ShonaTeam Deuteronomy « 12 »

Nzvimbo tsvene

12Ndizvo zvimiso nemitongo zvamuchaongorora kuita munyika Jehovha Mwari wemadzibaba ako yaanokupa kuigara nhaka, mazuva ose amunorarama panyika.

2 Muchaparadza kwazvo nzvimbo dzose, marudzi amuchagara nhaka paakashumira vamwari vawo, pamusoro pemakomo marefu nepamusoro pezvikomo uye pasi pemiti yakasvibirira yose.

3 Zvino muchaputsanya aritari dzavo, nekuputsa shongwe dzavo, nekupisa matanda avo ekunamata nawo nemoto, mutemere pasi zvifananidzo zvavamwari vavo zvakavezwa, nekuparadza zita ravo kubva panzvimbo iyo.

4 Musaita saizvozvo kuna Jehovha Mwari wenyu.

5 Asi panzvimbo Jehovha Mwari wenyu yaachasarudza pakati pemarudzi enyu ose kuisa zita rakepo, muchatsvaka kunzvimbo yake yekugara, uye uchaendako,

6 muunzepo zvipo zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nechipo chinosimudzwa cheruoko rwenyu, nemhiko dzenyu, nezvipo zvekuzvidira zvenyu, nematangwe emombe dzenyu neemakwai enyu.

7 Zvino muchadyapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, uye makafara nechose chamakaisa ruoko rwenyu kwachiri, imwi nedzimba dzenyu, Jehovha Mwari wenyu chaakakuropafadzai pachiri.

8 Hamungaiti sezvose zvatinoita pano nhasi, umwe neumwe chero chipi chakanaka pameso ake.

9 Nokuti hamusati masvika pazororo nepanhaka Jehovha Mwari wako yaanokupa.

10 Pamunenge mayambuka Joridhani, uye magara munyika Jehovha Mwari wenyu yaanokugarisai nhaka, uye akupai zororo pavavengi venyu vose vakapoteredza, uye magara makachengetedzeka,

11 ipapo pachava nenzvimbo Jehovha Mwari wenyu yaachasarudza kugarisa zita rakepo. Ipapo muchaunza zvose zvandakakurairai: Zvipo zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, zvegumi zvenyu, nechipo chinosimudzwa cheruoko rwenyu, nemhiko dzakanakisa dzenyu dzose, dzamuchapikira Jehovha.

12 Zvino muchafara pamberi paJehovha Mwari wenyu, imwi, nevanakomana venyu, nevanasikana venyu, nevarandarume venyu, nevarandakadzi venyu, nemuRevhi ari mukati memasuwo enyu, nokuti haana mugove nenhaka nemwi.

13 Zvichenjerere kuti usapa zvipo zvako zvinopiswa panzvimbo ipi neipi yaunoona.

14 Asi panzvimbo Jehovha yaachasarudza pane rumwe rwemarudzi ako, ipapo uchapa zvipo zvako zvinopiswa, uye ipapo uchaita zvose zvandinokuraira.

15 Asi sechido chose chemweya weupenyu wako ungabaya nekudya nyama mukati memasuwo ako ose, zvichienderana neropafadzo yaJehovha Mwari wako yaakakupa; asina kuchena newakachena angaidya, seyemhara neyenondo.

16 Koga musadya ropa; muchariteurira pavhu semvura.

17 Haungadyiri mukati memasuwo ako chegumi chezviyo zvako, kana chewaini yako itsva, kana chemafuta ako, kana matangwe emombe dzako neemakwai ako, kana mhiko ipi neipi yaunopika, kana zvipo zvako zvekuzvidira, kana chipo chinosimudzwa cheruoko rwako.

18 Asi uchazvidya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo Jehovha Mwari wako yaachasarudza, iwe nemwanakomana wako nemwanasikana wako, nemurandarume wako nemurandakadzi wako, nemuRevhi ari mumasuwo ako; zvino uchafara pamberi paJehovha Mwari wako pachose chaunoisa ruoko rwako pachiri.

19 Zvichenjerere kuti usasiya muRevhi mazuva ako ose panyika yako.

20 Apo Jehovha Mwari wako achikurisa muganhu wako, sezvaakataura kwauri, zvino uchati: Ndichadya nyama; nokuti moyo wako unoshuva kudya nyama, pachishuvo chose chemweya weupenyu wako uchadya nyama.

21 Kana nzvimbo Jehovha Mwari wako yaakasarudza kuisa zita rakepo iri kuresa newe, zvino uchabaira pamombe dzako kana pamakwai ako Jehovha zvaakakupa, sezvandakakuraira, zvino uchadya mumasuwo ako zvichienderana nechose chishuvo chemweya weupenyu wako.

22 Asi sezvinodyiwa mhara nenondo saizvozvo uchazvidya; asina kuchena neakachena vachazvidya pamwe.

23 Koga iva nechokwadi kuti haudyi ropa, nokuti ropa upenyu; zvino usadya upenyu pamwe nenyama.

24 Usaridya; uchariteura pavhu semvura.

25 Usaridya, kuti zvikunakire nevana vako shure kwako, pauchaita zvakarurama pameso aJehovha.

26 Koga zvinhu zvitsvene zvaunazvo nemhiko dzako uchazvitora ugoenda munzvimbo Jehovha yaachasarudza.

27 Zvino uchapa zvipo zvako zvinopiswa, nyama neropa, pamusoro pearitari yaJehovha Mwari wako; neropa rezvibairo zvako richateurirwa pamusoro pearitari yaJehovha Mwari wako; nenyama uchaidya.

28 Chenjerera ugonzwa mashoko awa ose andinokuraira, kuti zvikunakire nevana vako shure kwako nekusingaperi, paunoita zvakanaka nezvakarurama pameso aJehovha Mwari wako.

29 Apo Jehovha Mwari wako achagura marudzi kubva pamberi pako paunoenda kugara nhaka yawo, apo wadya nhaka yawo wagara munyika yawo,

30 uzvichenjerere, zvimwe ungateyiwa kuatevera, shure kwekuparadzwa kwawo pamberi pako, uye kuti usabvunza kuna vamwari vawo uchiti: Marudzi awa anoshumira sei vamwari vawo? Neni ndichaita saizvozvo.

31 Haungaitiri saizvozvo Jehovha Mwari wako; nokuti chinyangadzo chimwe nechimwe kuna Jehovha chaanovenga vakachiitira vamwari vavo; nokuti kunyange vanakomana vavo nevanasikana vavo vakavapisira vamwari vavo nemoto.

32 Chinhu chose chandinokurairai chenjerai kuchiita; musawedzera pachiri kana kutapudza pachiri.