ShonaTeam Deuteronomy « 8 »

Vanofanira kurangarira zvavakaitirwa vagoteerera Jehovha

8Mirairo yose yandinokuraira nhasi muchachengetedza kuiita, kuti murarame, muwande, mupinde, mudye nhaka yenyika, Jehovha yaakapikira madzibaba enyu.

2 Zvino ucharangarira nzira yose Jehovha Mwari wako yaakakutungamirira nayo makore awa makumi mana murenje, kuti akuninipise, kukuidza, kuziva zviri mumoyo mako, kana uchachengetedza mirairo yake kana kwete.

3 Zvino wakakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakudyisa mana yawaiva usingazivi, kunyange madzibaba ako aiva asingazivi, kuti akuzivise kuti munhu haararami nechingwa choga, asi kuti munhu anorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.

4 Nguvo yako haina kusakara pamusoro pako uye tsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana.

5 Naizvozvo ziva mumoyo mako, kuti munhu sezvaanoranga mwanakomana wake, Jehovha Mwari wako anokuranga.

6 Naizvozvo uchachengetedza mirairo yaJehovha Mwari wako, kufamba munzira dzake, nekumutya.

7 Nokuti Jehovha Mwari wako anokupinza munyika yakanaka, nyika yehova dzemvura, yezvitubu, neudziku hunobuda mumipata nemumakomo;

8 nyika yegorosi nebhari nemizambiringa nemionde, nemapomegiranati; nyika yemuti wemuorivhi wemafuta, neuchi;

9 nyika kwauchadya chingwa pasina kushaiwa; haungashaiwi chero chinhu mairi; nyika mabwe ayo ari mhangura, uye kubva muzvikomo zvayo uchachera ndarira.

10 Paunenge wadya ukaguta, ucharumbidza Jehovha Mwari wako nekuda kwenyika yakanaka yaakakupa.

11 Zvichenjerere, zvimwe ungakanganwa Jehovha Mwari wako, nekusachengetedza mirairo yake nemitongo yake nezvimiso zvake, zvandinokuraira nhasi.

12 Zvimwe paunenge wadya ukaguta, wavaka dzimba dzakanaka ndokugaramo,

13 nemombe dzako nemakwai ako zvawanda, nesirivha negoridhe zvawanda kwauri, nezvose zviri zvako zvawanda,

14 nemoyo wako wazvikudza, ukakanganwawo Jehovha Mwari wako wakakubudisa munyika yeEgipita kubva muimba yeuranda;

15 wakakutungamirira murenje guru uye rinotyisa, maiva nenyoka dzinopisa nezvinyavada nevhu rakaoma paiva pasina mvura, wakakubudisira mvura padombo remusarasara;

16 wakakudyisa mana murenje, madzibaba ako yavasina kuziva, kuti akuninipise uye kuti akuidze, kukuitira zvakanaka pakupedzisira kwako;

17 zvino uti mumoyo mako: Simba rangu nekusimba kweruoko rwangu zvakandiwanira fuma iyi.

18 Asi ucharangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rekuwana fuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sanhasi.

19 Zvino zvichati kana ukakanganwa-kanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ndokuvashumira, ndokuvanamata, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparara kwazvo.

20 Semarudzi Jehovha aakaparadza pamberi penyu, saizvozvo muchaparara, nokuti hamuna kuteerera kuinzwi raJehovha Mwari wenyu.