ShonaTeam Deuteronomy « 11 »

Ukuru hwaJehovha

11Naizvozvo uchada Jehovha Mwari wako, nekuchengeta mutemo wake nezvimiso zvake nemitongo yake nemirairo yake mazuva ose.

2 Zvino zivai nhasi, nokuti handitauri nevana venyu vasina kuziva, uye vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu, ukuru hwake, chanza chake chine simba, neruoko rwake rwakatandavadzwa,

3 nezviratidzo zvake, nezviito zvake, zvaakaita mukati meEgipita kuna Farao mambo weEgipita nekunyika yake yose;

4 nezvaakaita kuhondo yeEgipita, kumabhiza avo, uye kungoro dzavo; wakaita sei mvura yeGungwa Dzvuku kukukura pazviso zvavo ivo pavakateverera shure kwako; Jehovha ndokuvaparadza kusvika nhasi.

5 Nezvaakaita kwamuri murenje, kusvika masvika panzvimbo ino.

6 Nezvaakaita kuna Dhatani nekuna Abhiramu vanakomana vaEriabhu mwanakomana waRubheni; mashamisiro akaita nyika muromo wayo, ndokuvamedza, nevedzimba dzavo, nematende avo, nenhumbi dzose dzaiva dzavo pakati paIsraeri wose.

7 Asi meso enyu ndiwo anoona zviito zvose zvikuru zvaJehovha zvaakaita.

8 Naizvozvo munofanira kuchengeta mirairo yose yandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mugare nhaka yenyika iyo kwamunoyambuka kunoiita yenyu;

9 uye kuti mugorebesa mazuva panyika, Jehovha yaakapikira madzibaba enyu, kupa kwavari nekuchizvarwa chavo, nyika inoyerera mukaka neuchi.

10 Nokuti nyika kwaunoenda kunoiita yako, haina kufanana nenyika yeEgipita, kwamakabuda, kwawaidzvara mbeu dzako, uchidzidiridza netsoka dzako, semunda wemiriwo.

11 Asi nyika yamunoyambukira kwairi kuigara nhaka inyika yemakomo nemipata; inonwa mvura pamvura inonaya yematenga;

12 inyika Jehovha Mwari wako yaanochengeta; meso aJehovha Mwari wako ari pamusoro payo nguva dzose, kubva pakutanga kwegore kusvika pakupedzisira kwegore.

13 Zvino zvichaitika, kana mukateerera kwazvo kumirairo yangu yandinokurairai nhasi, kuda Jehovha Mwari wenyu, nekumushumira nemoyo wenyu wose uye nemweya wenyu wose,

14 kuti ndichapa mvura yenyika yenyu panguva yayo, mvura yekutanga nemvura yekupedzisira, kuti uunganidze zviyo zvako, newaini yako itsva, nemafuta ako.

15 Zvino ndichapa uswa kuzvipfuwo zvako pamafuro ako, uye uchadya ugoguta.

16 Zvichenjererei kuti moyo yenyu irege kunyengerwa mutsauke ndokushumira vamwe vamwari, ndokuvanamata;

17 kuti hasha dzaJehovha dzikupfutirei, uye apfige matenga, kuti kusava nemvura yekunaya, nenyika isapa goho rayo, zvino muparare nekukurumidza kubva panyika yakanaka Jehovha yaanokupai.

18 Zvino muchaisa mashoko angu awa pamoyo penyu nemumweya weupenyu wenyu; mugoasungira kuva chiratidzo paruoko rwenyu, kuti ave sevundanyara pakati pemeso enyu.

19 Uye muchaadzidzisa vana venyu, muchitaura nezvawo kana wakagara muimba yako, uye paunofamba panzira, uye paunorara pasi, nepaunomuka.

20 Zvino uchaanyora pamagwatidziro eimba yako nepamasuwo ako;

21 kuti mazuva enyu awande, nemazuva evana venyu, panyika Jehovha yaakapikira madzibaba enyu kuvapa, semazuva ekumatenga pamusoro penyika.

22 Nokuti kana mukachengeta kwazvo mirairo iyi yose yandinokurairai, kuiita, kuda Jehovha Mwari wenyu, kufamba munzira dzake dzose, uye kumunamatira;

23 ipapo Jehovha achadzinga ndudzi idzi dzose kubva pamberi penyu, uye muchagara nhaka yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuurai.

24 Nzvimbo imwe neimwe pachatsika pasi perutsoka rwenyu ichava yenyu, kubva murenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Furati, nekusvika kugungwa rekupedzisira, uchava muganhu wako.

25 Hakuna munhu achamira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu achaisa kutyisa kwenyu nekuvhundusa kwenyu pamusoro penyika yose yamuchatsika pairi, sezvaakataura kwamuri.

26 Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu ropafadzo nekutukwa;

27 ropafadzo kana mukateerera mirairo yaJehovha Mwari wenyu yandinokurairai nhasi;

28 nekutukwa kana musingateereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokurairai nhasi, kutevera vamwe vamwari vamusina kuziva.

29 Zvino zvichaitika Jehovha Mwari wako paanokupinza panyika yaunoenda kuigara nhaka, kuti uchaisa ropafadzo pamusoro pegomo Gerizimi, nekutukwa pamusoro pegomo Ebhari.

30 Ko haasi mhiri kwaJoridhani, shure kwenzira yekumavirazuva, munyika yevaKenani, vagere pamapani pakatarisana neGirigari, pedo nemiouki yeMore?

31 Nokuti muchayambuka Joridhani kupinda kugara nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanokupai; zvino muchaigara nhaka ndokugara mairi.

32 Chenjerai kuti muite zvimiso nemitongo zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.