ShonaTeam Deuteronomy « 10 »

10Panguva iyo Jehovha wakati kwandiri: Zvivezere mahwendefa maviri emabwe akafanana neekutanga, ugokwira kwandiri kugomo; ugozviitira areka yematanda.

2 Zvino ndichanyora pamahwendefa mashoko aiva pamahwendefa ekutanga awakaputsa; ugoaisa muareka.

3 Zvino ndakaita areka yematanda emuakasia, ndokuveza mahwendefa maviri emabwe akafanana neekutanga, ndokukwira mugomo, nemahwendefa maviri ari muruoko rwangu.

4 Zvino wakanyora pamahwendefa zvichienderana nekunyora kwekutanga, mirairo gumi, Jehovha yaakataura kwamuri mugomo kubva mukati memoto pazuva reungano; Jehovha ndokuapa kwandiri.

5 Zvino ndakatendeuka ndokuburuka mugomo, ndokuisa mahwendefa muareka yandaiva ndaita. Zvino aripo ipapo, Jehovha sezvaakandiraira.

6 Zvino vana vaIsraeri vakabva paBheeroti-Bhene-Jakani kuenda kuMosera; ipapo Aroni wakafa, ndokuvigwapo; Eriazari mwanakomana wake ndokushumira paupristi panzvimbo yake.

7 Vachibvapo vakaenda kuGudhigodha; uye kubva paGudhigodha vakaenda kuJotibhati, nyika yehova dzemvura.

8 Panguva iyo Jehovha wakatsaura rudzi rwaRevhi kutakura areka yesungano yaJehovha, kumira pamberi paJehovha, kumushumira, nekuropafadza muzita rake, kusvika nhasi.

9 Naizvozvo Revhi haana mugove kana nhaka pamwe nehama dzake; Jehovha inhaka yake, Jehovha Mwari wako sezvaakamuvimbisa.

10 Zvino ini ndakagara mugomo sepamazuva ekutanga, mazuva makumi mana neusiku makumi mana; Jehovha ndokundinzwa panguva iyowo; Jehovha akasada kukuparadza.

11 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Simuka enda parwendo pamberi pevanhu, kuti vapinde vagare nhaka yenyika, yandakapikira kumadzibaba avo kupa kwavari.

12 Zvino ikozvino, Israeri, chii Jehovha Mwari wako chaanoda kwauri, kunze kwekutya Jehovha Mwari wako, kufamba munzira dzake dzose, nekumuda, nekushumira Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose,

13 kuchengeta mirairo yaJehovha nezvimiso zvake zvandinokuraira nhasi kuti zvikunakire?

14 Tarira, matenga, nematenga ematenga, nyika, nezvose zviri mairi, ndezvaJehovha Mwari wako.

15 Koga Jehovha wakafarira madzibaba ako kuvada, ndokusarudza mbeu yavo shure kwavo, iyemwi, kubva pamarudzi ose, sanhasi.

16 Naizvozvo dzingisai chikanda chepamberi chemoyo wenyu, musachiomesa mutsipa wenyu.

17 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wevamwari, naIshe wemadzishe, Mwari mukuru, ane masimba, uye anotyisa, asingasaruri zviso, kana kugamuchira fufuro.

18 Anotongera nherera nechirikadzi zvakarurama, uye anoda mutorwa pakumupa zvekudya nenguvo.

19 Naizvozvo muchada mutorwa, nokuti maiva vatorwa munyika yeEgipita.

20 Uchatya Jehovha Mwari wako; uchashumira iye, uye uchanamatira paari, uye uchapika nezita rake.

21 Ndiye rumbidzo yako, uye ndiMwari wako, wakakuitira zvinhu izvi zvikuru uye zvinotyisa, meso ako zvaakaona.

22 Madzibaba ako akaburukira kuEgipita ane vanhu makumi manomwe; zvino ikozvino Jehovha Mwari wako wakakuita uve senyeredzi dzematenga pakuwanda.