ShonaTeam Deuteronomy « 16 »

Mitambo mikuru yegore rimwe nerimwe

16Chengetedza mwedzi waAbhibhi, uye uitire Jehovha Mwari wako pasika; nokuti nemwedzi waAbhibhi Jehovha Mwari wako wakakubudisa panyika yeEgipita pausiku.

2 Naizvozvo uchabaira Jehovha Mwari wako pasika, makwai nemombe, panzvimbo Jehovha yaachasarudza kugarisa zita rakepo.

3 Usadya chingwa chakaviriswa pamwe nayo. Mazuva manomwe uchadya chingwa chisina kuviriswa pamwe nayo, chingwa chedambudziko; nokuti wakabuda kubva munyika yeEgipita nekukurumidza; kuti urangarire zuva rawakabuda kubva munyika yeEgipita mazuva ose eupenyu hwako.

4 Zvino hakungaonekwi mbiriso kwauri mazuva manomwe pamiganhu yako yose; uye zvenyama yamunobaira zuva rekutanga madekwani hazvingasari usiku kusvika mangwanani.

5 Haugoni kubaira pasika mukati merimwe remasuwo ako Jehovha Mwari wako raanokupa.

6 Asi panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza kugarisa zita rakepo, ipapo uchabaira pasika madekwani, pakuvira kwezuva, panguva yakatarwa yekubuda kwako muEgipita.

7 Zvino uchabika ndokudya panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza. Uye mangwanani uchatendeuka uende kumatende ako.

8 Mazuva matanhatu uchadya chingwa chisina kuviriswa; uye nezuva rechinomwe iungano yakadzama kuna Jehovha Mwari wako; usaita basa.

9 Uchazviverengera mavhiki manomwe. Tanga kuverenga mavhiki manomwe kubva pakutanga kwejekeso pazviyo zvimire.

10 Zvino uchachengetedzera Jehovha Mwari wako mutambo wemavhiki, chipo chekuzvidira cheruoko rwako, chauchapa, Jehovha Mwari wako sezvaakakuropafadza.

11 Zvino uchafara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe, nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, nemurandarume wako, nemurandakadzi wako, nemuRevhi ari mukati memasuwo ako, nemweni, nenherera, nechirikadzi, vari pakati pako, panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza kugarisa zita rakepo.

12 Zvino ucharangarira kuti waiva muranda muEgipita; uye uchachengetedza nekuita zvimiso izvi.

13 Mutambo wematumba uchazviitira mazuva manomwe, pakuunganidza paburiro rako nepachisviniro chako chewaini.

14 Zvino uchafara pamutambo wako, iwe, nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, nemurandarume wako, nemurandakadzi wako, nemuRevhi, nemweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati memasuwo ako.

15 Mazuva manomwe uchachengetedzera Jehovha Mwari wako mutambo panzvimbo Jehovha yaachasarudza; nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza pazvibereko zvako zvose, nepamabasa ose emaoko ako; zvino uchafara zvirokwazvo.

16 Katatu pagore munhurume wako wose achaonekwa pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza: Pamutambo wechingwa chisina kuviriswa, nepamutambo wemavhiki, nepamutambo wematumba; zvino haangaonekeri pamberi paJehovha asina chinhu.

17 Umwe neumwe zvichienderana nechipo cheruoko rwake, zvichienderana neropafadzo yaJehovha Mwari wako, yaakakupa.

Mabasa evatongi nemadzishe

18 Vatongi nevatungamiriri uchazviisira pamasuwo ako ose Jehovha Mwari wako aanokupa, pamarudzi ako; uye vachatonga vanhu nekutonga kwakarurama.

19 Usatsausa mutongo; usatarira zviso; uye usatora fufuro, nokuti fufuro inopofumadza meso evakachenjera nekuminamisa mashoko evakarurama.

20 Kururama, kururama uchakuteverera, kuti urarame ugogara nhaka yenyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.

21 Usazvisimira danda rekunamata naro remuti upi neupi pedo nearitari yaJehovha Mwari wako yauchazviitira.

22 Uye usazvimisira shongwe yechifananidzo Jehovha Mwari wako yaanovenga.