ShonaTeam Deuteronomy « 15 »

Gore rekusunungurwa kwezvikwereti

15Pakupera kwemakore manomwe muchaita sununguro.

2 Zvino iyi inzira yesununguro: Mukweretesi umwe neumwe anokweretesa kune umwe wake achasunungura; haabati nesimba kune wekwake kana kuhama yake; nokuti kwakadanidzirwa sununguro kuna Jehovha.

3 Kumutorwa ungabata nesimba; asi chako chiri kuhama yako ruoko rwako rwuchasunungura;

4 koga kuti kusava nemurombo pakati pako; nokuti Jehovha achakuropafadza kwazvo panyika Jehovha Mwari wako yaanokupa kuva nhaka kuigara nhaka;

5 koga kana uchiteerera kwazvo kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuongorora kuita mirairo iyi yose yandinokuraira nhasi.

6 Nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza sezvaakataura kwauri; zvino uchakweretesa kumarudzi mazhinji, asi iwe haungakwereti; uye uchatonga pamusoro pemarudzi mazhinji, uye havangatongi pamusoro pako.

Varombo nevaranda

7 Kana kune murombo kwauri, kubva pane umwe weumwe wehama dzako mukati merimwe nerimwe remasuwo ako munyika yako Jehovha Mwari wako yaanokupa, usaomesa moyo wako, kana kuvharira ruoko rwako kubva kuhama yako murombo.

8 Asi uchamuzarurira kwazvo ruoko rwako, ugomukwereta kwazvo zvinokwana pakushaiwa kwake kwaanoshaiwa.

9 Zvichenjerere, zvimwe kuve neshoko mumoyo mako raBheriari richiti: Gore rechinomwe, gore resununguro rava pedo; ziso rako rigova rakaipa kupikisana neumwe wako murombo, kuti usamupa; zvino acheme newe kuna Jehovha, ndokuva chivi kwauri.

10 Uchamupa zvirokwazvo, nemoyo wako haungarwadziwi kana uchipa kwaari; nokuti nekuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza pamabasa ako ose nepachose chaunoisa ruoko rwako pachiri.

11 Nokuti varombo havangatongoperi pakati penyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti: Uchazarurira kwazvo hama yako ruoko rwako, kumurombo wako, nekune anoshaiwa wako munyika yako.

12 Kana hama yako, muHebheru murume kana muHebheru mukadzi achitengeswa kwauri, ndokukushandira makore matanhatu, ipapo mugore rechinomwe uchamurega kuti aende akasununguka abve kwauri.

13 Zvino kana uchimuendesa akasununguka kubva kwauri, haumuendesi asina chinhu.

14 Uchapa kwaari kwazvo kubva pamakwai ako, uye kubva paburiro rako, uye kubva pachisviniro chako chewaini; Jehovha Mwari wako pane zvaakakuropafadza nazvo, uchapa kwaari.

15 Zvino ucharangarira kuti waiva uri muranda munyika yeEgipita, Jehovha Mwari wako ndokukudzikinura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.

16 Zvino zvichaitika kana akati kwauri: Handingabudi kwauri; nokuti anoda iwe neimba yako, nokuti zvakamunakira anewe,

17 ipapo uchatora tsono ndokuboora nzeve yake nepamukova; zvino achava muranda kwauri rinhi narinhi. Uyewo kumurandakadzi wako uchaita saizvozvo.

18 Hazvingavi zvakaoma pameso ako kana ukamuendesa akasununguka kubva kwauri, nokuti wakakosha kakapamhidzirwa anohaiwa akakushandira makore matanhatu; uye Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pazvose zvaunoita.

19 Dangwe rimwe nerimwe rinozvarwa pamombe dzako nepamakwai ako, chikono uchachiita chitsvene kuna Jehovha Mwari wako; haungashandi nedangwe renzombe dzako, kana kuveura dangwe remakwai ako.

20 Uchazvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore negore panzvimbo Jehovha yaachasarudza, iwe neimba yako.

21 Zvino kana pachiri pane chipomerwa, chirema, kana bofu, chipomerwa chipi nechipi chakaipa, usachibaira kuna Jehovha Mwari wako.

22 Uchachidya mukati memasuwo ako; wakachena neasina kuchena pamwe chete, semhara uye senondo.

23 Koga ropa racho usaridya; uchariteurira pavhu semvura.