanzira mabhiza, kana kudzoseresa vanhu kuEgipita, kuti awanze mabhiza, Jehovha sezvaakati kwamuri: Hamungadzokerizve nenzira iyo.

17 Uye asazviwanzira vakadzi, kuti moyo wake usatsauka; uye asazviwanzira zvikuru sirivha negoridhe.

18 Zvino kuchati paanogara pachigaro cheumambo hwake, kuti achazvinyorera dzokororo yemurairo uyu mubhuku, unobva pazviri pamberi pevapristi vaRevhi.

19 Richava naye, uye achaverenga mariri mazuva ose eupenyu hwake, kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, kuchengeta mashoko ose emurairo uyu nezvimiso izvi, kuti azviite;

20 kuti moyo wake usazvikudza pamusoro pehama dzake, uye kuti asatsauka pamurairo kuenda kurudyi kana kuruboshwe; kuti arebese mazuva paumambo hwake, iye nevana vake, pakati paIsraeri.