ShonaTeam Deuteronomy « 13 »

Kunamata kwenhema

13Kana kukamuka muporofita kana muroti wehope pakati pako, ndokukupa chiratidzo kana chishamiso,

2 zvino icho chiratidzo kana chishamiso chikaitika chaakataura kwauri achiti: Ngatitevere vamwe vamwari vausina kuziva uye ngativashumire;

3 usateerera kumashoko emuporofita uyo kana kumuroti wehope uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokuidzai, kuti azive kuti munomuda here Jehovha Mwari wenyu nemoyo wenyu wose uye nemweya weupenyu wenyu wose.

4 Jehovha Mwari wenyu muchamutevera, uye muchatya iye, nemirairo yake muchachengeta, uye inzwi rake muchateerera, uye muchashumira iye, nekunamata iye.

5 Zvino muporofita uyo kana muroti wehope uyo ngaaurawe; nokuti wakataura kukutsausa kubva pana Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai kubva panyika yeEgipita, nekukudzikinurai kubva muimba yeuranda; kukutinhirai kunze kwenzira Jehovha Mwari wako yaakakuraira kufamba mairi. Saizvozvo uchabvisa kuipa kubva pakati pako.

6 Kana munin'ina kana mukoma wako, mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi wepachifuva chako, kana shamwari yako yakaita semweya weupenyu wako, akakukwezva pakavanda achiti: Ngatiende tinoshumira vamwe vamwari vausina kuziva iwe kana madzibaba ako,

7 chevamwari vevanhu vakakupoteredzai, vari pedo newe kana kure newe, kubva pane rumwe rutivi rwenyika kusvika kune rumwe rutivi rwenyika.

8 Usamutendera uye usateerera kwaari; ziso rako risamunzwira tsitsi, uye usamurega, uye usamuvanza.

9 Asi uchamuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako rwuchava rwekutanga kumuuraya, zvino pashure ruoko rwevanhu vose.

10 Zvino uchamutaka nemabwe kuti afe, nokuti watsvaka kukutinhira kure naJehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeEgipita paimba yeuranda.

11 Zvino Israeri wose achazvinzwa, ndokutya, uye haangaitizve seichi chinhu chakaipa pakati pako.

12 Kana ukanzwa kune rimwe remaguta ako Jehovha Mwari wako aanokupa kugaramo kuchinzi:

13 Varume, vana vaBheriari, vanobuda kubva pakati pako, uye vasundidzira vagari veguta ravo vachiti: Handei tinoshumira vamwe vamwari vamusina kuziva.

14 Zvino uchatsvaka, ndokutsvakisisa, ndokubvunza zvakanaka; tarira, kana chiri chokwadi, chinhu icho ndechechokwadi, chinyangadzo ichi chakaitwa pakati pako,

15 ucharova kwazvo vagari veguta iro nekwakapinza kwemunondo, uchiriparadza chose, nechose chiri mariri, nezvipfuwo zvaro, nekwakapinza kwemunondo.

16 Zvino uchaunganidza chakapambiwa charo chose pakati pemugwagwa waro, uye uchapisa guta nemoto nechakapambiwa charo chose zvachose, kuna Jehovha Mwari wako; zvino richava dutu rinhi narinhi; haringavakwizve.

17 Zvino pasanamatira paruoko rwako chimwe chezvakatukwa, kuti Jehovha adzoke pakupfuta kwekutsamwa kwake, uye akupe ngoni, agokunzwira tsitsi, nekukuwanza, sezvaakapikira madzibaba ako;

18 kana ukateerera kuinzwi raJehovha Mwari wako, kuchengeta mirairo yake yose yandinokuraira nhasi, kuita zvakarurama pameso aJehovha Mwari wako.