ShonaTeam Deuteronomy « 9 »

Jehovha achaparadza marudzi eKenani

9Inzwa, Israeri; unoyambuka nhasi Joridhani, kupinda ugare nhaka yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuura, maguta makuru ane masvingo anosvika kumatenga;

2 vanhu vakuru uye varefu, vana vevaAnaki vaunoziva, iwe wakanzwa nezvavo zvichinzi: Ndiani angamira pamberi pevana vaAnaki?

3 Naizvozvo ziva nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye anoyambuka mberi kwako, ari moto unoparadza; iye achavaparadza, uye iye achavaburusira pasi pamberi pako; zvino muchavadzinga vabve panhaka yavo, uye muvaparadze nekukurumidza, Jehovha sezvaakataura kwauri.

4 Jehovha Mwari wako paanenge avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako uchiti: Nekuda kwekururama kwangu Jehovha wakandipinza kuti ndigare nhaka yenyika ino; asi nekuda kwekuipa kwendudzi idzi Jehovha anovadzinga vabve panhaka yavo pamberi pako.

5 Kwete nekuda kwekururama kwako kana nekuda kwekururama kwemoyo wako, unopinda udye nhaka yenyika yawo; asi nekuda kwekuipa kwemarudzi awa Jehovha Mwari wako anoadzinga abve pamberi pako, uye kuti asimbise shoko Jehovha raakapikira madzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove.

6 Zvino ziva, kuti kwete nekuda kwekururama kwako Jehovha Mwari wako anokupa nyika iyi yakanaka kuigara nhaka; nokuti uri rudzi rwune mutsipa mukukutu.

Vana vaIsraeri vakamukira Jehovha murenje

7 Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako murenje; kubva pazuva rawakabuda munyika yeEgipita kusvika masvika panzvimbo iyi manga muchimukira Jehovha.

8 NepaHorebhu makatsamwisa Jehovha, kusvika Jehovha akakutsamwirai kukuparadzai.

9 Pandaiva ndakwira mugomo kunogamuchira mahwendefa emabwe, mahwendefa esungano Jehovha yaakaita nemwi, zvino ndakagara mugomo mazuva makumi mana neusiku makumi mana; handina kudya chingwa uye handina kunwa mvura.

10 Zvino Jehovha wakandipa mahwendefa awa maviri emabwe akanyorwa nemunwe waMwari; uye pamusoro pawo pakanyorwa zvemashoko ose Jehovha aakataura kwamuri mugomo ari mukati memoto nezuva reungano.

11 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva makumi mana neusiku makumi mana, kuti Jehovha wakandipa mahwendefa maviri emabwe, mahwendefa esungano.

12 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Simuka, buruka nekukurumidza ubve pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa muEgipita vazvisvibisa; vatsauka nekukurumidza panzira yandakavaraira; vazviitira chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa.

13 Uye Jehovha wakataura kwandiri achiti: Ndaona vanhu ava, zvino tarira, vanhu vane mitsipa mikukutu.

14 Ndirege kuti ndivaparadze, uye ndidzime zita ravo kubva pasi pematenga; zvino ndichakuita uve rudzi rwune simba uye rwakawanda kuvapfuura.

15 Zvino ndakatendeuka ndikaburuka mugomo; gomo ndokupfuta nemoto; zvino mahwendefa maviri esungano aiva mumaoko angu maviri.

16 Zvino ndakatarira, zvino tarira, maiva matadzira Jehovha Mwari wenyu; mazviitira mhuru yakaumbwa nekunyungudusa; maiva makurumidza kutsauka kubva munzira Jehovha yaakakurairai.

17 Zvino ndakabata mahwendefa maviri, ndokuarasa kubva mumaoko angu, ndokuaputsa pamberi pemeso enyu.

18 Zvino ndakawira pasi pameso aJehovha sepakutanga, mazuva makumi mana neusiku makumi mana; handina kudya chingwa kana kunwa mvura, nekuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakatadza pakuita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.

19 Nokuti ndakatya kutsamwa nekupfuta Jehovha kwaaiva akutsamwirai nako kukuparadzai; asi Jehovha wakandinzwawo panguva iyo.

20 Zvino Jehovha waiva akatsamwirawo zvikuru Aroni kuti amuparadze; asi ndikanyengetererawo Aroni panguva iyo.

21 Zvino ndakatora chivi chenyu, mhuru yamaiva maita, ndokuipisa nemoto, ndokuipwanya, ndichiikuisisa kusvika yava diki seguruva; zvino ndakakandira guruva rayo murukova rwaiburuka kubva mugomo.

22 NepaTabhera nepaMasa nepaKibhuroti-Hatava maitsamwisa Jehovha.

23 Neapo Jehovha paakutumai kubva paKadheshi-Bharineya, achiti: Kwirai mugare nhaka yenyika yandakakupai, zvino makamukira murairo waJehovha Mwari wenyu, uye hamuna kumutenda kana kuteerera kuinzwi rake.

24 Maiva vanomukira Jehovha kubva pazuva rekukuzivai kwangu.

25 Zvino ndakazviwisira pasi pamberi paJehovha mazuva makumi mana neusiku makumi mana, andakazviwisira pasi nawo; nokuti Jehovha waiva ati achakuparadzai.

26 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha ndokuti: Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikinura neukuru hwenyu, vamakabudisa kubva muEgipita neruoko rwune simba.

27 Rangarirai varanda venyu, Abhurahama, Isaka, naJakove; musatarisa nharo dzevanhu ava nekuipa kwavo nechivi chavo;

28 zvimwe nyika yamakatibudisa mairi iti: Nekuda kwekuti Jehovha waiva asingakwanisi kuvapinza munyika yaakavavimbisa, uye nokuti waiva achivavenga, wakavabudisa kuti avauraire murenje.

29 Ivo vanhu venyu uye nhaka yenyu, vamakabudisa nesimba renyu guru uye neruoko rwenyu rwakatandavadzwa.