ShonaTeam Deuteronomy « 14 »

Mhuka dzakanaka nedzisina kunaka

14Muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Hamungazvicheki uye hamungaiti mhanza pakati pemeso enyu nekuda kweakafa.

2 Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; uye Jehovha wakakusarudza kuva rudzi rwefuma yakasanangurwa kwaari kubva pamarudzi ose ari pamusoro penyika.

3 Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.

4 Idzi imhuka dzamungadya: Nzombe, gwai, nembudzi;

5 nondo, nemhara, nemhembwe, nembudzi yemusango, nemharapara, nemombe yemusango, nengururu.

6 Nemhuka ipi neipi yakaparadzanisa mahwanda, inoparadzanisa zvakaparadzana kuva mahwanda maviri, inodzeya pakati pemhuka, iyo mungadya.

7 Asi idzi hamungadzidyi pane dzinodzeya uye pane dzinoparadzanisa mahwanda akaparadzana: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya asi hadziparadzanisi mahwanda; hadzina kuchena kwamuri.

8 Nenguruve, nokuti inoparadzanisa mahwanda asi haidzeyi; haina kuchena kwamuri; musadya zvenyama yadzo, uye musagunzva zvitunha zvadzo.

9 Izvi muchadya pane zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvipapiro nemakwanda mungadya.

10 Asi chipi nechipi chisina zvipapiro nemakwanda musazvidya; hazvina kuchena kwamuri.

11 Shiri dzose dzakachena mungadya.

12 Asi hamungadyi pane idzi: Gora, negondo, nenyamudzura,

13 nerukodzi, nenjerere, neruvangu nemarudzi arwo,

14 negunguvo ripi neripi nemarudzi aro,

15 nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, neruvangu nemarudzi arwo,

16 nezizi diki, nekanyurura-hove, nezizi guru,

17 nekondo, nejichidza, nekateveteve,

18 neshuramurove, nekondo nemarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.

19 Nezvipembenene zvose zvine mapapiro hazvina kuchena kwamuri; hazvidyiwi.

20 Shiri dzose dzakachena mungadzidya.

21 Musadya chitunha chipi nechipi; uchachipa kumweni ari mukati memasuwo ako, kuti achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

Zvegumi

22 Uchapa zvirokwazvo chegumi chechibereko chose chembeu dzako, munda waunochibereka gore negore.

23 Zvino uchadya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kuisa zita rakepo, chegumi chezviyo zvako, nechewaini itsva yako, nechemafuta ako, nechematangwe emombe dzako neemakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako mazuva ose.

24 Zvino kana nzira yakarebesa kwauri zvekuti haugoni kuzvitakura, nokuti iri kuresa newe nzvimbo Jehovha Mwari wako yaakasarudza kuisa zita rakepo, kana Jehovha Mwari wako akuropafadza,

25 ipapo uchazvishandura zvive mari, usungire mari muruoko rwako, ugoenda kunzvimbo Jehovha Mwari wako yaakasarudza,

26 ndokushandisa mari iyo chingava chipi mweya weupenyu wako chaunoshuva, mombe kana makwai kana waini kana zvinwiwa zvinodhaka kana chingava chipi mweya weupemyu wako chaunoshuva, zvino uchadyirapo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare iwe neimba yako.

27 Uye muRevhi ari mukati memasuwo ako, usamusiya, nokuti haana mugove kana nhaka newe.

28 Pakupera kwemakore matatu uchabudisa chegumi chose chezvibereko zvako mugore iro, ugozviisa mukati memasuwo ako.

29 Zvino muRevhi, sezvo asina mugove kana nhaka pamwe newe, nemweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati memasuwo ako, vachauya vadye vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pabasa rose reruoko rwako raunoita.